Kukunda Kwekunamata Kwechokwadi Kunoswedera Pedyo
“Jehovha uchava Mambo wenyika yose.”—ZEKARIA 14:9.
1. Chii chakaitika chavaKristu vakazodzwa mukati meHondo Yenyika I, uye ichochi chakafanotaurwa sei?
MUKATI mehondo yenyika yokutanga, vaKristu vakazodzwa vakatambura nhamo zhinji uye kuiswa mutorongo kupfurikidza nechiito chemarudzi airwisana. Zvibayiro zvavo zvokurumbidza Jehovha zvakanga zvakaganhurirwa zvakakomba, uye vakapinda mumamiriro ezvinhu okutapwa mumudzimu. Kwose ikoku kwakafanotaurwa pana Zekaria 14:2, iyo inorondedzera kudenha kwemarudzi akawanda paJerusarema. Guta rouporofita ihwohwu i“Jerusarema riri kudenga,” Umambo hwaMwari hwekudenga uye nzvimbo ye“chigaro choushe chaMwari necheGwayana.” (VaHebheru 12:22, 28; 13:14; Zvakazarurwa 22:3) Vakazodzwa vaMwari pasi pano vaimirira guta iroro. Vakatendeka pakati pavo vakapukunyuka denho yacho, vachiramba kuzvibvumira vamene kutapwa “muguta.”a
2, 3. (a) Kunamatwa kwaJehovha kwakakunda sei kubvira muna 1919? (b) Kubvira muna 1935, chii chakaitika?
2 Muna 1919 vakazodzwa vakatendeka vakasunungurwa muutapwa hwavo, uye nokukurumidza vakashandisa nhambo yerugare yakatevera hondo yacho. Senhume dzeJerusarema rokudenga, vakashandisa mukana wakaisvonaka kuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari nokubatsira mukuunganidza mitezo yokupedzisira yevane 144 000. (Mateo 24:14; 2 VaKorinte 5:20) Muna 1931 vakagamuchira zita rakakodzera rapaMagwaro rokuti Zvapupu zvaJehovha.—Isaya 43:10, 12.
3 Kubvira ipapo, Zvapupu zvaMwari zvakazodzwa hazvina kutongotarira shure. Kunyange Hitler nesangano rake rehondo reNazi havana kugona kuvanyaradza. Pasinei zvapo nechitambudzo chemunyika yose, basa razvo rakabereka zvibereko mupasi rose. Zvikurukuru kubvira mugore ra1935, vakakumbanirwa ne“vazhinjizhinji” vemarudzi akawanda, vakafanotaurwa mubhuku raZvakazarurwa. Ivavawo vaKristu vakazvitsaurira, vakabhapatidzwa uye “vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana,” Jesu Kristu. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Zvisinei, havasi vakazodzwa, vane tariro youpenyu hwokudenga. Tariro yavo ndeyokugara nhaka icho Adhama naEvha vakarasikirwa nacho, ndiko kuti, upenyu hwemunhu hwakakwana muparadhiso yapasi. (Pisarema 37:29; Mateo 25:34) Nhasi, boka guru rinosvika mweya inopfuura mamiriyoni mashanu. Kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha kuri kukunda, asi kukunda kwako kwokupedzisira kuchigere kusvika.
Vatorwa Mutembere yaMwari Yomudzimu
4, 5. (a) Boka guru rinonamatira Jehovha kupi? (b) Iropafadzoi dzavanofarikanya, uye mukuzadzikwa kweuporofitai?
4 Sezvakafanotaurwa, boka guru “riri kunamata [Mwari] masikati nousiku mutembere yake.” (Zvakazarurwa 7:15, NW, mashoko omuzasi) Sezvo vasiri vemudzimu, vaIsraeri veuprista, Johane sezvingabvira akavaona vakamira mutembere muruvazhe rwekunze rweVamarudzi. (1 Petro 2:5) Tembere yaJehovha yomudzimu yazova ine mbiri sei, vazhe dzayo dzichizadzwa neiri boka guru iro, pamwe chete nevakasarira vaIsraeri wemudzimu, vari kumurumbidza!
5 Boka guru haribatiri Mwari mumumiriro wezvinhu waifananidzirwa neruvazhe rwomukati rwavaprista. Havaruramiswi nokuda kwechinangwa chokuva vanakomana vaMwari vakagamuchirwa, vomudzimu. (VaRoma 8:1, 15) Kunyange zvakadaro, kupfurikidza nokushandisa kutenda rudzikinuro rwaJesu, vane chimiro chakachena pamberi paJehovha. Vanoruramiswa nechinangwa chokuva shamwari dzake. (Enzanisa naJakobho 2:21, 23.) Ivowo vakaropafadzwa kupa zvibayiro zvinogamuchirwa paatari yomudzimu yaMwari. Nokudaro, muboka iri guru, uporofita hwaIsaya 56:6, 7 huri kuzadzikwa zvine mbiri: “Navatorwawo vanonamatira Jehovha, kuti vamushumire, nokuda zita rake raJehovha, . . . ndichavauyisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera; zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paatari rangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yavanhu vose.”
6. (a) Vatorwa vanopa zvibayiro zverudzii? (b) Mudziyo wemvura waiva muruvazhe rwevaprista unovayeuchidza nezvechii?
6 Pakati pezvibayiro izvo ava vatorwa vanopa “ndicho chibereko chemiromo [sezvipiriso zveupfu hwakatsetseka] inopupura zita” raMwari uye “kuita zvakanaka nokugovana.” (VaHebheru 13:15, 16) Mudziyo mukuru wemvura uwo vaprista vaifanira kushandisa kuzvigeza vamene chiyeuchidzowo chinokosha kuvatorwa ivava. Ivowo vanofanira kuzviisa pasi pekuchenesa kwemudzimu nekwetsika sezvo Shoko raMwari rinojekeswa zvikuru kwavari nenzira inofambira mberi.
Nzvimbo Tsvene Nezvishongo Zvayo
7. (a) Boka guru rinorangarira sei ropafadzo dzeuprista hutsvene? (b) Iropafadzoi dzekuwedzera idzo vamwe vatorwa vakagamuchira?
7 Nzvimbo Tsvene nezvishongo zvayo zvine revo ipi neipi nokuda kweiri boka guru ravatorwa here? Eya, havasati vachizotongova mumumiriro wezvinhu waifananidzirwa neNzvimbo Tsvene. Havaberekwi zvakare sevanakomana vomudzimu vaMwari vane ugaro hwekudenga. Ikoku kunovaita kuti vanzwe vaine shanje kana kuti vanochochora here? Aiwa. Panzvimbo pezvo, vanofarira ropafadzo yavo yekutsigira vakasarira ve144 000, uye vanoratidza kuonga kukuru chinangwa chaMwari mukugamuchira vanakomana ivava vomudzimu, avo vachagoverana naKristu mukusimudza rudzi rwemunhu kusvikira kukukwana. Uyewo, boka guru revatorwa rinokoshesa mutsa usakafanirwa mukuru waMwari mukuvapa tariro yepasi yeupenyu husingaperi muParadhiso. Vamwe vevatorwa ivava, sevaNetinimi vekare, vakapiwa ropafadzo dzoutarisiri mukubatsira uprista hutsvene.b (Isaya 61:5) Kubva pakati paivava Jesu anogadza “machinda panyika yose.”—Pisarema 45:16.
8, 9. Ibetseroi iyo boka guru rinowana mukurangarira zvishongo zveNzvimbo Tsvene?
8 Nepo vasati vachizotongopinda muNzvimbo Tsvene yekufananidzirwa, boka guru revatorwa rinodzidza zvidzidzo zvinokosha muzvishongo zvayo. Kungofanana nechigadziko chemwenje chaida kuiswa mafuta nguva dzose, naizvozvo vatorwa vanoda mudzimu mutsvene kuti uvabetsere kunzwisisa zvokwadi dzinofambira mberi dzinobva muShoko raMwari, dzinopiwa kupfurikidza ne“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47) Uyezve, mudzimu waMwari unovabetsera kupindura kokero iyi: “Mweya nomwenga [vakasarira vakazodzwa] vanoti: Uya! Naiye unonzwa ngaati: Uya! Une nyota ngaauye. Unoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” (Zvakazarurwa 22:17) Nokudaro, chigadziko chemwenje chiyeuchidzo kuboka guru nezvemusengwa wavo wokupenya savaKristu nekudzivisa chinhu chipi nechipi muchimiro chendangariro, mufungo, shoko, kana kuti chiito icho chingachemedza mudzimu mutsvene waMwari.—VaEfeso 4:30.
9 Tafura yechingwa chokuratidza inoyeuchidza boka guru kuti kuti varambe vakanaka mumudzimu, vanofanira kudya nguva dzose zvokudya zvomudzimu zvinobva muBhaibheri uye zvinobva muzvinyorwa zve“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 4:4) Atari yezvinonhuwira inovayeuchidza nezveukoshi hwekunyengetera zvapachokwadi kuna Jehovha nokuda kwebetsero kuitira kuti vachengete perero yavo. (Ruka 21:36) Minyengetero yavo inofanira kubatanidza kutaura kwemwoyo wese kwerumbidzo nekuonga. (Pisarema 106:1) Atari yezvinonhuwira inovayeuchidzawo nezvekudikanwa kwekurumbidza Mwari nedzimwe nzira, dzakadai sekupfurikidza nekuimba kwavo kwemwoyo wese nziyo dzoUmambo pamisangano yechiKristu uye kupfurikidza nokugadzirira kwavo zvakanaka kuita ku“pupura nomuromo” kunobudirira.—VaRoma 10:10.
Kukunda Kwakakwana Kwekunamata Kwechokwadi
10. (a) Tinogona kutarira mberi kukariroi yakaisvonaka? (b) Chii chinofanira kuitika pakutanga?
10 Nhasi “vanhu vazhinji” vanobva mumarudzi ose vari kudirana kuimba yaJehovha yekunamatira. (Isaya 2:2, 3) Ichisimbisa ikoku, Zvakazarurwa 15:4 inoti: “Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achauya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.” Zekaria ganhuro 14 rinorondedzera zvinotevera. Mune ramangwana riri pedyo, chimiro chendangariro chakashata cheruzhinji rwavanhu pasi pano chichasvika mugumo sezvavanoungana kekupedzisira kuti varwe hondo neJerusarema—vamiriri vari pasi pano veJerusarema rokudenga. Ipapo Jehovha achaita chiito. SaMwari Murwi, “uchabuda, ndokurwa nendudzi idzedzo” idzo dzinotsunga kuita kudenha ikoku.—Zekaria 14:2, 3.
11, 12. (a) Jehovha achaita sei kukuuya kwekudenha mupasi rose pavanamati mutembere yake? (b) Ndeupi uchave mugumisiro wehondo yaMwari?
11 “Uku ndiko kurova Jehovha kwaacharova nako ndudzi dzose dzavanhu dzakarwa neJerusarema: nyama yavo ichaora vamire namakumbo avo, meso avo achaorera mumakomba awo, norurimi rwavo ruchaorera mumiromo yavo. Zvino nezuva iro kunyonganiswa kukuru kunobva kuna Jehovha kuchavapo pakati pavo; mumwe nomumwe uchabata ruoko rwowokwake, uye ruoko rwake ruchasimudzirwa ruoko rwowokwake.”—Zekaria 14:12, 13.
12 Kana denda iri riri chairoiro kana kuti rokufananidzira, tichafanira kumirira ndokuona. Zvisinei, chinhu chimwe ndechechokwadi. Nepo vavengi vaMwari vari kufamba kuti vaite denho yavo mupasi rose pavabatiri vaJehovha, vachamiswa nekuratidzirwa kunoshamisa kwesimba gurusa raMwari. Miromo yavo ichanyaradzwa. Kuchava sekunge kuti ndimi dzavo dzekuzvidza dzakanga dzaora. Nharidzano yavo yakabatana ichava isina kujeka kuchiono chavo, sokunge kuti maziso avo akanga awora. Masimba avo omuviri, ayo akavapa ushingi hwekudenha, achaparara. Munyongano, vachamukirana nekuuraya kukuru. Nokudaro vavengi vose vapasi vekunamatwa kwaMwari vachaparadzwa. Pakupedzisira, marudzi ose achave amanikidzwa kubvuma uchangamire hwaJehovha hwechisiko chose. Uporofita huchazadzika, hunoti: “Jehovha uchava Mambo wenyika yose.” (Zekaria 14:9) Pashure paikoko, Satani namadhemoni ake vachasungwa sezvo Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu kunovamba nezvikomborero zvikuru zvakachengeterwa rudzi rwemunhu.—Zvakazarurwa 20:1, 2; 21:3, 4.
Rumuko Rwepasi
13. Ndivanaani “vakasara vendudzi dzose”?
13 Uporofita hwaZekaria hunopfuurira paZek ganhuro 14, ndima 16, kuti: “Zvino vose vakasara vendudzi dzose dzakarwa neJerusarema, vachakwira gore rimwe nerimwe kundonamata Mambo, iye Jehovha wehondo, nokutamba mutambo wematumba.” Maererano neBhaibheri, vanhu vose vari vapenyu nhasi avo vanopfuurira kurarama kusvikira kumugumo wetsika ino yakaipa uye avo vanotongwa kuva vavengi vekunamata kwechokwadi vachatambura ku“rohwa nokuparadzwa kusingaperi.” (2 VaTesaronika 1:7-9; onawo Mateo 25:31-33, 46.) Havasati vachizomuka. Sezvingabvira, ipapo, avo “vakasara” vanobatanidza mitezo yemarudzi iyo yakafa hondo yaMwari yokupedzisira isati yarwiwa uye avo vane tariro yakavakirwa paBhaibheri yerumuko. “Nguva inouya,” Jesu akapikira kudaro, “nayo vose vari mumahwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu, avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa.”—Johane 5:28, 29.
14. (a) Vanomutswa vanofanira kuitei kuti vawane upenyu husingaperi? (b) Chii chichaitika kune vapi navapi avo vanoramba kuzvitsaurira vamene kuna Jehovha ndokushandisa kunamata kwechokwadi?
14 Ava vose vanomutswa vanofanira kuita chimwe chinhu kuitira kuti rumuko rwavo rwuve rwuya rweupenyu uye kwete rwuya rwerutongeso rwakashata. Vanofanira kuuya kuvazhe dzepasi dzetembere yaJehovha ndokukotama mukuzvitsaurira kuna Mwari kupfurikidza naJesu Kristu. Vapi navapi vanomutswa avo vanoramba kuita ikoku vachatambura denda rimwe chetero rinowira marudzi emuzuva razvino. (Zekaria 14:18) Ndiani anoziva kuti vangani vanomutswa vachakumbanira nemufaro boka guru mukuchengeta Mutambo wekufananidzirwa Wematumba? Pasina panikiro, kuchava navazhinji, uye tembere yaJehovha huru yomudzimu ichatova ine mbiri zvikuru somugumisiro!
Mutambo Wekufananidzirwa Wematumba
15. (a) Ndeapi akanga ari mamwe mativi akatanhamara eMutambo Wematumba wakare wechiIsraeri? (b) Nei nzombe 70 dzaipiwa mukati memutambo?
15 Gore rimwe nerimwe, Israeri wakare aidikanirwa kuchengeta Mutambo Wematumba. Waipedza vhiki imwe uye waiuya pakuguma kwekuunganidzwa kwemukoho wavo. Yaiva nguva inofadza yekuonga. Mukati mevhiki yacho, vaifanira kugara mudzimba dzechinguvana dzakafukidzwa namashizha emiti, zvikurukuru matavi emichindwi. Uyu mutambo waiyeuchidza Israeri nezvenzira iyo Mwari akanga aponesa nayo madzibaba avo kubuda muEgipita uye nzira iyo akavatarisira nayo sezvavaigara mumatumba vachifamba-famba kwamakore 40 murenje kutozosvikira vasvika muNyika Yakapikirwa. (Revhitiko 23:39-43) Mukati memutambo wacho, nzombe 70 dzaibayirwa paatari yetembere. Sezviri pachena, rutivi urwu rwemutambo rwaifananidzira basa rakakwana uye rizere rokuponesa upenyu rakaitwa naJesu Kristu. Betsero dzechibayiro chake chorudzikinuro pakupedzisira dzichauya kuvazukuru vasingaverengeki vemhuri 70 dzerudzi rwomunhu idzo dzakabva kuna Noa.—Genesi 10:1-29; Numeri 29:12-34; Mateo 20:28.
16, 17. (a) Mutambo wekufananidzirwa Wematumba wakavamba rini, uye wakapfuurira sei? (b) Boka guru rinogoverana sei mukuchengeta kwacho?
16 Nokudaro Mutambo wakare Wematumba wakanongedzera kukuunganidzirwa kunofadza kwevatadzi vakadzikinurwa mutembere yaJehovha huru yomudzimu. Chakafanofananidzirwa nemutambo uyu chakatanga paPentekosta muna 33 C.E. nekuvamba kwekuunganidzirwa kunofadza kwevaIsraeri vomudzimu muungano yechiKristu. (Mabasa 2:41, 46, 47) Vakasarira ivavo vainzwisisa kuti vakanga vari “vaeni” munyika yaSatani nemhaka yokuti “nyika [yavo chaiyoiyo] iri kudenga.” (1 Petro 2:11; VaFiripi 3:20) Mutambo unofadza wakadzikatidzwa kwechinguvana nekuramba kutenda uko kwakaguma nekuumbwa kwechiKristudhomu. (2 VaTesaronika 2:1-3) Zvisinei, mutambo wacho wakatangwazve muna 1919 nekuunganidzwa kunofadza kwemitezo yekupedzisira yevaIsraeri vomudzimu vane 144 000, kuchiteverwa nekuuya kweboka guru remarudzi akawanda raZvakazarurwa 7:9.
17 Boka guru rinorondedzerwa serine matavi emichindwi mumaoko avo, uko kunoratidza kuti ivowo vachengeti vanofara veMutambo wekufananidzirwa Wematumba. SevaKristu vakazvitsaurira, vanogoverana nemufaro mubasa rekuunganidzira vanamati vazhinji mutembere yaJehovha. Kupfuurirazve, sevatadzi, vanonzwisisa kuti havana maruramiro echigarire ekugara pasi pano. Ivo, pamwe chete nevanomutswa mune ramangwana, vanofanira kuramba vachishandisa kutenda muchibayiro cherudzikinuro chaKristu kutozosvikira vasvika kukwana kwemunhu pakuguma kweKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu.—Zvakazarurwa 20:5.
18. (a) Chii chichaitika pamugumo weKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu? (b) Kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha kuchakunda sei pakupedzisira?
18 Ipapo, vanamati vaMwari pasi pano vachamira pamberi pake mukukwana kwemunhu pasina kudikanwa kweuprista hwekudenga. Nguva ichave yasvika apo Jesu Kristu ano“pa Mwari, Baba, ushe.” (1 VaKorinte 15:24) Satani achasunungurwa “chinguva chiduku” kuti aedze rudzi rwemunhu rwakakwaniswa. Vapi navapi vasina kutendeka vachaparadzwa nekusingaperi, pamwe chete naSatani nemadhemoni ake. Avo vanoramba vakatendeka vachapiwa upenyu husingaperi. Vachava vagari vechigarire muParadhiso yapasi. Nokudaro Mutambo wekufananidzirwa Wematumba uchave wasvika mhedziso ine mbiri, inobudirira. Kunamata kwechokwadi kuchave kwakunda kumbiri isingaperi yaJehovha nemufarwa usingagumi werudzi rwemunhu.—Zvakazarurwa 20:3, 7-10, 14, 15.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwetsinhiro yendima nendima pamusoro paZekaria ganhuro 14, ona bhuku rinonzi Paradise Restored to Mankind—By Theocracy!, rakabudiswa muna 1972 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., maganhuro 21 ne22.
b Nokuda kwemashoko mazhinji pamusoro pevaNetinimi vemuzuva razvino uno, ona Nharireyomurindi, April 15, 1992, peji 16.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ “Jerusarema” rakadenhwa sei mukati mehondo yenyika yekutanga?—Zekaria 14:2.
◻ Chii chakaitika kuvanhu vaMwari kubvira muna 1919?
◻ Ndivanaani nhasi vanogoverana mukuchengeta Mutambo wekufananidzirwa Wematumba?
◻ Kunamata kwechokwadi kuchakunda sei chose chose?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Matavi emichindwi aishandiswa mukuchengeta Mutambo Wematumba