RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi—1994 | August 15
    • Kana kuvadziko ikauya kumudzi, muti wose wasara unonzwa tapuro yacho. (Enzanisa naMateo 3:10; 13:6.) Nenzira inowirirana, Maraki akanyora, kuti: “Zuva, rinouya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” (Maraki 4:1) Revo yacho yakajeka—kuparadza chose chose. Vabereki (midzi) vaizoparadzwa, pamwe chete navana vavo (matavi).a Ikoku kunosimbisa mutoro une vabereki kuvana vavo vaduku; nguva yemberi isingagumi yavana vaduku ingagona kusarudzwa nechimiro chavabereki vavo pamberi paMwari.—1 VaKorinte 7:14.

      Mutauro uri pana Isaya 37:31 naMaraki 4:1 unobva muidi rokuti matavi (uye zvibereko zviri pamapazu maduku) zvinowana upenyu hwazvo kumudzi. Ikoku ndechinokosha kukunzwisisa kuti Jesu “mudzi waJese” uye “mudzi waDhavhidhi” sei.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi—1994 | August 15
    • a Rumwe runyoro rwapamariro rwakare rwePhoenicia rwakashandisa mutauro wakafanana. Rwakati nezvavapi navapi vaizarura nzvimbo yokuviga, kuti: “Ngavarege kuva nomudzi pasi kana zvibereko kumusoro!”—Vetus Testamentum, April 1961.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe