RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mugumo Unouya we“Bhuku reHondo dzaJehovha”
    Nharireyomurindi—1990 | July 1
    • 17. Ndiani uyo Jehovha achatuma kuzorwa muzita rake, uye chii icho iye nokudarozvo acharatidza marudzi ose nhasi?

      17 Munguva yakafanira, Jehovha Mwari achatuma Jesu Kristu, Merkizedheki Mukuru, somurwi ane simba. Kupfurikidza naye, Jehovha achazviitira amene zita rinopfuura chinhu chipi nechipi munguva yakapfuura sezvinorondedzerwa mubhuku reHondo dzaJehovha kana kuti muMagwaro echiHebheru eBhaibheri Dzvene. Muganhuro yokupedzisira yebhuku rechipiri kubva kune rokupedzisira raMagwaro echiHebheru, denho yamarudzi ose mukurwisana neJerusarema inodeya kutaurwa. Ipapo, mukuwirirana naZekaria 14:3, “Jehovha uchabuda ndokurwa nendudzi idzodzo sezvaakarwa muzuva rehondo, muzuva rokurwa.” Neiyi nzira Mwari weBhaibheri acharatidza marudzi ose azvino uno kuti achiri Mwari murwi sezvaakanga akaita mumazuva aIsraeri wekare.

  • Mugumo Unouya we“Bhuku reHondo dzaJehovha”
    Nharireyomurindi—1990 | July 1
    • 21. (a) Nei mashoko aJahazieri achizoyeukwa mukati medenho inouya paJerusarema rokudenga? (b) Chii chichava muuyo wehondo icharwiwa?

      21 Panguva iyeyo, mashoko anokurudzira kutenda aJahazaeri muRevhi achayeukwa: “Imi hamungafaniri henyu kurwapo; zvigadzireipo, murambe mumire henyu muone kurwirwa kwenyu naJehovha, imi vaJudha naveJerusarema; musatya kana kuvhunduswa; budai mangwana mundorwa navo, nokuti Jehovha unemi.” (2 Makoronike 20:17) Hungu, mukati menguva iyoyo yose ine ngozi, Jehovha achava navanhu vake. Kotsekano yavo nechengeteko zvichatsamira pakuvarwira kwake. Uye acharwa, kupfurikidza naMambo wake murwi, Jesu Kristu! Muuyo wacho? Kuparadzwa kwakakwana kwesangano rinooneka raDhiabhorosi pasi pano.—Zvakazarurwa 19:11-21.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe