-
Bhuku reBhaibheri Nhamba 37—Hagai“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
-
-
11. (a) Hagai anoonesa kuregeredza kwavaprista kupfurikidza nokufananidzirai? (b) Chii chakabva muna ikoko?
11 Shoko rechitatu (2:10-19). Mwedzi miviri nemazuva matatu gare gare, Hagai anotaura kuvaprista. Iye anoshandisa kufananidzira kuti asimbise pfundo rake. Kutakura kwomuprista nyama tsvene kuchaita kuti zvimwe zvokudya zvipi nezvipi zvaanobata zvive zvitsvene here? Mhinduro ndeyokuti aiwa. Kubatwa kwechimwe chinhu chisina kuchena, zvakadai sechitunha, kunoita kuti uyo anochibata ave asina kuchena here? Mhinduro ndeyokuti hungu. Hagai ipapo anoshandisa kufananidzira kwacho. Vanhu venyika yacho havana kuchena nemhaka yokuregeredza kwavo kunamata kwakachena. Chipi kana chipi chavanopa chinoratidzika kuva chisina kuchena kuna Jehovha Mwari. Nemhaka yaikoku, Jehovha haana kukomborera mabasa avo, uye mukuwedzera akatumira pavari kupisa kunogocha, kuvhuvha, uye chimvuramabwe. Ngavachinje nzira dzavo. Ipapo Jehovha achavakomborera.
-
-
Bhuku reBhaibheri Nhamba 37—Hagai“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
-
-
14. Hagai anogovera zanoi rokuchenjera nokuda kwezuva redu?
14 Uporofita hwacho hunewo zano rokuchenjera nokuda kwezuva redu. Seiko? Kutanga, hunosimbisa kudikanwa kwokuti chisikwa chiise fariro dzokunamatwa kwaMwari pamberi pefariro dzacho chimene pachacho. (Hag. 1:2-8; Mat. 6:33) Hunosimbisawo pfundo rokuti udyire hunozvikunda humene, kuti hakuna maturo kuronda kudisa zvenyika; rugare nouchenjeri zvinobva kuna Jehovha ndizvo zvinopfumisa. (Hag. 1:9-11; 2:9; Zvir. 10:22) Hunosimbisawo kuti basa raMwari iro rimene hariiti kuti munhu achene kutoti riri rakachena uye remweya wose, uye kuti harifaniri kusvibiswa nomufambiro usina kuchena. (Hag. 2:10-14; VaK. 3:23; VaR. 6:19) Hunoratidza kuti vabatiri vaMwari havafaniri kuva vasina tariro, vachitarira shure ku“mazuva akanaka ekare,” asi kutarira mberi, ‘vachiisa mwoyo yavo panzira dzavo’ uye vachitsvaka kuunza mbiri kuna Jehovha. Ipapo Jehovha achava navo.—Hag. 2:3, 4; 1:7, 8, 13; VaF. 3:13, 14; VaR. 8:31.
-