Zvidzidzo Zvinobva muMagwaro: Maraki 1:1–4:6
Ishe Wechokwadi Anouya Nokuda Kworutongeso
“HAZVINA maturo kushumira Mwari.” (Maraki 3:14) Panikiro yakadaro yakataurwa navanhu vaMwari amene apo Maraki akaporofita muzana ramakore rechishanu P.N.V. Neiko? Nemhaka yokuti migariro inosiririsa yaivapo muna Judha, zvikurukuru pakati pavaprista. Mhindu youdyire yakanga iri donzo ravo rokutonga. Nomutoo wakananga noune simba, Maraki akafumura vatungamiriri vorudzidziso ivavo vanonyengera ndokunyevera kuti Ishe wechokwadi akanga achiuya nokuda kworutongeso.—Maraki 1:6-8; 2:6-9; 3:1.
Uporofita hwaMaraki hune zadziko muzuva redu timene. Naizvozvo, tinoita zvakanaka kurangarira zvidzidzo izvo hunahwo.
Kuzvidza Zita raMwari
Jehovha anokarira vanhu vake kumupa zvakanakisisa zvavo. Mwari anotanga kutaura rudo rwake nokuda kwavanhu vake. Kunyanguvezvo, vaprista vari kuzvidza zita rake kupfurikidza nokugamuchira kuvanhu mhuka dzakapofumara, dzinorwara, uye dzakaremara nokuda kwechibairo. Jehovha haafariri vaprista vanozvibatira kana kuti zvipiriso zvakaderera zvamaoko avo. Asi pasinei zvapo neizvo vanoita, “zita [raJehovha] richava rinotyisa pakati pamarudzi.”—1:1-14.
Avo vari vadzidzisi navane mutoro unorema. (Jakobho 3:1) Vaprista vaka“gumbusa vazhinji pamurairo.” Seiko? Kupfurikidza nokukundikana kuraidza vanhu mumutemo waMwari uye kupfurikidza nokuratidza rusaruro. Jehovha anovatsamwira nenzira yakarurama, “nokuti miromo yomuprista inofanira kuchengeta zivo, vanhu vanofanira kubvunza murairo pamuromo wake.”—2:1-9.
Jehovha haarangariri nokurerutsa avo vanoratidza ruzvidzo nokuda kwegadziriro yeroorano. Mukupesana nomutemo waMwari, varume vaJudha vakatora vadzimai vokumwe. (Dheuteronomio 7:3, 4) Ivo vakabata nokunyengera navadzimai voupwere hwavo kupfurikidza nokuvachatanura. Jehovha “akavenga kuchatanura,” Maraki anonyevera.—2:10-17, NW.
Rutongeso Nokunatsa
Jehovha haashiviriri chakaipa nokusingaperi. “Ishe wechokwadi” achauya kutembere yake, achiperekedzwa ne“nhume yesungano.” Iye achanatsa ndokuchenesa vanakomana vaRevhi. Jehovha achava chapupu chinokurumidza pamusoro pavaroyi, mhombwe, avo vanopika zvenhema, vanyengeri, uye vadzvinyiriri.—3:1-5.
Avo vanonyima zvibairo zvavo Jehovha vari kuzviita vamene varombo. Jehovha haachinji. Kana vanhu vakasindimara vakadzokera kwaari, iye achadzokera kwavari nengoni. Ivo vave vachibira Mwari kupfurikidza nokunyima zvegumi nemipiro. Asi kana ivo vakaunza mativi egumi, Jehovha anovimbisa chikomborero “kutozosvikira pasisinazve kushaiwa.” Ivo vachawana chibereko chisingakundikani.—3:6-12, NW.
Meso aJehovha ari pavanhu vake. Mwari haabvumirani naavo vakataura mashoko akasimba pamusoro pake. Mukupesana, iye anopa ngwariro yapedyo kuavo vanomutya. “Bhuku yokurangaridza” ichanyorwa nokuda kwa“avo vanofunga pamusoro pezita rake.” Vanhu vake vachaona musiano pakati powakarurama nowakaipa.—3:13-18.
Zuva raJehovha Riri Kuuya!
Zuva raJehovha richareva ruparadziko rwakakwana nokuda kwavakaipa. Zuva raJehovha riri kuuya, uye vakaipa vachapedzwa kufanana namashanga muchoto chinopisa. Ivo vachaparadzanywa, kukasasara ‘mudzi kana kuti davi.’ Kana vari avo vanotya zita raJehovha, ivo vachafarikanya betsero dzinoporesa dze“zuva rokururama.” Pamberi pokuuya kwezuva rake rinotyisa, Jehovha achatumira Eria muporofita kuzoita basa rokudzorera.—4:1-6.
Zvidzidzo nokuda kwanhasi: Apo kunouya kukunamata, Jehovha anoda kuti vanhu vake vamupe zvakanakisisa zvavo. (Enzanisa naMateo 22:37, 38.) Vadzidzisi veShoko raMwari vane mutoro wokuraidza nenzira yakafanira nokutungamirira vamwe mukunamata kwechokwadi. Tinoita zvakanaka kuyeuka kuti meso aMwari weruramisiro ari paavo vanokundikana kuratidzira ruremekedzo rwakafanira nokuda kweroorano uye avo vanopinda mukuita zvakaipa. Ngatizviisei nokuzvininipisa kukunatsa nokuchenesa kwaShe wechokwadi sezvatinomirira nokudisa “kuuya kwezuva guru nerinotyisa raJehovha”!
[Bhokisi riri papeji 30]
MAGWARO EBHAIBHERI ANONZVERWA
○ 1:10—Vaprista vane udyire, vanodisa mari vakanga vachibatira nokuda kwemhindu yomunhu oga. Ivo vairaira mubhadharo nokuda kwamabasa akapfava zvikurusa etembere, zvakadai sokuvhara masuo kana kuti kubatidza mwoto yeatari. Hakushamisi kuti Jehovha ‘haana kufarira zvipiriso zvakabva mumaoko avo’!
○ 1:13—Vaprista vasina kutenda vakanga vasvika pakurangarira zvibairo somuitiro unonetesa, mutoro. Ivo vaishora, kana kuti kuzvidza, zvinhu zvinoyera zvaJehovha. Hatitongofaniri kubvumira “mikono miduku yemiromo yedu” kupiwa somuitirowo zvawo!—Hosea 14:2, NW; VaHebheru 13:15.
○ 2:13—Varume vazhinji vechiJudha vakanga vachichatanura vadzimai vohuduku hwavo, zvichida kuti varoore vakadzi vaduku zvikuru vechihedheni. Atari yaJehovha yakafukidzwa nemisodzi—sezviri pachena iyo yavadzimai vakarambwa avo vaiuya kunzvimbo tsvene kuzotaura nhamo yavo pamberi paMwari.—Maraki 2:11, 14, 16.
○ 3:1—“Ishe wechokwadi” ndiJehovha Mwari, uye “nhume yechokwadi yesungano” ndiJesu Kristu. Zadziko yokutanga youporofita hwacho yakaitika apo Jesu akachenesa tembere. (Marko 11:15-17) Iwaya akanga ari makore matatu nehafu pashure pokunge azodzwa saMambo Akasarudzwa. Nenzira yakafanana, makore matatu nehafu pashure pokunge Jesu akagadzwa pachigaro choumambo saMambo mumunakamwe wa 1914, akaperekedza Jehovha kutembere yomudzimu ndokuwana vanhu vaMwari vachida kunatswa nokucheneswa.
○ 3:2, 3—Muitiro wakare wokunatsa waitora nguva. Naizvozvo, munatsi kazhinji kazhinji ai“gara pasi,” achimirira kutozosvikira madhabwadhabwa esimbi aratidzika sechionioni chakaisvonaka zvikuru uye iye aigona kuona mufananidzo wake maari. Nenzira yakafanana, Jehovha akapfuurira kunatsa vanhu vake nhasi, achibvisa dzidziso nemitiro zvisina kuchena. Ikoku kwakavabetsera kuratidzira zvakarurama zvikuru mufananidzo wake.—VaEfeso 5:1.
○ 4:2—Uku kurondedzerwa kwezvikomborero zvomunguva yemberi zvichafarikanywa naavo vanotya zita raMwari. Ivo vane kariro yokudziya mumushana wenyasha dzaMwari apo zvirwere zvomuviri, zvendangariro, uye zvemirangariro izvo zvatambudza mhuri yavanhu zvinenge zvaporeswa.—Zvakazarurwa 21:3, 4.
○ 4:5—Muporofita Eria akararama makore 500 uporofita ihwohwu husati hwapiwa. Muzana rokutanga ramakore N.V., Jesu Kristu akazivisa Johane Mubhapatidzi somubiyake akadeya kutaurwa waEria. (Mateo 11:12-14; Marko 9:11-13) Zvisinei, “Eria” aifanira kuva mutangiri we“zuva raJehovha,” kuratidzira imwe zadziko munguva ino yo“kuvapo kwaKristu.”—2 VaTesaronika 2:1, 2.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Mukati moushumiri hwake hwapasi, Jesu akachenesa tembere. Muna 1918 iye akaperekedza Jehovha kutembere yomudzimu kuzochenesa vanhu vaJehovha