RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvakaratidzwa Zekariya Zvinokubatsira Sei?
    Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2017 | October
    • 16. (a) Zekariya anoona chii chichiitika kumudziyo weefa? (Ona mufananidzo 3 panotangira nyaya ino.) (b) Vakadzi vane mapapiro vari kuendesa mudziyo weefa kupi?

      16 Zekariya anobva aona vakadzi vaviri vane mapapiro akasimba akaita seeshuramurove. (Verenga Zekariya 5:9-11.) Vakadzi ava vakasiyana chaizvo nemukadzi ari mumudziyo! Vakadzi vacho vanosimudza mudziyo une “Uipi.” Vari kuenda nahwo kupi? Uipi hunoendeswa “munyika yeShinari,” kana kuti Bhabhironi. Asi nei vari kuendesa mudziyo wacho kuBhabhironi?

      17, 18. (a) Nei Shinari iri ‘nzvimbo yakakodzera’ kuti “Uipi” hugare? (b) Tinofanira kutsunga kuitei panyaya yeuipi?

      17 KuvaIsraeri vepanguva yaZekariya, Shinari ndiyo nzvimbo yainge yakakodzera kuti Uipi huendeswe. Zekariya nevamwe vaJudha vaigona kubvumirana nazvo kuti Bhabhironi yaiva nzvimbo yeuipi panguva yavakararama. Sezvo vainge vakurira muguta iri raiitwa zvinhu zvinosemesa uye raiva nevanhu vainamata zvidhori, vaifanira kurwisa chaizvo zuva nezuva kuti vadzivise mafungiro aiva imomo. Chiratidzo ichi chinofanira kunge chakavazorodza sezvo chaiva chisimbiso chekuti Jehovha aizoita kuti kunamata kwechokwadi kurambe kwakachena.

      18 Zvisinei, chiratidzo chacho chakayeuchidzawo vaJudha kuti vaifanira kuita kuti kunamata kwavo kurambe kwakachena. Uipi hauzombosiyiwi huchipinda pakati pevanhu vaJehovha. Pashure pekunge tapinda musangano raMwari rakachena, rine rudo uye rinotichengetedza, tinofanira kubatsira pakuita kuti rirambe rakachena. Uipi chero hupi zvahwo hahuna nzvimbo muparadhiso yedu yekunamata.

  • Zvakaratidzwa Zekariya Zvinokubatsira Sei?
    Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2017 | October
Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe