-
Zuva raJehovha Rokutonga Rava Pedyo!Nharireyomurindi—2001 | February 15
-
-
11. Zefania 1:8-11 inonyatsorevei?
11 Ichitaura nezvezuva raJehovha, Zefania 1:8-11 inowedzera kuti: “Nezuva rechibayiro chaJehovha ndicharova machinda navanakomana vamambo, navose vakapfeka nguo dzavatorwa. Nezuva iro ndicharova vose vanodarika chikumbaridzo, vanozadza imba yatenzi wavo nokupambara nokunyengera. Zvino nezuva iro—ndizvo zvinotaura Jehovha—kuchanzwika mhere inobva pasuo rehove, nokuchema kunobva kurutivi rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kunobva kumakomo. Chemai imi mugere Makteshi; nokuti vanhu vose veKanani vapera, vose vakanga vakapfuma sirivheri vabviswa.”
-
-
Zuva raJehovha Rokutonga Rava Pedyo!Nharireyomurindi—2001 | February 15
-
-
13. Maererano nouprofita hwaZefania, chii chaizoitika vaBhabhironi pavairwisa Jerusarema?
13 “Zuva iro” rokutonga Judha rinoenderana nezuva raJehovha rokutonga vavengi vake, rokugumisa uipi, uye rokuratidza ukuru hwake. VaBhabhironi pavairwisa Jerusarema, kuchema kwaizobva paSuo reHove. Zvimwe rakatumidzwa kudaro nokuti raiva pedyo nomusika wehove. (Nehemia 13:16) Mapoka eBhabhironi aizopinda muchikamu chinonzi rutivi rutsva rweguta, uye “kukoromoka . . . kunobva kumakomo” kungaratidza ruzha rwokusvika kwevaKardhea. Paizova noku“chema” kunoitwa nevagari vokuMakteshi, zvimwe kumusoro kwoMupata weTyropoeon. Nei vaizochema? Nokuti basa rokutengeserana, kusanganisira riya roku“pfuma sirivha,” raizopera ikoko.
-