Bhuku reBhaibheri Nhamba 38—Zekaria
Munyori: Zekaria
Nzvimbo Yakanyorerwa: Jerusarema
Kunyora Kwakapedzwa: 518 B.C.E.
Nguva Yakafukidzwa: 520–518 B.C.E.
1. Ndeapi akanga ari mamirire ezvinhu pamusoro petembere muJerusarema apo Zekaria akavamba kuporofita?
RAKAMIRA! Ndiwo akanga ari mamirire ebasa rokuvaka patembere yaJehovha muJerusarema apo Zekaria akavamba kuporofita. Nepo Soromoni akanga avaka tembere yapakuvamba mumakore 7 1/2 (1 Madz. 6:37, 38), vaJudha vakadzorerwa kunyika yavo vakanga vadzokera muJerusarema kwamakore 17 uye chivako chakanga chichiri kure zvikuru nokupedzwa. Basa rakanga ramira zvachose pakupedzisira pashure pechirambidzo chakaitwa naArtashasta (Bardiya kana kuti zvimwe Gaumata). Asi zvino, pasinei zvapo neichi chirambidzo chehurumende, basa racho rakanga rave kuitwazve. Jehovha akanga achishandisa Hagai naZekaria kunyandura vanhu kuti vamutsidzire kuvaka uye kuramba vanako kusvikira kwapedzwa.—Ezra 4:23, 24; 5:1, 2.
2. Neiko basa racho rakaratidzika kuva guru, asi Zekaria akakwevera ngwariro yavo kuchii?
2 Basa raiva pamberi pavo rairatidzika kuva guru. (Zek. 4:6, 7) Ivo vakanga vari vashomanene, vashori vakawanda, uye kunyange zvazvo vakanga vane muchinda womutsara waDhavhidhi, Zerubhabheri, vakanga vasina mambo uye vakanga vachidzorwa nevokumwe. Kwaiva nyore sei kunyura muchimiro chendangariro chakaneta, chokuzvimirira, apo nguva yacho yairayira chaizvoizvo kutenda kwakasimba nechiito chakasimba! Zekaria akashandiswa kukwevera ngwariro yavo kuzvinangwa zvaMwari zvenguva iyoyo nezvinangwa zvomunguva yemberi zvaitova zvikuru, nokudaro achivasimbisa kuti basa riitwe. (8:9, 13) Yakanga isiri nguva yokuva vakafanana namadzibaba avo asingaongi.—1:5, 6.
3. (a) Zekaria anoziviswa sei, uye neiko zita rake rakakodzera? (b) Uporofita hwaZekaria hwakataurwa nokunyorwa rini?
3 Ndiani akanga ari Zekaria? Kune vanhu vanenge 30 vakasiyana-siyana vanodudzwa muBhaibheri nezita rokuti Zekaria. Zvisinei, munyori webhuku iro rine zita irori anoziviswa sa“Zekaria, mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita.” (Zek. 1:1; Ezra 5:1; Neh. 12:12, 16) Zita rake (chiHebheru, Zekhar·yahʹ) rinoreva kuti “Jehovha Ayeuka.” Bhuku raZekaria rinokujekesa zvikuru kuti “Jehovha wehondo” anoyeuka vanhu Vake, kuti abate navo zvakanaka nokuda kwezita Rake amene. (Zek. 1:3) Misi inodudzwa mubhuku racho inoripa kufukidzwa kwemakore anenge maviri. Makanga muri mu“mwedzi worusere, negore rechipiri raDhariusi” (October/November 520 B.C.E.) apo kuvakwa kwetembere kwakavambwazve uye Zekaria akavamba kuporofita. (1:1) Bhuku racho rinonongedzerawo ku“zuva rechina romwedzi wepfumbamwe, iwo weKisrevhi,” mu“gore rechina ramambo Dhariusi” (panenge pana December 1, 518 B.C.E.). (7:1) Nokudaro, uporofita hwaZekaria pasina panikiro hwaizotaurwa uyewo kunyorwa mukati mamakore 520-518 B.C.E.—Ezra 4:24.
4, 5. (a) Neiko Zekaria akafanotaura kuwa kweTire nguva refu pashure pokukombwa kweguta iroro naNebhukadnezari? (b) Kuzadzikwa kwouporofita hupi chaihwoihwo kunobvumikisa nenzira inopwisa kufuridzirwa kwebhuku racho?
4 Vadzidzi vebhuku raZekaria vachawana chibvumikiso chakakwana chouchokwadi hwaro. Rangarira muenzaniso weTire. Pakanga pari pashure pokukomba kwourefu hwamakore 13 apo mambo weBhabhironi Nebhukadnezari akaparadza Tire. Ikoku, kunyange zvazvo zvakadaro, hakuna kureva mugumo wakakwana nokuda kweTire. Zekaria, makore akawanda gare gare, akafanotaura ruparadziko rwachose chose rweTire. Rakanga riri guta rechitsuwa reTire iro Alexander Mukuru akakurira panguva yebasa rake rakakurumbira rokuvaka mugwagwa; akaripisa nenzira isina tsitsi, nokudaro achizadzika uporofita hwaZekaria hwamazana amakore maviri akatangirezvi.a—Zek. 9:2-4.
5 Chibvumikiso chinopwisa zvikurusa chokufuridzirwa kwoumwari kwebhuku racho, zvisinei, chinowanwa mukuzadzikwa kwouporofita hwaro pamusoro paMesiya, Kristu Jesu, sezvinogona kuonwa kupfurikidza nokuenzanisa Zekaria 9:9 naMateo 21:4, 5 uye Johane 12:14-16; Zekaria 12:10 naJohane 19:34-37; uye Zekaria 13:7 naMateo 26:31 naMarko 14:27. Uyewo, kune fanano dzinofanira kucherekedzwa pakati paZekaria 8:16 naVaEfeso 4:25; Zekaria 3:2 naJudhasi 9; uye Zekaria 14:5 naJudhasi 14. Tsinhirano inowanwa muShoko raMwari inoshamisa zvirokwazvo!
6. (a) Chii chinoparira chinjo yomunyorero kubva muganhuro 9 raZekaria zvichienda mberi? (b) Chii chingava chikonzero chokunongedzera kwaMateo kuna Zekaria sa“Jeremia”?
6 Kune vamwe vatsoropodzi veBhaibheri vanotaura kuti chinjo mumunyorero kubva paganhuro 9 zvichienda mberi inoratidzira kuti chikamu ichocho chaisagona kuve chakanyorwa naZekaria. Chinjo mumunyorero, zvisinei, zvirokwazvo haisati iri huru zvikuru kupfuura chinjo iyo munhau yaizoruramisa. Nepo maganhuro masere okutanga 1-8 achibata nenhau dzoukoshi hwenguva iyoyo zvikuru kuvanhu vezuva raZekaria, muganhuro 9 kusvikira ku14 muporofita anotarira mberi munguva yemberi iri kure zvikuru. Vamwe vakabvunza chikonzero nei kwakadaro kuti Mateo anonokora mashoko Zekaria asi anoti mashoko acho ndeaJeremia. (Mat. 27:9; Zek. 11:12) Kunoratidzika kuti Jeremia padzimwe nguva aizivikanwa sewokutanga waVaporofita Vapashure (panzvimbo paIsaya, sezviri mumaBhaibheri edu azvino); nokudaro Mateo, mukunongedzera kuna Zekaria sa“Jeremia,” aigona kuve aitevera muitiro wechiJudha wokubatanidza chikamu chose choRugwaro chiri pasi pezita rebhuku rokutanga rechikamu chacho. Jesu amene akashandisa zita rokuti “Mapisarema” kuti abatanidze mabhuku ose anozivikanwa seManyoro.—Ruka 24:44.b
7. Bhuku raZekaria rakarongwa sei?
7 Kusvikira kuganhuro 6, ndima 8, bhuku racho rakaumbwa nenhevedzano yezviono zvisere, zvakafanana murudzi neizvo zvaDhanieri naEzekieri, zvine chokuita zvikurukuru nekuvakwazve kwetembere. Izvozvi zvinoteverwa neziviso nouporofita pamusoro pokunamata kwechokwadi, dzorerwo, uye zuva raJehovha rehondo.
ZVIRI MUBHUKU RAZEKARIA
8. Chiono chavatasvi vamabhiza vana chinoratidzei pamusoro peJerusarema namarudzi?
8 Chiono chokutanga: Vatasvi vana vamabhiza (1:1-17). “Dzokerai kwandiri . . . neni ndichadzokera kwamuri,” anodaro Jehovha, uye ipapo anobvunza kuti, “Mashoko angu nemitemo yangu, zvandakarayira varanda vangu, ivo vaporofita, hazvina kubata madzibaba enyu here?” (1:3, 6) Vanhu vanobvuma kuti vakagamuchira zvakafanira zvavo zvakarurama. Chiono chokutanga chaZekaria zvino chinooneka. Usiku vatasvi vamabhiza vana vanomira pakati pemiti pedyo neJerusarema, vachiva vadzoka vachibva pakunzvera pasi rose, iro vakawana risina kudzongonyedzwa uye rakaterama. Asi ngirozi yaJehovha, iyo inovabvunzurudza, inovhiringidzwa pamusoro pemamirire eJerusarema. Jehovha amene anozivisa kutsamwa kwake kukuru pamarudzi ayo akabetsera kungwavaira yeZioni, uye anotaura kuti acha“dzokera Jerusarema [a]ne nyasha zhinji.” Imba yake amene ichavakwa mariri, uye maguta ake “achapafuma mufarozve.”—1:16, 17.
9. Jehovha anotsanangura sei chiono chenyanga navapfuri?
9 Chiono chechipiri: Nyanga navapfuri (1:18-21). Zekaria anoona nyanga ina idzo dzakaparadzira Judha, Israeri, uye Jerusarema. Ipapo Jehovha anomuratidza vapfuri vana, achitsanangura kuti ivava vachauya kuzokandira pasi nyanga dzamarudzi anoshora Judha.
10. Jehovha anobatanidzwa sei nokubudirira kweJerusarema?
10 Chiono chechitatu: Kubudirira kweJerusarema (2:1-13). Mumwe murume anoonekwa achiyera Jerusarema. Guta racho richakomborerwa nokukura, uye Jehovha achava rusvingo rwomwoto makaripota mose nembiri pakati paro. Iye anodanidzira kuti, “Nhai, Zioni, tiza,” uye anowedzera nyevero yokuti, “unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso ra[ngu].” (2:7, 8) Nokugara kwaJehovha mariri, Zioni richafara, uye marudzi akawanda achazvibatanidza amene naJehovha. Nyama yose inorayirwa kunyarara pamberi paJehovha, “nokuti wamuka paugaro hwake hutsvene.”—2:13.
11. Muprista Mukuru Joshua anorevererwa sei, uye inzirai inokurudzirwa paari?
11 Chiono chechina: Kununurwa kwaJoshua (3:1-10). Muprista Mukuru Joshua anoratidzwa achitongwa, Satani achimushora uye ngirozi yaJehovha ichituka Satani. Joshua haasi “chitsika chakabvutwa pamwoto here”? (3:2) Joshua anonzi akacheneswa, uye nguo dzake dzine tsvina dzinotsinhaniswa ne“nguo [dzakachena] dzomutambo.” Anokurudzirwa kufamba munzira dzaJehovha, uyo ari ku‘pinza mubatiri wake Davi’ uye uyo anoisa pamberi paJoshua ibwe rine meso manomwe pariri.—3:4, 8.
12. Ikurudziroi nevimbiso zvinopiwa pamusoro pokuvakwa kwetembere?
12 Chiono chechishanu: Chigadziko chemwenje nemiorivhi (4:1-14). Ngirozi inomutsa Zekaria kuti aone chigadziko chendarama chemwenje minomwe, chine miorivhi miviri pamativi acho. Anonzwa iri shoko raJehovha kuna Zerubhabheri: ‘Hazviitwi nehondo, kana kuti nesimba, asi zvinoitwa nomudzimu waMwari.’ “Gomo guru” richaenzaniswa pamberi paZerubhabheri, uye ibwe rokumusoro retembere richabudiswa kukudanidzira, kwokuti: “Nyasha, nyasha ngadzive kwariri.” Zerubhabheri avanzarika nheyo dzetembere, uye Zerubhabheri achapedza basa racho. Mwenje minomwe meso aJehovha ayo “anofamba pose pose panyika yose.” (4:6, 7, 10) Miorivhi miviri ndivo vakazodzwa vaviri vaJehovha.
13-15. Chii chinoonekwa muzviono zvomupumburu wamanyoro unobhururuka, chiyero cheefa, uye ngoro ina?
13 Chiono chechitanhatu: Mupumburu wamanyoro unobhururuka (5:1-4). Zekaria anoona mupumburu wamanyoro unobhururuka, wakareba mamita anenge 9 uye wakafara mamita anenge 4,5. Ngirozi yacho inotsanangura kuti uku kutukwa kuri kubuda nemhaka yavose vanoba nokupika zvenhema muzita raJehovha.
14 Chiono chechinomwe: Chiyero cheefa (5:5-11). Chivharo chinosimudzwa pachiyero cheefa (marita anenge 22), kuchiratidza mukadzi anonzi “Zvakashata.” Anokandirwazve muefa, iyo panguva iyoyo inosimudzirwa kudenga navakadzi vaviri vane mapapiro, kuti iendeswe kuShinari (Bhabhironi) ndoku“iswapo panzvimbo yake.”—5:8, 11.
15 Chiono chechisere: Ngoro ina (6:1-8). Tarira! Dzichibuda pakati pemakomo maviri endarira, ngoro ina dzinooneka, dziine mabhiza amavara akasiyana. Iwo midzimu mina yamatenga. Pakurayira kwengirozi, dzinobuda dzichifamba-famba mupasi.
16. Chii chinoporofitwa pamusoro pe“Davi”?
16 Davi; kuzvinyima zvokudya kusiri kwepachokwadi (6:9–7:14). Jehovha zvino anorayira Zekaria kuti aise korona yakaisvonaka pamusoro woMuprista Mukuru Joshua. Iye anotaura nenzira youporofita nezve“Davi,” iro richavaka tembere yaJehovha ndokutonga somuprista pachigaro chake choumambo.—6:12.
17. Pamusoro pokunamata, Jehovha anoshuvei, uye chii chakava mugumisiro kune avo vakadzivisa mashoko ake?
17 Makore maviri pashure pokunge Zekaria atanga kuporofita, nhume dzinosvika dzichibva kuBheteri kuti dzibvunze vaprista vetembere kana nhambo dzakati dzokuchema nokuzvinyima zvokudya dzichifanira kupfuurira kuchengetwa. Kupfurikidza naZekaria, Jehovha anobvunza vanhu navaprista kana vari vepachokwadi chaizvoizvo mukuzvinyima zvokudya kwavo. Icho Jehovha anoshuva ndiko ‘kuteerera, ruramisiro yechokwadi, mutsa worudo, uye ngoni.’ (7:7, 9) Nemhaka yokuti vaJudha vakanga vadzivisa mashoko ake ouporofita namapfudzi echisimbwa nemwoyo yedhaimani, akanga avakandira nesimba mumarudzi ose.
18. Zvipikirwai zvine mbiri zvokudzorerwa izvo Jehovha anoita?
18 Kudzorerwa; “varume vane gumi” (8:1-23). Jehovha anozivisa kuti achadzokera kuZioni ndokugara muJerusarema, iro richanzi “guta rezvokwadi.” Vanhu vakura vachagara munzvimbo dzaro dzavose, uye vana vachatambira imomo. Ikoku hakuna kunyanyoomera Jehovha, Mwari wechokwadi neakarurama! Jehovha anopikira mbeu yorugare kuvakasarira vavanhu vake, achiti: “Regai kutya, asi maoko enyu asimbe.” (8:3, 13) Vanofanira kuita izvi zvinhu: Kutaura nenzira yechokwadi nomumwe nomumwe ndokutonga nechokwadi, vachichengeta mwoyo isina mazano ane ngwavaira nemhiko dzenhema. Chokwadi, nguva ichasvika apo vanhu vamaguta akawanda vachakokana zvirokwazvo kuti vakwire nemwoyo wose kuti vatsvake Jehovha, uye “varume vane gumi” vanobva mumitauro yose vacha“bata nguo yomunhu ari muJudha” ndokuenda pamwe chete navanhu vaMwari.—8:23.
19. Izivisoi dzakakomba dzinotevera, asi chii chinotaurwa pamusoro pamambo weJerusarema?
19 Ziviso pamarudzi, vafudzi venhema (9:1–11:17). Muchikamu chechipiri chebhuku racho, ganhuro 9 kusvikira ku14, Zekaria anobva pazviono zvokufananidzira kuenda kumuitiro wokuporofita wenguva dzose zvikuru. Anovamba neziviso yakakomba pamusoro pamaguta akasiyana-siyana, kubatanidza guta rechitsuwa rine mabwe reTire. Jerusarema rinoudzwa kuti ridanidzire norukundo rwokufara, nokuti, “Tarira, mambo wako unouya kwauri; ndiye wakarurama, ndiye unokunda; unozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro.” (9:9) Achiparadza ngoro neuta, iyeyu achataura rugare kumarudzi uye achatonga kusvikira kumigumo yapasi. Jehovha acharwira vanhu vake paGirisi, uye achavaponesa. “Nokuti kufara kwavo kuchava kukuru sei, nokunaka kwavo kuchava kukuru sei!” (9:17) Jehovha, Mupi weMvura, anoshurikidza vauki navafudzi venhema. Iye achaita kuti imba yaJudha ive huru uye avo vaEfraimi vafanane nemurume ane simba. Kana vari vakadzikinurwa, “mwoyo yavo ichafara muna Jehovha . . . vachafamba muzita ra[ke].”—10:7, 12.
20. Zviratidzoi zvinoitwa netsvimbo ye“Kunaka” ne“Zvisungo”?
20 Zekaria zvino anogoverwa kufudza boka, iro rakatengeswa nokuda kwokuurawa navafudzi vasina tsitsi avo vanoti: “Jehovha ngaaongwe nokuti ndakafuma.” (11:5) Muporofita anotora tsvimbo mbiri uye anodzitumidza kuti “Kunaka” uye “Zvisungo.” (11:7) Achiputsa “Kunaka,” anofananidzira sungano yakaputswa. Ipapo anorayira miripo yake, uye vanomupimira zvidimbu 30 zvesirivha. Jehovha anorayira Zekaria kuti aikandire muchivigiro chemari uye, nomusere wakanyanya, anoti, “ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo.” (11:13) Zvino tsvimbo ye“Zvisungo” inovhunwa, ichiputsa uhama hwaJudha naIsraeri. Munondo uchawira pavafudzi venhema avo vakaregeredza makwai aJehovha.
21. (a) Ndorupi rwuri rutongeso rwaJehovha paavo vanorwisa Jerusarema? (b) Kuparadzirai nokunatsa zvinofanotaurwa?
21 Jehovha anorwa, anova mambo (12:1–14:21). Imwe ziviso inovamba. Jehovha achaita kuti Jerusarema rive mukombe unoparira vanhu kudzadzarika uye ibwe rinorema rinokuvadza avo vakaritakura. Achaparadza marudzi ose anorwisa Jerusarema. Paimba yaDhavhidhi, Jehovha achadurura mudzimu wenyasha nokukumbira, uye vanhu vachatarira uyo vakabaya, vachimuchema “somukuchema mwanakomana mumwe bedzi.” (12:10, NW) Jehovha wehondo anozivisa kubviswa kwezvidhori zvose navaporofita venhema; vabereki vamene vomunhu akadaro vanofanira kumukuvadza zvokuti achinyara anobvisa nguo yake yomuporofita. Mufudzi biyake waJehovha acharohwa uye makwai achaparadzirwa, asi Jehovha achanatsa “mugove wechitatu” kuti udane zita rake. Jehovha achati: “Ndivo vanhu vangu,” uye iwo uchapindura, kuti: “Jehovha ndiMwari wangu.”—13:9.
22. Chii chichaitika kumarudzi nokuJerusarema ne‘zuva raJehovha’?
22 “Tarirai, zuva raJehovha rinosvika.” Marudzi ose achadenha Jerusarema, uye hafu yeguta racho ichapinda muutapwa, ichisiya vakasarira. Ipapo Jehovha achabuda ndokurwisana namarudzi iwayo, “sezvaakarwa nezuva rehondo.” (14:1, 3) Gomo remiorivhi, riri kumabvazuva kweJerusarema, richatsemuka kubva kumabvazuva kusvikira kumadokero, kuchiita mupata woutiziro. Nezuva iroro mvura mhenyu dzichayerera kumabvazuva nokumadokero dzichibva Jerusarema, muzhizha nomuchando, uye “Jehovha uchava Mambo wenyika yose.” (14:9) Apo Jerusarema rinofarikanya chengeteko, Jehovha acharova avo vanorwisana naro. Sezvo vanomira, nyama yavo, maziso, uye ndimi zvichaora. Nyongano ichavarova. Ruoko rwomumwe nomumwe rucharwisa muvakidzani warwo. Avo vakasiyiwa vari vapenyu vemarudzi ose vachafanira ku“kwira gore rimwe nerimwe kundonamata Mambo, iye Jehovha wehondo.”—14:16.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
23. Chinyorwa chebhuku raZekaria chinosimbisa sei kukutenda?
23 Vose avo vanofunda ndokufungisisa pamusoro pouporofita hwaZekaria vachabetserwa nokuwana zivo inosimbisa kutenda. Kanopfuura ka50 Zekaria anokwevera ngwariro kuna “Jehovha wehondo” seUyo anorwira uye anodzivirira vanhu Vake, achivazadza nesimba maererano nokuda kwavo. Apo chishoro chakafanana negomo chakatyisidzira kupedzwa kwekuvakwa kwetembere, Zekaria akazivisa, kuti: “Ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri, rinoti: Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi noMweya wangu—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani.” Tembere yakapedzwa nebetsero yomudzimu waJehovha. Nenzira yakafanana nhasi, mhinganidzo dzichanyangarika kana dzikabatwa nadzo nokutenda muna Jehovha. Kwakangoita seizvo Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Kana mune kutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko! ringaenda; hakuna chinhu chingakukundai.”—Zek. 4:6, 7; Mat. 17:20.
24. Muenzanisoi woruvimbiko unopiwa muganhuro 13 yaZekaria?
24 Muganhuro 13, ndima 2 kusvikira ku6, Zekaria anoratidzira ruvimbiko urwo kusvikira kuzuva rino runoratidzira sangano raJehovha. Irworwu runofanira kupfuura ukama huri hwose hwavanhu, zvakadai seuhwo hwehama dzokunyama. Kana hama yapedyo ikaporofita nhema muzita raJehovha, ndiko kuti, kutaura zvinopesana neshoko roUmambo ndokuedza nenzira isina kururama kupesvedzera vamwe muungano yavanhu vaMwari, mitezo yemhuri yaiyeyo inofanira kutsigira nenzira yokuvimbika chiito chipi nechipi chokutonga chinoitwa neungano. Chimiro chimwe chetecho chinofanira kuchengetwa pamusoro pomusonganiri wapedyo upi noupi anoporofita zvenhema, kuti agonyadziswa nokukuvadzwa pamwoyo nemhaka yechiito chake chisina kururama.
25. Uporofita hwaZekaria hunobatana sei namamwe Magwaro mukuzivisa Mesiya, “Davi,” nebasa rake soMuprista Mukuru naMambo ari pasi paJehovha?
25 Seizvo ndima dzedu dzesumo dzaratidza, kupinda kwaJesu muJerusarema samambo, “unozvininipisa, akatasva mbongoro,” kutengeswa kwake nokuda kwe“masirivha ane makumi matatu,” kuparadzirwa kwavadzidzi vake panguva iyoyo, uye kubayiwa kwake ari padanda nepfumo romurwi zvakafanotaurwa zvose naZekaria muudzame chaihwoihwo. (Zek. 9:9; 11:12; 13:7; 12:10) Uporofita hwacho hunodudzawo “Davi” somuvaki wetembere yaJehovha. Kuenzaniswa kwaIsaya 11:1-10; Jeremia 23:5; uye Ruka 1:32, 33 kunoratidza iyeyu kuva Jesu Kristu, uyo “uchabata imba yaJakobho nokusingaperi.” Zekaria anorondedzera “Davi” se“muprista pachigaro chake choushe,” uko kunobatana namashoko omuapostora Pauro, anoti: “Jesu wakaitwa muprista mukuru nokusingaperi, une rudzi naMerkizedheki,” uyewo, “wakagara kurudyi rwechigaro choushe choUmambo kudenga.” (Zek. 6:12, 13; VaH. 6:20; 8:1) Nokudaro uporofita hwacho hunonongedzera ku“Davi” racho soMuprista Mukuru naMambo ari kuruoko rworudyi rwaMwari mumatenga, nepo panguva imwe cheteyo hunozivisa Jehovha saChangamire Mutongi pamusoro pezvose, kuti: “Jehovha uchava Mambo wenyika yose; nezuva iro Jehovha uchava mumwe chete, nezita rake rimwe chete.”—Zek. 14:9.
26. Zekaria anonongedzera anongedzerazve ku“zuva” ripi rine mbiri?
26 Achinongedzera kunguva iyoyo, muporofita anodzokorora kutaura kwokuti “nezuva iro” ka20, uye kunotogumisa uporofita hwake. Kunzverwa kwokuoneka kwako kwakawanda kunoriratidza kuva zuva apo Jehovha anoparadza mazita ezvidhori uye anobvisa vaporofita venhema. (13:2, 4) Izuva apo Jehovha anorwisa marudzi anodenha ndokuparadzira nyongano mumapoka avo sezvo anoaparadza ndokugovera ‘mupata wamakomo ake’ soutiziro nokuda kwavanhu vake amene. (14:1-5, 13; 12:8, 9) Hungu, “Jehovha Mwari wavo uchavaponesa nezuva iro seboka ravanhu vake,” uye vachadana mumwe nomumwe vari pasi pomuzambiringa nomuonde. (Zek. 9:16; 3:10; Mik. 4:4) Izuva rine mbiri apo Jehovha wehondo a“chagara mukati” mavanhu vake uye apo “mvura mhenyu zhinji ichabuda muJerusarema.” Aya mashoko aZekaria anozivisa zviitiko “nezuva iro” sezvinotangira “denga idzva nenyika itsva” zvechipikirwa choUmambo.—Zek. 2:11; 14:8; Zvak. 21:1-3; 22:1.
27. Uporofita hwaZekaria hunonangidzira sei ngwariro pakutsveneswa kwezita raJehovha?
27 “Ndiani wakashora zuva rezvinhu zviduku?” anobvunza kudaro Jehovha. Tarira! Uku kubudirira kuchabatanidza pasi rose: ‘Vanhu vakawanda namarudzi ane simba vachauya chaizvoizvo kuti vatsvake Jehovha wehondo muJerusarema, uye varume vane gumi vanobva mumitauro yose yamarudzi vachabata nguo yomurume uyo ari muJudha, vachiti: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.”’ “Nezuva iro” kunyange mabhero emabhiza achava namashoko anoti, “Zvitsvene Kuna Jehovha!” Uhwu uporofita hunofadza hunobetsera zvikurusa kurangarira, nokuti hunoratidza kuti zita raJehovha zvirokwazvo richatsveneswa kupfurikidza neMbeu yake yoUmambo!—Zek. 4:10; 8:22, 23; 14:20.
[Mashoko Omuzasi]
a Insight on the Scriptures, Vhor. 2, mapeji 531, 1136.
b Encyclopaedia Judaica, 1973, Vhor. 4, chikamu 828; Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 1080-1.