RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 37—Hagai
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
    • 5. Chii chinobvumikisa kuti bhuku raHagai nderomundaza yamanyoro matsvene eBhaibheri?

      5 Hapana kutongova nomubvunzo upi noupi pakati pavaJudha pamusoro pokuva hwomundaza yamanyoro matsvene yechiHebheru kwouporofita hwaHagai, uye ikoku kunotsigirwawo nenongedzero kwaari pana Ezra 5:1 seanoporofita “nezita raMwari waIsraeri,” pamwe chete nepana Ezra 6:14. Kuti uhwu uporofita rutivi rwo‘Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari’ kunobvumikiswa nokuhunokora mashoko kwaPauro pana VaHebheru 12:26, kuti: “Zvino wakapikira, achiti: Ndichabvundisazve kamwe chete, isati iri nyika bedzi, asi nedengawo.”—Hag. 2:6.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 37—Hagai
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
    • 10. Vamwe vaJudha vanorangarirei pamusoro petembere yavari kuvaka, asi Jehovha anopikirei?

      10 Shoko rechipiri (2:1-9). Usingasviki mwedzi unopfuura pashure pokunge mubato wokuvaka wamutsidzirwa, uye Hagai anopa shoko rake rechipiri rakafuridzirwa. Irori rinotaurwa kuna Zerubhabheri, Joshua, uye vakasarira vavanhu vacho. Sezviri pachena vamwe vavaJudha avo vakadzokera vachibva muutapwa uye avo vakanga vaona yaichimbova tembere yaSoromoni vakarangarira kuti iyi tembere yaisazova chinhu nokuenzanisa. Asi ndokupi kuri kutaura kwaJehovha wehondo? ‘Ivai vakasimba uye shandai, nokuti ndinemi imi vanhu.’ (2:4) Jehovha anovayeuchidza nezvesungano yake navo, uye anovaudza kuti vasatye. Anovasimbisa nechipikirwa chokuti achazungunusa marudzi ndokusakisa kuti zvinhu zvinodikanwa zvavo zvipinde uye kuti achazadza imba yake nembiri. Mbiri yeiyi imba yapashure ichava yakatokura zvikuru kupfuura iyo yeyekare, uye achapa rugare muiyi nzvimbo.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 37—Hagai
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
    • 16. Uporofita hwaHagai hune wiriranoi netariro yoUmambo, uye hunofanira kutinyandurira kubasai nhasi?

      16 Zvakadiniko nouporofita hwokuti Jehovha acha‘zungunusa matenga napasi’? Muapostora Pauro anopa kushandiswa kwaHagai 2:6 muaya mashoko: “Asi zvino [Mwari] wakapikira, achiti: Ndichabvundisazve kamwe chete, isati iri nyika bedzi, asi nedengawo. Zvino shoko iri rokuti, kamwe chete, rinoratidza kubviswa kwezvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti izvo zvisingazununguki zvigare. Saka, zvatinopiwa ushe husingazununguki, ngative nokuonga, kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya. Nokuti Mwari wedu mwoto unoparadza.” (VaH. 12:26-29) Hagai anoratidza kuti kuzunungusa kuri nokuda kwoku“wisira pasi zvigaro zvoushe; [noku]paradza simba roushe hwendudzi.” (Hag. 2:21, 22) Mukunokora mashoko uporofita hwacho, Pauro anotaura, mukupesana, nezvoUmambo hwaMwari “husingazununguki.” Mukurangarirwa kweiyi tariro yoUmambo, isu, ipapoka, ngativei ‘vakasimba ndokushanda,’ tichiitira Mwari basa rinoyera. Ngatingwarirewo kuti Jehovha asati akurira marudzi apasi, chimwe chinhu chinokosha chinofanira kunyandurwa uye chinofanira kubuda chichibva maari, nokuda kwokupukunyuka: “Ndichazungunusa ndudzi dzose; zvose zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”—2:4, 7.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe