Batanidzwai Nomutauro Wakachena
“Ipapo ndichapa kuvanhu chinjo kumutauro wakachena, kuti vose vadane pazita raJehovha, kuti vamubatire pamwe chete.”—ZEFANIA 3:9, NW.
1. Vanhu vati vanzwa Jehovha Mwari achitaura here?
MUTAURO waJehovha Mwari wakachena. Asi vanhu vati vamunzwa achitaura here? Chokwadi, hungu! Ikoko kwakaitika apo Mwanakomana wake, Jesu Kristu, akanga ari pasi pano mazana amakore 19 apfuura. Somuenzaniso, apo Jesu akabhapatidzwa, Mwari akanzwika achiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.” (Mateo 3:13-17, NW) Ikoko kwakanga kuri kutaura kwezvokwadi yakachena, kwakanzwiwa naJesu naJohane Mubhapatidzi mumutauro wavanhu.
2. Chii chinoratidzirwa nokunongedzera kwomuapostora Pauro ku“ndimi . . . dzengirozi”?
2 Makore akati gare gare muapostora wechiKristu Pauro akataura nezve“ndimi dzavanhu nedzengirozi.” (1 VaKorinte 13:1, NW) Ikoku kunoratidzirei? Chokwadi, kunoratidza kuti havasati vari vanhu bedzi asiwo vanhu vomudzimu vane mutauro nokutaura! Chokwadika, Mwari nengirozi havakurukurirani kupfurikidza nokushandisa manzwi nomutauro zvinonzwika nezvinonzwisisika kwatiri. Zvokona neiko? Nemhaka yokuti mweya wakadai sowakapoteredza pasi unodikanwa kuparadzira masaisai enzwi kuti vanhu vagone kunzwa ndokunzwisisa.
3. Mutauro wavanhu wakavamba sei?
3 Mutauro wavanhu wakavamba sei? Vamwe vanotaura kuti vakare vedu vairwisa kuti vakurukurirane kupfurikidza nokutendeukira kukuomba nokugomera. Bhuku rinonzi Evolution (Life Nature Library) rinoti: “Munhu wetsoko weinenge mirioni imwe yamakore apfuura . . . sezvinobvira akadzidza manzwi okutaura mashomanene.” Asi murongi weduramashoko akakurumbira Ludwig Koehler akati: “Kutaura kwomunhu ndichakavanzika; chipo choumwari, chishamiso.” Hungu, kutaura kwomunhu chipo choumwari, nokuti Mwari akapa munhu wokutanga, Adhama, mutauro. Sezviri pachena iwo wakanga uri uyo pakupedzisira wakadanwa kunzi chiHebheru. Mutauro iwoyo wakataurwa navazukuru vechiIsraeri va“Abrama muHebheru,” tateguru akatendeka uyo mukare wake Shemi akanga ari mwanakomana womuvaki weareka Noa. (Genesi 11:10-26; 14:13; 17:3-6) Nemhaka yechikomborero chouporofita chaMwari pana Shemi, kune mufungo kugumisa kuti mutauro wake hauna kutapurwa nechimwe chinhu icho Jehovha Mwari akaita nenzira yenenji mazana amakore 43 apfuura.—Genesi 9:26.
4. Ndiani akanga ari Nimirodhi, uye akashandiswa sei naSatani Dhiabhorosi?
4 Panguva iyoyo ‘pasi rose rakanga riri romutauro mumwe namashoko mamwe.’ (Genesi 11:1) Airarama panguva iyeyo akanga ari Nimirodhi, “mudzimba mukuru pamberi paJehovha.” (Genesi 10:8, 9) Muvengi mukuru asingaoneki worudzi rwomunhu, Satani, zvikurukuru akashandisa Nimirodhi kuronga rutivi rwapasi rwesangano raDhiabhorosi. Nimirodhi aida kuzviitira amene zita, uye chimiro ichocho chokuzvitutumadza chakapararira kuvateveri vake, avo vakatanga basa chairo rokuvaka munyika yeShinari. Mukuwirirana naGenesi ganhuro 11, ndima 4, ivo vakati: “Uyai, ngatizvivakire guta, norusvingo, rune musoro unosvikira kudenga, tizvimutsire mukurumbira, kuti tirege kupararira panyika yose.” Basa iroro mukupesana nomurairo waMwari woku“zadza nyika” rakaguma apo Jehovha akanyonganisa mutauro wavapandukiri. “Jehovha,” inodaro nhauro yeBhaibheri, “akavaparadzira ipapo, vakapararira panyika yose, vakarega kuvaka guta ravo.” (Genesi 9:1; 11:2-9) Guta iroro rakatumidzwa kuti Bhabheri, kana kuti Bhabhironi (kureva kuti, “Nyongano”), “nemhaka yokuti ipapo Jehovha akavhenganisa mutauro wapasi pose.”—Byington.
5. (a) Chii chakadziviswa apo Mwari akanyonganisa mutauro worudzi rwomunhu? (b) Chii chatinogona kugumisa pamusoro pomutauro waNoa naShemi?
5 Nenji iroro—kunyonganiswa kwomutauro mumwe wavanhu—rakatungamirira kukuzadza pasi sezvo Mwari akanga araira Noa, uye rakadzivisa rongedzero ipi neipi iyo Satani aiva nayo yokutanga kunamatwa kwakabatana kusina kuchena kwake amene navanhu vakanga vapandukira Changamire Ishe wedenga napasi. Chokwadi, kupfurikidza nokushandisa rudzidziso rwenhema muchimiro chipi nechipi, vanhu vaiva vanyajambwa vaDhiabhorosi, uye vakanga vachibatira madhemoni pavaiita vamwari navamwarikadzi, kuvapa mazita mumitauro yavo yakasiana-siana, uye kuvanamata. (1 VaKorinte 10:20) Asi chiito chakaitwa naMwari mumwe bedzi wechokwadi paBhabheri chakadzivisa kuumbwa kworudzidziso rumwe rwakabatana runopa Dhiabhorosi kunamatwa kwaaipanga nenzira iri pachena. Chokwadika, Noa akarurama nomwanakomana wake Shemi havana kutongova vakabatanidzwa mungwavaira iyoyo munyika yeShinari. Naizvozvo kunogona kugumiswa nenzira ine mufungo kuti mutauro wavo wakaramba uri uyo waitaurwa naAbrama (kana kuti Abrahama) akatendeka—rurimi urwo Mwari akataura narwo kumunhu Adhama mubindu reEdheni.
6. Pazuva rePentekosta 33 N.V., Jehovha akaratidza sei kuti aigona kupa mano okutaura nendimi?
6 Jehovha, uyo akanyonganisa mutauro wokutanga worudzi rwomunhu, anogonawo kupa mano okutaura nendimi. Chokwadi, akaita chinhu ichocho chimene pazuva rePentekosta mugore ra 33 reNguva yedu yaVose! Mukuwirirana naMabasa 2:1-11, vanenge vateveri 120 vaJesu Kristu vakanga vakaungana panguva iyeyo mukamuri rapamusoro muJerusarema. (Mabasa 1:13, 15) Kamwe kamwe, kwakanga kune kutinhira kwakabva kudenga “sokwemhepo inovhuvhuta.” “Ndimi dzinenge dzomwoto” dzakaoneka uye dzakaparadzirwa. Pana ikoko vadzidzi “vakazadzwa no[mudzimu, NW] mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo no[mudzimu, NW] kureva.” Mumitauro iyoyo yakapiwa nenzira youmwari, ivo vakataura “mabasa makuru aMwari.” Uye iroro rakanga riri nenji rakadini, sezvo vaJudha navaproserite vendimi dzakasiana-siana, vakabva kunzvimbo dziri kure dzakadai seMesopotamia, Egipita, Ribhia, uye Roma, vakanzwisisa shoko rinopa upenyu!
Mutauro Wakapiwa naMwari Nhasi!
7. Ikariroi dzaizovapo kudai mutauro mumwe bedzi uchitaurwa ndokunzwisiswa munyika yose?
7 Sezvo Mwari achigona kupa ndimi dzakasiana-siana nenzira yenenji, kwaisazova kunoshamisa here kudai akabvirisa kuti mutauro mumwe bedzi utaurwe ndokunzwisiswa munyika yose? Ikoko kwaizosimudzira nzwisiso huru zvikuru mukati memhuri yavanhu. The World Book Encyclopedia, inoti: “Kudai vanhu vose vaitaura ndimi imwe cheteyo, zvisungo zvetsika nezvemari zvaizova zviri pedyo zvikuru, uye zvakanaka zvaizowedzera pakati penyika.” Eya, inenge mitauro yapose pose 600 yakatangwa mumakore apfuura. Waiyoyi, Esperanto wakava nepesvedzero hurusa nemhaka yokuti vanhu vanenge 10 000 000 vakaudzidza chifo chokuvambwa kwawo mugore ra 1887. Bva, nhamburiko dzavanhu dzokubatanidza rudzi rwomunhu kupfurikidza nomutauro wapose pose hadzina kutongova dzakabudirira. Kutaura idi, zvinetso zvizhinji zvikuru zviri kuparira kukamukana munyika ino sezvo ‘vanhu vakaipa vanoenderera mberi kubva pakushata kuenda pakushata zvikuru.’—2 Timotio 3:13.
8. Kunyange kudai mutauro wapose pose ukagamuchirwa munyika yanhasi, chii chaizongovapo, uye nei?
8 Kutaura nenzira yorudzidziso, kune nyongano huru. Asi hatifaniri kukarira ikoku here, sezvo bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa richidana umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema kuti “Bhabhironi Guru”? (Zvakazarurwa 18:2, NW) Hungu, nokuti “Bhabhironi” rinoreva “Nyongano.” Kunyange kana mutauro wakagadzirwa kana kuti rurimi rwomuzvarirwo zvakadai sechiNgezi, chiFrench, chiGermany, kana kuti chiRussia waifanira kugamuchirwa somutauro wapose pose munyika yanhasi, kusabatana kwaizongova kuchiriko mune zvorudzidziso neimwe nzira. Neiko? Nemhaka yokuti “nyika yose iri musimba rowakaipa,” Satani Dhiabhorosi. (1 Johane 5:19, NW) Iye ndiye mufananidzo umene woudyire, uye anopanga nenzira yamakaro kuti anamatwe norudzi rwose rwomunhu, sezvaakangoita mumazuva aNimirodhi neShongwe yeBhabheri. Chokwadi, mutauro wapose pose unotaurwa navanhu vanotadza waigona kupa Satani banza rokuronga kunamatwa kwakabatana kwaDhiabhorosi! Asi Jehovha haasati achizotongobvumira ikoko; zvamazvirokwazvo, iye achakurumidza kugumisa rudzidziso rwose rwenhema, runofuridzirwa naDhiabhorosi.
9. Vanhu vamarudzi ose namadzinza vari kubatanidzwa sei zvino?
9 Bva, idi rinoshamisa nderokuti vanhu vakanaka vamarudzi ose namadzinza vari kubatanidzwa iye zvino. Ikoku kuri kuitika pazvirongwa zvaMwari uye nokuda kwokunamatwa kwake. Nhasi, Mwari ari kuita kuti kubvirire vanhu kudzidza ndokutaura mutauro bedzi wakachena pasi pano. Uye iwo chaizvoizvo mutauro wapose pose. Zvamazvirokwazvo, Jehovha Mwari ari kudzidzisa uyu mutauro wakachena kuvanhu vazhinji vanobva mumarudzi ose apasi nhasi. Ikoku kuri mukuzadzikwa kwechipikirwa chaMwari chouporofita kupfurikidza nomuporofita wake nechapupu Zefania, chokuti: “Ipapo ndichapa kuvanhu chinjo kumutauro wakachena [chaizvoizvo, “muromo wakachena”], kuti vose vadane pazita raJehovha, kuti vamubatire pamwe chete.” (Zefania 3:9, NW) Chii chiri uyu mutauro wakachena?
Mutauro Wakachena Unorondedzerwa
10. Chii chiri mutauro wakachena?
10 Mutauro wakachena izvokwadi yaMwari inowanwa muShoko rake amene, Magwaro Matsvene. Iwo zvikurukuru izvokwadi pamusoro poUmambo hwaMwari, uhwo huchaunza rugare nezvimwe zvikomborero kurudzi rwomunhu. Mutauro wakachena unobvisa chikanganiso chorudzidziso nokunamata kwenhema. Unobatanidza vose vanoutaura mukunamatwa kwakachena, kwakatsvinda, kwakanaka kwaMwari mupenyu nowechokwadi, Jehovha. Nhasi, mitauro 3 000 inoshanda semhinganidzo kukunzwisisa, uye mazana amarudzidziso enhema anonyonganisa rudzi rwomunhu. Naizvozvo tinofara sei kuti Mwari ari kupa kuvanhu chinjo kuuyu mutauro unoshamisa, wakachena!
11. Chii chakaita mutauro wakachena nokuda kwavanhu vamarudzi ose namadzinza?
11 Hungu, mutauro wakachena uri kudzidzwa navanhu vamarudzi ose namadzinza. Sorurimi bedzi rwakachena nenzira yomudzimu pasi pano, unobatira sesimba guru rinobatanidza. Unogonesa avo vose vanoutaura “kuti vadane pazita raJehovha, kuti vamubatire pamwe chete,” kana kuti chaizvoizvo, “nepfudzi rimwe.” Ivo nokudaro vanobatira Mwari “nokubvumirana,” “nokubvumirana kumwe kwavose nepfudzi rimwe rakabatana.” (The New English Bible; The Amplified Bible) Shanduro yakaitwa naSteven T. Byington inorava, kuti: “Ipapo ini [Jehovha Mwari] ndichaita kuti miromo yavanhu vose ichene, kuti vose vagodana pazita raJehovha ndokubatira pamwe mubasa rake.” Kubatira pamwe kwemitauro mizhinji kwakadaro munyika yose mubasa raMwari kuriko bedzi pakati peZvapupu zvaJehovha. Munyika 212 nhasi, vanopfuura mamirioni mana vaava vazivisi voUmambo vari kuparidzira mashoko akanaka mumitauro yavanhu mizhinji. Bva, Zvapupu zvino“taura mubvumirano” uye zvaka“batana zvakakodzera mumurangariro mumwe chetewo uye munzira imwe cheteyo yokufunga.” (1 VaKorinte 1:10, NW) Ikoku kwakadaro nemhaka yokuti, pasinei zvapo nokwavari pasi pano, vose veZvapupu zvaJehovha vanotaura mutauro mumwe wakachena, kukurumbidzwa nembiri yaBaba vavo vokudenga.
Dzidza Mutauro Wakachena Zvino!
12, 13. (a) Neiko uchifanira kuva anoitira hanya kutaura mutauro wakachena? (b) Neiko mashoko ari pana Zefania 3:8, 9 achikosha kwazvo nhasi?
12 Neiko uchifanira kuitira hanya kutaura mutauro wakachena? Kutanga, nemhaka yokuti upenyu hwako hunotsamira pakuudzidza nokuutaura. Pamberi chaipo pokupikira kwaMwari ku“pa kuvanhu chinjo kumutauro wakachena,” (NW) akanyevera, kuti: “‘Ndimirirei,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kusvikira zuva randichasimuka kuzopamba; nokuti ndatonga kuti ndichaunganidza ndudzi dzavanhu, kuti ndikokere ushe hwose, kuti ndidire pamusoro pavo hasha dzangu, iko kutsamwa kwangu kukuru; nokuti nyika yose ichapedzwa nomwoto wegodo rangu.’”—Zefania 3:8.
13 Mashoko iwayo aChangamire Ishe Jehovha akatanga kutaurwa mazana amakore 26 apfuura muna Judha, iyo Jerusarema rakanga riri dzimbahwe rayo. Asi kutaura ikoko kwakaitirwa zvikurukuru zuva redu nemhaka yokuti Jerusarema raiva mufananidzo wechiKristudhomu. Uye nguva yedu, chifo chaapo Umambo hwaMwari hwokudenga hwakagadzwa muna 1914, izuva raJehovha rokuunganidza marudzi nokuunganidza maumambo. Iye akavaunganidza pamwe chete mungwariro yake kupfurikidza nebasa guru rouchapupu. Uyewo, ikoku kwakavanyandura mukushora donzo rake. Zvisinei, Jehovha Mwari nenzira yengoni ari kugonesa vanhu vanobva mumarudzi ose iwaya kubatana mukutaura mutauro wakachena. Nawo, vose vari kutsvaka upenyu munyika itsva yake yakapikirwa vangamubatira muchinzwano marudzi ose asati aparadzwa muratidzirwo yokutsamwa kwoumwari kwomwoto pa“kurwa pazuva iro guru raMwari Wamasimba ose,” rinowanzodanwa kuti Armagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16; 2 Petro 3:13) Nenzira inofadza, avo vanotaura mutauro wakachena ndokudana pazita raJehovha mukutenda savanamati vechokwadi vakabatana vachafarikanya dziviriro youmwari mukati mokupisa kwengwavaira iyoyo yenyika. Mwari uchavapinza zvakakotsekana munyika itsva, umo mutauro wakachena bedzi pakupedzisira uchava pamiromo yorudzi rwose rwomunhu.
14. Kupfurikidza naZefania, Mwari akaratidza sei kuti kupukunyuka mugumo wetsika ino yezvinhu kunoraira chiito chokukurumidza?
14 Kupfurikidza nomuporofita wake Zefania, Jehovha anojekesa kuti avo vanokarira kupukunyuka mugumo wetsika iripo yakaipa yezvinhu vanofanira kuita chiito chokukurumidza. Mukuwirirana naZefania 2:1-3, Mwari anoti: “Unganai, zvirokwazvo unganai, imi rudzi rusinganyari. Chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu. Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro, zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.”
15. (a) Chii chakanga chiri zadziko yokutanga yaZefania 2:1-3? (b) Ndivanaani vakapukunyuka kuita kwaMwari rutongeso pamusoro paJudha, uye chii chichaenzana nouku kupukunyuka muzuva redu?
15 Mashoko iwayo akava nezadziko yawo yokutanga pana Judha neJerusarema zvakare. Vanhu vanotadza vaJudha havana kugamuchira nenzira yakanaka chikumbiro chaMwari, sezvinoratidzwa nokuita kwake rutongeso pavari pamaoko eBhabhironi mugore ra 607 P.N.V. Kunyange sezvo Judha akanga ari “rudzi rusinganyari” pamberi paMwari, naizvozvo chiKristudhomu chave chiri “rudzi” rusinganyari pamberi paJehovha. Nemhaka yokuteerera shoko raMwari, zvisinei, vaJudha vakati navamwe vakapukunyuka, pakati pavo muporofita akatendeka waJehovha Jeremia. Vamwe vapukunyuki vaiva muEtiopia ainzi Ebhedhi-mereki navazukuru vaJonadhabhi. (Jeremia 35:18, 19; 39:11, 12, 16-18) Nenzira yakafanana nhasi, “boka guru” ra“mamwe makwai” aJesu rinounganidzwa kubva mumarudzi ose richapukunyuka Armagedhoni ndokupinda munyika itsva yaMwari. (Zvakazarurwa 7:9, NW; Johane 10:14-16) Avo bedzi vanodzidza ndokutaura mutauro wakachena vachava vapukunyuki vanofara.
16. Chii chinofanira kuita munhu kuti avanzwe “muzuva rokutsamwa kwaJehovha”?
16 Sezvo wakanga uri murairo waJehovha kuti Judha neJerusarema zvinofanira kuparadzwa, naizvozvo chiKristudhomu chinofanira kuparara. Zvamazvirokwazvo, ruparadziko rworudzidziso rwose rwenhema rwava pedyo, uye avo vanoshuva kupukunyuka vanofanira kuita chiito nokukurumidza. Vanofanira kuita saizvozvo “zuva risati rapfuura sehunde,” inokurumidza kupeperetswa nemhepo, saapo hura hunokandirwa mumhepo paburiro. Kuti tinunurwe mukutsamwa kwaMwari, tinofanira kutaura mutauro wakachena ndokugamuchira nyevero yaMwari zuva rokutsamwa kukuru kwaJehovha risati rauya patiri. Muzuva raZefania nanhasi, vanhu vanyoro vanotsvaka Jehovha Mwari, pamwe chete nokururama nounyoro. Kutsvaka kwedu Jehovha kunoreva kumuda nomwoyo wedu wose, mweya, ndangariro, uye simba. (Marko 12:29, 30) “Zvimwe [avo vanoita saizvozvo] mungavandika muzuva rokutsamwa kwaJehovha.” Asi neiko uporofita hwacho huchiti “zvimwe”? Nemhaka yokuti ruponeso runotsamira pakutendeka netsungiriro. (Mateo 24:13) Avo vanowirirana nemipimo yaMwari yakarurama ndokuramba vachitaura mutauro wakachena vachavanzwa muzuva rokutsamwa kwaJehovha.
17. Mibvunzoi yasara yokurangarira kwedu?
17 Sezvo zuva rokutsamwa kwaJehovha rava pedyo uye ruponeso ruchitsamira pakudzidza nokushandisa mutauro wakachena, zvino yava nguva yokubatanidzwa zvikuru mukuudzidza nokuutaura. Asi munhu anogona sei kudzidza mutauro wakachena? Uye unogona sei kubetserwa nokuutaura?
Waizopindura Sei?
◻ Mutauro wavanhu wakavamba sei?
◻ Chii chiri mutauro wakachena?
◻ Neiko mashoko ari pana Zefania 3:8, 9 achikosha kwazvo nhasi?
◻ Chii chatinofanira kuita kuti tivanzwe “muzuva rokutsamwa kwaJehovha”?
[Mufananidzo uri papeji 10]
PaBhabheri, Mwari akaparadzira rudzi rwomunhu kupfurikidza nokunyonganisa mutauro wavo