Mugumo Unouya we“Bhuku reHondo dzaJehovha”
“Kuchinzi mubhuku reHondo dzaJehovha.”—NUMERI 21:14, “NW.”
1, 2. Jehovha akaratidza kuvaEgipita kuti akanga ari Mwari murwi panhamboi yekare, uye iye akakuita sei?
KUNONZWISISWA zvishomanene navanhu vanhasi kuti Mwari weBhaibheri, Jehovha, murwi, munhu akasimba wehondo. Iri idi rakaratidzirwa apo iye akanunura vanhu vake vomunguva dzekare mudzvinyiriro muEgipita. Farao akanga anyandurwa nomuvengi asingaoneki wavanhu ivavo, Satani Dhiabhorosi, kuedza kuvashandisa kusvikira kurufu. Zvino, achisvika pakuziva pamusoro pechaakanga achirasikirwa nacho kupfurikidza nokubvumira vaIsraeri kuenda vakasununguka, Farao namauto ake ehondo vakavaronda.
2 Farao, zvisinei, haana kuziva kuti Mwari wavaIsraeri aigona kuva Mwari murwi kuti anunure vanhu Vake. Sezvo mauto iwayo eEgipita aitsvikinyidzana nomugova rakaoma reGungwa Dzvuku mukuronda kwamatsive, Mwari wavaIsraeri vakapinzwa mungozi akaita chiito ndokunyudza vatasvi vengoro navatasvi vamabhiza, achirega mvura dzakaungana dzichiwira pamukoto wokupukunyuka nawo uyo wakanga wazarurwa nenzira yenenji nokuda kwavaIsraeri.—Esksodho 14:14, 24-28.
3. Murwiyo rwavo rworukundo, vaIsraeri vakaratidza Jehovha saMwari worudzii, asi marudzi anhasi anofuratira idii?
3 Vakachengeteka pamhenderekedzo yokumabvazuva kweGungwa Dzvuku, vaIsraeri vanofara vakaimba rwiyo rworukundo, vachirumbidza Mununuri wavo wokudenga: “Ndichaimbira Jehovha, nokuti wakasimuka nesimba rake. Wakakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa. Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu, iye wakava ruponeso rwangu. Uyu ndiye Mwari wangu, ndicharumbidza Mwari wababa vangu, ndichamukudza. Jehovha munhu wokurwa. Jehovha ndiro zita rake. Wakakandira ngoro dzaFarao nehondo yake mugungwa, uye varwi vake vakasanangurwa vakanyudzwa muGungwa Dzvuku.” (Eksodho 15:1-4) Ipapo paGungwa Dzvuku, Jehovha akazviratidzira amene somurwi anokwanisa wamabasa anoshamisa. Marudzi enyika akafuratira iri idi.
4, 5. Ndudzi 12 idzodzo dzinofara dzavaIsraeri dzakabva kuna sekurui wavose, uye iyeyu akava shamwari yaani nemhaka yevarai?
4 Muporofita Mosesi, uyo akatungamirira mukuimbwa kwerwiyo irworwo rwakafuridzirwa, akataura nezvaJehovha sa“Mwari wababa vangu.” Abrahama wechiHebheru akanga ari sekuru akatanhamara worudzi rwaIsraeri. Kwaari, kupfurikidza naIsaka naJakobho uye vanakomana 12 vaJakobho, kwakabva ndudzi 12 dzaIsraeri. Abrahama akazvibvumikisa amene kuva munamati womuenzaniso waJehovha Mwari. Iye akanga ari murume wokutenda kwakasimba zvikuru zvokuti apo Jehovha akamudana kuti asiye musha wake muUri yavaKardhea, iye nokusazengurira akaenda kunyika iyo Jehovha akanga achizomuratidza, ane chivimbo chokuti Mwari aizozadzika chipikirwa Chake chokuipa kwaari nokuvana vake.
5 Nemhaka yokutenda kwaAbrahama kwakaisvonaka, Jehovha akapikira kupa Abrahama “mbeu,” kana kuti vana, iyo kupfurikidza nayo mhuri dzose dzapasi, kubatanidza mhuri dzanhasi, dzaizozvikomborera dzimene. (Genesi 12:2, 3; 22:17, 18, NW) Abrahama akapinzwa muukama hwapedyo hwakadaro naMwari wake zvokuti akazivikanwa se“shamwari yaJehovha,” Mwari amene achidana tateguru vakatendeka kuti “shamwari yangu.”—Jakobho 2:23, NW; Isaya 41:8.
6. Kunyange zvazvo akanga ari mudzungairi ano rugare muNyika Yakapikirwa, Abrahama akazvibvumikisa amene sei kuva murwi anovimba naJehovha?
6 Kunyange zvazvo aifamba-famba somuenzi muNyika Yakapikirwa, Abrahama akabvumikisa kuti aigona kuita somukani, murwi. Pane imwe nhambo madzimambo mana akabva kunze akavhozhokera Nyika Yakapikirwa ndokuenda nomwanakomana womunun’una waAbrahama Roti nemhuri yaRoti. Abrahama, asundwa nezvisungo zvakasimba zvemhuri, akashongedzera nezvombo 318 vabatirirume vake, uye pamwe chete navatsigiri vakabva kumitatu yemibatanidzwa yake yomunzvimbomo, Aneri, Eshkori, uye Mamre, akadzingirira vapambi vacho. Vachiita kudenha kunoshamisa pavari usiku, Abrahama neuto rake vakakurira vavhozhokeri vacho, kunyange zvazvo vakanga vari uto guru zvikuru. “Kuurawa kwamadzimambo” kwakaitika. (VaHebheru 7:1; Genesi 14:13-17) Abrahama akanunura Roti nemhuri yake ndokuwanazve zvose zvakanga zvabiwa.
7-9. (a) Abrahama akashanyira mupristai, uye chikomboreroi chaakawana? (b) Abrahama akaratidza sei kuti akanga achida kupfumiswa bedzi naMwari Wokumusorosoro? (c) Sezvakasimbiswa naMerkizedheki, ndiani akapa Abrahama rukundo rwehondo?
7 Abrahama akaziva kuti chiito chake chehondo chakanga chabvumikisa kuva chinobudirira bedzi nebetsero yaJehovha Mwari, uye parwendo rwake rworukundo achienda kumusha, akakwanisa kuita kubvumwa kwapamhene kweidi iroro. Iye aiziva kuti muprista akatenderwa waMwari wake akanga achizowanwa muguta reSaremi. Naizvozvo akaenda kuguta iroro. Rutivi rwokupedzisira rwaGenesi ganhuro 14 runotizivisa nezvechakaitika ipapo:
8 “Merkizedheki mambo weSaremi akauya nechingwa newaini, uye iye wakanga ari muprista waMwari wokudenga-denga. Ipapo akamuropafadza ndokuti: ‘Abrama, ngaaropafadzwe naMwari woKudenga-denga, Muridzi wokudenga napasi; Mwari woKudenga-denga ngaakudzwe, wakapa vavengi venyu mumaoko enyu!’ Pana ikoku Abrama akamupa chegumi chezvose. Zvino mambo weSodhoma akati kuna Abrama: ‘Ndipe vanhu, iwe utore hako pfuma.’ Abrama akati kuna mambo weSodhoma: “Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha Mwari Wokumusorosoro, Muridzi wokudenga napasi, kuti handingatori ruchinda kana rukanda rweshangu, kana chimwe chezvinhu zvenyu, kuti murege kuzoti, “Ndini ndakapfumisa Abrama.” Ini handidi hangu! Asi zvakadyiwa namajaya chete, uye mugove wavanhu vakaenda neni chete, Aneri, Eshkori naMamre—ngavatore migove yavo.’”—Genesi 14:18-24.
9 Sokuratidza kunoita idzi ndima, Merkizedheki, muprista woumambo weguta reSaremi, akasimbisa kupwiswa kwaAbrahama kwokuti akanga ari Mwari Wokumusorosoro uyo akamurwira namauto ake ehondo uye akamupa rukundo. Muprista Mambo Merkizedheki haana kubva parutivi rwaJehovha munhau yacho.
Bhuku reHondo dzaJehovha
10. Ndokupi kuri kududzwa kwokutanga kwehondo muBhaibheri, uye nei kwakanga kuri bedzi mavambo eHondo dzorukundo dzaJehovha?
10 Rondedzero iri muna Genesi 14 yokuvhozhokerwa kweNyika Yakapikirwa neyokukunda kwaAbrahama vavhozhokeri vakashongedzerwa nezvombo kududzwa kwokutanga kwehondo muMagwaro Matsvene. Nokudaro, anopfuura mazana mana amakore pamberi pechiito chake paGungwa Dzvuku, Jehovha akazviratidzira amene somurwi, “munhu akasimba wehondo.” Bva, ikoku kwakanga kuri bedzi mavambo. Rukundo rukuru zvikuru norwakatanhamara zvikuru rwaizotevera, kubatanidza rwokupedzisira muino “mhedziso yetsika yezvinhu.”—Mateo 24:3, NW.
11. Chii chiri “bhuku rehondo dzaJehovha,” asi ndokupizve kune nhauro zhinji dzezviito zvake zvehondo?
11 Mukuwirirana nezvinotaurwa pana Numeri 21:14, “bhuku reHondo dzaJehovha” rakanyorwa. Ichi chinyorwa chakavimbika, kana kuti nhau, chehondo dzaMwari nokuda kwavanhu vake, zvichida chakava namavambo acho neiyi hondo nokuda kwaAbrahama akatendeka. Mosesi aiziva nezveiri bhuku asi haatipi humwe udzame pamusoro paro. Nokudaro, hatiziviswi nezvenzira dzose idzo Jehovha akazviratidzira amene nadzo kuva murwi mukati menhambo yenguva yakafukidzwa nebhuku iroro reHondo dzaJehovha. Chibviro chokududzwa kwebhuku iroro, zvisinei, chikamu chikuru cheBhaibheri Dzvene chakanyorwa, uye ichochi chinotipa nhauro zhinji dzezviito zvehondo zvaJehovha.
Merkizedheki Mukuru—Murwi
12. Merkizedheki akafananidzira Mukuru mukurui waMwari Wokumusorosoro, uye ipisaremai rakaumbwa naDhavhidhi rinotaurwa kuna iyeyu somuprista nomurwi?
12 Pashure pokunge Abrahama akurira Kedhoriraomeri namadzimambo ake akabatanidzwa, Merkizedheki akamukomborera. Mambo Muprista Merkizedheki nenzira youporofita akafananidzira Uyo aizova Muprista Mukuru waMwari Wokumusorosoro uyewo murwi ane simba anotsigirwa naMwari Mukuru. Pisarema 110, rakaumbwa mufuridzirwo nomurwi mambo Dhavhidhi, rinotaurwa kuno Uyu mukuru zvikuru kupfuura Merkizedheki weSaremi apo rinoti: “Jehovha uchabudisa tsvimbo yesimba rako ibude muZioni, achiti: ‘Enda ukurire pakati pavavengi vako.’ Jehovha wakapika (uye haasati achizozvidemba) achiti: ‘Iwe uri muprista kusvikira kunguva isingazivikanwi mukuwirirana nomutoo waMerkizedheki!’ Jehovha amene uri paruoko rwako rworudyi uchapwanya zvamazvirokwazvo madzimambo pazuva rokutsamwa kwake.”—Pisarema 110:2, 4, 5, NW.
13. Muna VaHebheru maganhuro 7 ne 8, Uyo ari mukuru kupfuura Merkizedheki wekare anoziviswa saani, uye Iyeyu akapinda munzvimboi yakakwirira uye ane rudzii rwechibairo?
13 Munyori akafuridzirwa webhuku raVaHebheru akazivisa kuzivikanwa kwoUyo mashoko iwayo akataurwa kwaari chaizvoizvo apo akati: “Mutungamiriri akapinda nokuda kwedu, Jesu, uyo akava muprista mukuru mukuwirirana nomutoo waMerkizedheki nokusingaperi.” (VaHebheru 6:20, NW) Muganhuro inotevera yaVaHebheru, ukuru hwaMerkizedheki wakare hunotsanangurwa. Asi ukuru hwake hwouprista, kunyanguvezvo, hunopfuurwa noUyo iye akadeya kufananidzira, Jesu Kristu akamutswa, akapiwa mbiri, uyo akapinda pamberi patsvene paJehovha Mwari amene ane ukoshi hwechibairo chikuru zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi icho Mambo Muprista Merkizedheki weSaremi aisagona kupa.—VaHebheru 7:1–8:2.
14. Ko Merkizedheki Mukuru akapa simba vakuru vechiKristudhomu rokugoverana muzviito zvehondo zvaanonzi marudzi echiKristu here?
14 Muprista woumambo Merkizedheki akakomborera murwi, Abrahama anokunda. Asi zvakadiniko naMerkizedheki Mukuru, Muvambi wechiKristu chechokwadi? Vakuru vechiKristudhomu vanoti vanomirira Jesu Kristu mukukomborera hondo dzaanonzi marudzi echiKristu nokuanyengeterera. Asi Muprista Mukuru waJehovha mudenga akatsigira here vakuru vechiKristudhomu muna ikoku? Ko iye nokudarozvo akabvuma here mutoro wokudeurwa kwose kweropa uko kwakapfuurira mukati merinonzi Zera rechiKristu, kubatanidza ropa rakadeurwa mukati meHondo dzeNyika I ne II? Kwete zvamazvirokwazvo! Hapana nguva yaakapa simba vadzidzi vake vechokwadi rokuzviita vamene rutivi rwenyika ino uye kukumbanira pahondo dzayo dzinodeura ropa.
Mwari Murwi Anozviitira Amene Zita Rakaisvonaka
15, 16. Jehovha akazviitirei amene apo akarwira vanhu vake kuti avanunure muEgipita?
15 Nehemia 9:10 inonongedzera kukununura kwaJehovha ndudzi 12 dzaIsraeri muEgipita, ichiti: “Makaratidza Farao zviratidzo nezvinoshamisa navaranda vake vose navanhu vose venyika yake, nokuti makaziva kuti vakavaitira izvozvo nokukudza [vaIsraeri]; uye mukuwanira rumbidzo sezvazvakaita nhasi.”—Enzanisa naEsksodho 14:18.
16 Muporofita Isaya anonongedzera kuiri zita rakaisvonaka apo anotaura nezvaJehovha so“Uyo unofambisa ruoko rwake rwunokudzwa parutivi rwaMosesi; uyo unoparadzanisa mvura zhinji pamberi pavo kuti azviwanire mukurumbira usingaperi.” Uye achitaura kuna Jehovha, anoti: “Saizvozvo makafambisa vanhu venyu kuti muzviwanire mukurumbira mukurukuru.” (Isaya 63:12-14) Achikumbira Jehovha kuitazve chiito nokuda kwavanhu vake, Dhanieri akamutaura sa“imi makabudisa vanhu venyu paEgipita noruoko rune simba mukazviwanira mukurumbira sapazuva ranhasi.”—Dhanieri 9:15; Jeremia 32:20.
17. Ndiani uyo Jehovha achatuma kuzorwa muzita rake, uye chii icho iye nokudarozvo acharatidza marudzi ose nhasi?
17 Munguva yakafanira, Jehovha Mwari achatuma Jesu Kristu, Merkizedheki Mukuru, somurwi ane simba. Kupfurikidza naye, Jehovha achazviitira amene zita rinopfuura chinhu chipi nechipi munguva yakapfuura sezvinorondedzerwa mubhuku reHondo dzaJehovha kana kuti muMagwaro echiHebheru eBhaibheri Dzvene. Muganhuro yokupedzisira yebhuku rechipiri kubva kune rokupedzisira raMagwaro echiHebheru, denho yamarudzi ose mukurwisana neJerusarema inodeya kutaurwa. Ipapo, mukuwirirana naZekaria 14:3, “Jehovha uchabuda ndokurwa nendudzi idzodzo sezvaakarwa muzuva rehondo, muzuva rokurwa.” Neiyi nzira Mwari weBhaibheri acharatidza marudzi ose azvino uno kuti achiri Mwari murwi sezvaakanga akaita mumazuva aIsraeri wekare.
18, 19. IJerusarema ripi richava nyajambwa wedenho yachose chose inoitwa namarudzi?
18 Iyi ikariro ichiri mberi kwedu. Asi iJerusaremai richatambura denho yachose chose yakadaro? Uporofita hwacho hahuna kuzadzikwa paJerusarema romuzuva raZekaria. Guta iroro rakaparadzwa nehondo dzeRoma muna 70 N.V. Jerusarema rakavakwazve, zvisinei, uye nhasi rinorangarirwa serinoyera nechiKristudhomu pamwe chete norudzi rwokunyama rwaIsraeri. Muhondo yamazuva matanhatu ya 1967, Israeri wokunyama akatapa guta reJerusarema rapasi rose rakavakwazve. Zvisinei, hapana kaufakazi kokuti Jehovha Mwari akatora rutivi rupi norupi murwisano ipapo. Mambo wake akagadzwa pachigaro choumambo, Jesu Kristu, haatongi muJerusarema rapasi, uye harichirizve “guta raMambo mukuru,” ndiko kuti, raJehovha.—Mateo 5:35.
19 Aiwa, iri dzimbahwe rehurumende romutezo wechiJudha weChibatanwa Chamarudzi harisati riri Jerusarema rinodudzwa muuporofita hwaZekaria. Panzvimbo pezvo, Zekaria ari kunongedzera kuJerusarema ratinorava nezvaro mubhuku raVaHebheru. Imomo, Pauro anotaura kumaKristu akazodzwa uye anoti: “Makaswedera kuGomo reZioni nokuguta raMwari mupenyu, Jerusarema rokudenga, uye kumazana namazana engirozi.” (VaHebheru 12:22, NW) Iri Jerusarema rokudenga harisi rimwe kunze kwoUmambo hwoUmesia hwaMwari, hunomirirwa pasi pano nhasi neboka duku ramaKristu akazodzwa ane tariro yokuva vatongi biyake vaJesu Kristu muUmambo ihwohwo. Ivava vachava vanyajambwa vedenho yakaporofitwa.
20. Mashokoi ayo Mambo Hezekia akataura kuna vanhu vake vakatyisidzirwa kuti avasimbaradze, uye Zvapupu zvaJehovha zvinozvisimbaradza zvimene namashokoi aMambo mukuru kupfuura Hezekia?
20 Ivava, zvisinei, kana boka guru ramaKristu ane tariro yapasi avo vakabuda mumarudzi ose kuzovakumbanira mukunamata kwakachena havafaniri kutya muuyo weiyi denho. Apo hondo dzinonyandura rutyo dzaSanheribhi, mambo weAsiria, dzakarwisana neJerusarema mukati mokutonga kwaMambo Hezekia, vaIsraeri vaiva mungozi vakapiwa murangariro unoteramisa womugariro apo Mambo Hezekia akati kwavari: “Iye uno ruoko rwenyama, asi unesu ndiJehovha Mwari wedu kuzotibetsera nokurwa navavengi vedu.” Muuyo wakava wokuti “vanhu vakavamba kuzvisimbaradza vamene namashoko aHezekia mambo wavaJudha.” (2 Makoronike 32:8, NW) Zvapupu zvaJehovha zvanhasi, apo zvinotyisidzirwa namauto amarudzi etsika yenyika ino, zvinogona kuzvisimbaradza zvimene namashoko akafanana anobva kuna mambo mukuru kupfuura Hezekia, Jesu Kristu.
21. (a) Nei mashoko aJahazieri achizoyeukwa mukati medenho inouya paJerusarema rokudenga? (b) Chii chichava muuyo wehondo icharwiwa?
21 Panguva iyeyo, mashoko anokurudzira kutenda aJahazaeri muRevhi achayeukwa: “Imi hamungafaniri henyu kurwapo; zvigadzireipo, murambe mumire henyu muone kurwirwa kwenyu naJehovha, imi vaJudha naveJerusarema; musatya kana kuvhunduswa; budai mangwana mundorwa navo, nokuti Jehovha unemi.” (2 Makoronike 20:17) Hungu, mukati menguva iyoyo yose ine ngozi, Jehovha achava navanhu vake. Kotsekano yavo nechengeteko zvichatsamira pakuvarwira kwake. Uye acharwa, kupfurikidza naMambo wake murwi, Jesu Kristu! Muuyo wacho? Kuparadzwa kwakakwana kwesangano rinooneka raDhiabhorosi pasi pano.—Zvakazarurwa 19:11-21.
22. (a) Ndeipi ichava mhedziso yorukundo yebhuku reHondo dzaJehovha, uye chii icho Jehovha achazviitira amene nenzira iyoyo? (b) Vadi vezita raJehovha vachasundwa kuitei norukundo rwake?
22 Mwari achazviitira amene zita rakaisvonaka sei kupfurikidza norukundo rwake rwunotyisa muiyi “hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” paHar–Magedhoni! (Zvakazarurwa 16:14, 16) Ganhuro itsva, sokunge zvakadaro, ichawedzerwa kubhuku reHondo dzaJehovha. Ichiva mhedziso yorukundo, mugumo mukuru kana toreva nezvetsika ino yezvinhu. Bhuku rose richaratidza kuti Mwari Wamasimba ose haana kutongokurirwa muhondo. Vadi vezita raJehovha vachamurumbidza nomufaro sei pashure paikoko! Ipapo, zvamazvirokwazvo, ndima yokupedzisira yebhuku raMapisarema ichazadzika zvikuru: “Chinhu chiri chose chinofema—ngachirumbidze Jah. Rumbidzai Jah, imi vanhu!”—Pisarema 150:6, NW.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Chii icho vanhu vanhasi vanonzwisisa zvishomanene pamusoro paMwari weBhaibheri, Jehovha?
◻ Abrahama akarwa hondoi, uye ndiani akamupa rukundo?
◻ Chii chiri “bhuku reHondo dzaJehovha”?
◻ Chii chichava mugumo we“bhuku reHondo dzaJehovha,” uye uchaguma nechii?