Zvidzidzo Zvinobva muMagwaro: Zekaria 1:1–14:21
Jehovha Anonyandura Mudzimu Wavanhu Vake
PAKUPERA kwa 538 P.N.V. kana kuti pakuvamba muna 537 P.N.V., mambo wePersia Koreshi akabudisa chirevo chokuti vaJudha vanofanira kudzokera vachibva Bhabhironi vachienda Jerusarema kuzo“vakazve imba yaJehovha.” (Ezra 1:3, NW) Pakasvika 520 P.N.V., zvisinei, tembere yakanga ichiri isati yavakwazve. Nokudaro, Jehovha akamutsa muporofita Zekaria kuti ashande pamwe chete naHagai mukunyandura mudzimu wavanhu.
Mashoko akafuridzirwa aZekaria akasimbaradzazve vaJudha vakatendeka kupfurikidza nokuratidza kuti Jehovha akanga achivatsigira uye aizokomborera basa ravo. Iri bhuku reBhaibheri rinotifadzawo nemhaka yokuti rine mauporofita aMesia, pamwe chete namamwe mauporofita ari kuzadzika munguva yedu.a Rinotigoverawo zvidzidzo zvinokosha.
Jehovha Anokomborera Vanhu Vake
Jehovha anoitira hanya vanhu vake. Pashure pokunge vaJudha vabvuma kuti kuvaranga kwaMwari kwakanga kwakarurama, Zekaria anova nezviono zvitatu izvo zvinoratidza itiro hanya Yake inopfuurira nokuda kwavo. Muchokutanga, iye anoona mabhiza ane vatasvi vengirozi. Ngirozi imwe inotambudzika kuti marudzi ayo akaparira vaJudha ngwavaira “haasati ari kuva nedzongonyedzo.” Muchechipiri, Jehovha anosarudza kukandira pasi “nyanga ina”—masimba ehurumende ayo akaparadzira vanhu vake. Uye chiono chechitatu chinorondedzera zvakajeka tarisiro yorudo yaJehovha, inodzivirira yeJerusarema.—1:1–2:13.
Hakuna munhu achakwanisa kudzivisa vabatiri vakatendeka vaMwari. Muchiono chechina, Satani, mudzivisi mukuru wavanhu vaJehovha, anotsiurwa zvakakwana. (Enzanisa naZvakazarurwa 12:10.) Muchechishanu, Zekaria anoziva kuti vanhu vaMwari vachaita kuda Kwake pasinei zvapo nemhinganidzo huru. Seiko? “‘Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi no[mudzimu, NW] wangu,’—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”—3:1–4:14.
Vabatiri vaMwari “vanovenga chiri chakashata.” (Pisarema 97:10, 11, NW) Muchiono chechitanhatu, Mwari anozivisa tuko pavaiti vezvakaipa avo kusvikira panguva iyoyo vasina kurangwa. Uye muchechinomwe, mufananidzo wouipi unoendeswa ku“nyika yeShinari,” nzvimbo dzorudzidziso rwenhema rwechiBhabhironi. Nzvimbo yakanaka yawo! Zvakaipa hazvisi zvapakati pavanhu vaMwari, avo vanozvivenga. Zekaria anotevera kuona ngoro ina dzinodhonzwa namabhiza—masimba omudzimu engirozi akatumwa kuzodzivirira vabatiri vaMwari pasi pano.—5:1–6:8.
Marumbonera Ouporofita
Zadziko yeshoko rouporofita raJehovha inofadza uye inosimbisa kutenda. Ikoku ndokwechokwadi sei nezvamarumbonera ouporofita aZekaria ezuva redu! Achishandisa sirivha nendarama zvakagoverwa navaJudha vakatapwa, iye anofanira kuita korona yoMuprista Mukuru Joshua. Uyezve, “vari kure [muBhabhironi] vachauya vachivaka mutembere yaJehovha,” kunyange sezvo vazhinji vakabva muBhabhironi Guru kuzobetsera mubasa retembere pashure pa 1919. Kururamiswa kwepfungwa dzakaipa pamusoro pokuzvinyima zvokudya kwakatungamirira kukurondedzerwa kwomugariro unofadza uri kuuya weJerusarema. Kwakadeya kutaurwa kuti ‘varume gumi vanobva mumarudzi ose’ vaizokumbanira vaJudha vomudzimu mukunamata kwechokwadi. (VaGaratia 6:16; Zvakazarurwa 7:4-10) “Pururudza imwe mukunda weJerusarema,” anodaro Jehovha. Mambo waro anouya akatasva mbongoro uye acha“taurira ndudzi dzavanhu murugare.”—6:9–9:11.
Mwari Navafudzi
Vatariri vane mutoro unorema uye vanofanira kubatira neshingairo. Pashure pokuvimbisa kuponesa vanhu vake, Jehovha anoratidzira hasha dzake pavafudzi vasina kutendeka. “Vafudzi vatatu” vanoshatisa boka kusvikira patambanuko yakadaro zvokuti Mwari anopunza sungano yake navanhu vake. Jerusarema richava “ibwe rinoremedza.” Vapi navapi vanoridenha vacha“kuvadzwa.” Asi “madzishe aJudha”—avo vanotarisira pakati pavanhu vakasarudzwa vaMwari—vanofanira kuva “sezhenje romwoto,” vanoshingaira zvakatanhamara.—9:12–12:14.
Jehovha anovenga vanyengeri. Muungano yaMwari, vapi navapi vanopfuurira muku‘taura nhema’ vano‘baiwa,’ kurambwa savawi pakutenda. “Mativi maviri” munyika achagurwa, apo rutivi rwechitatu ruchanatswa nomwoto. Mukuwirirana naikoku, voruzhinji zvikuru vaavo vanotaura kuva vechiKristu—avo vechiKristudhomu—vakagurwa naJehovha. Kuvambira muna 1919 zvichienda mberi, vashomanene vaduku bedzi vamaKristu akatendeka, akazodzwa vakadana zita raJehovha ndokubvuma kunatsa kwake.—13:1-9.
Vanhu vaJehovha vanogona kuvimba nedziviriro yake. Apo vavengi vanoedza kuparadza vanamati vechokwadi, Mwari achadzivirira vanhu vake ndokuparadzanya boka raSatani. Kutsemurwa kweGomo reMiorivhi kunoguma nomupata wokufananidzira umo vakazodzwa vanowana dziviriro muUmambo hwapose pose hwaJehovha nehurumende yoMwanakomana wake wouMesia. Kuchava nechiedza nokuda kwavabatiri vakatendeka vaMwari uye rima nokuda kwamarudzi. Rudzi rwomunhu runofanira kusarudza: Kunamata Jehovha pamwe navanhu vake kana kuti zvimwe kutambura ruparadziko rusingagumi.—14:1-21.
[Mashoko Omuzasi]
a Kurukurirano yendima nendima youporofita hwaZekaria inowanwa mubhuku rinonzi Paradise Restored to Mankind—By Theocracy! rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Bhokisi riri papeji 31]
MAGWARO EBHAIBHERI ANONZVERWA
○ 1:3—Kunyange zvazvo vaJudha vakadzokera vachibva Bhabhironi muna 537 P.N.V., ivo vakakurudzirwawo kudzokera kuna Mwari mukuteerera kwomweya wose nokunamata. Ivo vaizopa ufakazi hunooneka hwouku kudzokera kupfurikidza nokubatikana mubasa rokuvaka kutozosvikira tembere yapedzwa.
○ 2:1-5—Sezvingabvira, jaya rakanga richiyera Jerusarema kuti rivake rusvingo runodzivirira rwakaripoteredza. Asi ngirozi yaMwari yakaratidzira kuti kukura kweguta kwaisafanira kuganhurirwa norusvingo. Hakuna munhu aigona kudzivisa kukura kunopfuuridzirwa kweJerusarema. Jehovha aizova dziviriro raro, kunyange sezvo iye nhasi achidzivirira vakasarira vakazodzwa avo vachava rutivi rweJerusarema Idzva.—Zvakazarurwa 21:2.
○ 6:11-15—Kudzikwa korona kwoMuprista Mukuru Joshua hakuna kumuita mambo muprista, nokuti akanga asiri mumutsara woumambo hwaDhavhidhi. Panzvimbo pezvo, kwakaita Joshua munhu wouporofita hwaMesia, maari uporofita pamusoro pe“Davi” hunozadzikwa zvizere. (Zekaria 3:8; Jeremia 23:5) Joshua akabetsera kusvitsa kumugumo basa rokuvakazve tembere paJerusarema. Mambo Muprista wokudenga, Jesu Kristu, anopedza basa patembere yomudzimu.
○ 11:4-11—Vanhu vakafanana namakwai vakanga vari “makwai anozourawa” mukuti vafudzi vehurumende vakanga vachiashandisa zvisakafanira. Netsvimbo imwe inonzi “Kunaka” uye imwe yacho “Zvisungo,” Zekaria akaita somufudzi akatakura tsvimbo kuti atungamirire makwai nomudonzvo wokudziva nawo zvikara. (Pisarema 23:4) Iye akadeya kufananidzira Jesu, uyo akatumwa kuzova mufudzi womudzimu asi uyo akarambwa navaJudha. Sezvo Zekaria akavhuna tsvimbo inonzi Kunaka, Mwari akarega kubata zvakanaka navaJudha, vachipunza sungano yake navo. Uye sezvo Zekaria akavhuna tsvimbo inonzi Zvisungo, kudzima kwaMwari sungano yoMutemo naIsraeri kwakasiya vaJudha vasina chisungo choubati ushe hwoumwari. Kusanzwana kwavo kworudzidziso kwakashanda nenzira ine ngwavaira nokuda kwavo noruparadziko rweJerusarema rwakaitwa navaRoma muna 70 N.V.
○ 12:11—“Kuchema kweHadhadhi-rimoni” kunganongedzera kukuchema pamusoro porufu rwaMambo Josia waJudha. Hadhadhi-rimoni sezviri pachena yakanga iri munzvimbo mumupata weMegidho, umo iye akaurairwa muhondo naFarao Neko. Rufu raJosia rwakachemwa, Jeremia achiita uye vaimbi vachidudza mambo mumariro.—2 Makoronike 35:20-25.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Seizvo Zekaria akadeya kutaura, vanhu vamarudzi ose zvino vari kusonganirana naIsraeri womudzimu