RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 39—Maraki
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
    • 12. Chii chinopikirwa pamusoro pezuva rinotyisa raJehovha?

      12 Zuva guru nerinotyisa raJehovha (4:1-6). Irori izuva rinouya iro richaparadza vakaipa, risingasiyi mudzi kana kuti dzinde. Asi zuva rokururama richapenyera avo vanotya zita raJehovha, uye vachaporeswa. Jehovha anovarayira kuyeuka Mutemo waMosesi. Zuva rake guru nerinotyisa risati rasvika, Jehovha anopikira kutuma Eria muporofita. “Iye uchadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.”—4:6.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 39—Maraki
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
    • 15. Ndiani ari “Eria” wouporofita hwaMaraki?

      15 Ipapo, pana Maraki 4:5, 6, Jehovha akapikira, kuti: “Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria.” Ndiani ari uyu “Eria”? Vose vari vaviri Jesu nengirozi iyo yakaoneka kuna Zekaria vanoshandisa aya mashoko kuna Johane Mubhapatidzi, vachiratidza kuti iye akanga ari uyo acha“vandudz[a] zvinhu zvose” uye “agadzirire Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo” kuti vagamuchire Mesiya. Zvisinei, Maraki anotaurawo kuti “Eria” ndiye mutangiri we“zuva iro guru raJehovha, rinotyisa,” nokudaro achiratidzira zadziko yakanga ichiri munguva yemberi muzuva rorutongeso.—Mat. 17:11; Ruka 1:17; Mat. 11:14; Marko 9:12.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe