-
Jehovha Anovenga KunyengeraNharireyomurindi—2002 | May 1
-
-
5, 6. (a) Nei zvikurukuru vapristi vakanga vakakodzera kupiwa mhosva? (b) Jehovha akataura sei kuti aishora vapristi?
5 Nei vapristi zvikurukuru vakanga vakakodzera kupiwa mhosva? Ndima 7 inopa chimwe chinhu chiri pachena: “Miromo yomupristi inofanira kuchengeta zivo, vanhu vanofanira kubvunza murayiro pamuromo wake; nokuti ndiye nhume yaJehovha wehondo.” Makore anopfuura chiuru akanga adarika, mitemo yaMwari yakapiwa kuvaIsraeri kuburikidza naMosesi yaiti vapristi vaiva nebasa ‘rokudzidzisa vana vaIsraeri mirayiro yose yakanga yataurwa naJehovha.’ (Revhitiko 10:11) Zvinosuruvarisa kuti munhu akanyora 2 Makoronike 15:3 pane imwe nguva yakatevera akashuma kuti: “Nguva huru vaIsraeri vakanga vasina Mwari wazvokwadi, kana mupristi unodzidzisa, kana murayiro.”
6 Munguva yaMaraki, muzana remakore rechishanu B.C.E., vapristi vakanga vakangodaro. Vaikundikana kudzidzisa vanhu Mutemo waMwari. Saka vapristi ivavo vakanga vakakodzera kubvunzwa kuti vape tsanangudzo. Cherechedza mashoko akasimba anotaurwa naJehovha kwavari. Maraki 2:3 inozivisa kuti “Ndichamhamira ndove kuzviso zvenyu, iyo ndove yemitambo yenyu.” Kutukwa kwakadini! Ndove yemhuka dzezvibayiro yaifanira kutakurwa kunze kwomusasa yopiswa. (Revhitiko 16:27) Asi Jehovha paanovataurira kuti ndove yacho yaitozoita kuzorwa kumeso kwavo, zviri kunyatsoratidza kuti aishora uye airamba zvibayiro zvacho nevaizvibayira.
-
-
Jehovha Anovenga KunyengeraNharireyomurindi—2002 | May 1
-
-
11. Ndivanaani zvikurukuru vanofanira kungwarira?
11 Kana dziri hama dzine ropafadzo yokudzidzisa Shoko raMwari muungano nhasi, Maraki 2:7 inofanira kushanda senyevero. Inoti miromo yavo “inofanira kuchengeta zivo, vanhu vanofanira kubvunza murayiro” pamiromo yavo. Mutoro mukuru unouya pavadzidzisi vakadaro, nokuti Jakobho 3:1 inoratidza kuti va“chatongwa zvakatonyanya.” Nepo vachifanira kuparidza nokudzidzisa nesimba uye nechido, kudzidzisa kwavo kunofanira kubva muShoko raMwari rakanyorwa uye mirayiridzo inopiwa nesangano raJehovha. Nenzira iyoyo vachava “vanonyatsokwanisa kudzidzisa vamwe.” Nokudaro vanopiwa zano rokuti: “Ita nepaunogona napo kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.”—2 Timoti 2:2, 15.
12. Vaya vanodzidzisa vanofanira kungwarira pachii?
12 Kana tikasangwarira, tingava nomuedzo wokupinza zvatinoda isu pachedu nepfungwa dzedu mukudzidzisa kwedu. Ingava ngozi huru kumunhu anonyanya kuvimba nezvaanenge asarudza kuita kunyange zvichipesana nezviri kudzidziswa nesangano raJehovha. Asi Maraki chitsauko 2 inoratidza kuti tinofanira kutarisira kuti vadzidzisi veungano vachaomerera kuzivo inobva kuna Mwari, kwete pfungwa dzavo pachavo, idzo dzingagumbura makwai. Jesu akati: “Munhu wose anogumbura mumwe wevaduku ava vanotenda mandiri, zvakanaka zvikuru kuti guyo rakadai serinotenderedzwa nembongoro risungirirwe mumutsipa make uye anyudzwe mugungwa rakadzika, rakafara.”—Mateu 18:6.
-