-
“Chikomborero Kusvikira Musisina Chamunoshayiwa”Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha
-
-
1, 2. (a) Zvisarudzo zvipi zvinobatsira zvingaitwa nomumwe nomumwe wedu? (b) Kuzadzika kwouprofita hupi kune chokuita nezvikomborero zvatingawana?
NGUVA yatiri kurarama inguva yokutongwa uye yokukomborerwa. Inguva yokushata kwezvitendero uye yokudzorerwa kwokunamata kwechokwadi. Chokwadi unofanira kuda chikomborero chacho pamwe chete nezvinhu zvakanaka zvomunguva ino uye yemberi zvokudzorerwa kwokunamata kwechokwadi! Asi ungava sei nechokwadi neizvi? Mhinduro yacho ine chokuita nouprofita hwakazadzika zvakanyanya “mazuva okupedzisira” achangotanga muna 1914. (2 Timoti 3:1) Maraki akafanotaura kuti: “‘Ishe wechokwadi [Jehovha achauya] kutemberi yake, iye wamuri kutsvaka, uye nhume yesungano yamuri kufarira. Tarirai! Iye achauya,’ Jehovha wemauto adaro.”—Maraki 3:1.
-
-
“Chikomborero Kusvikira Musisina Chamunoshayiwa”Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha
-
-
NGUVA YOKUCHENESWA PANE ZVOKUNAMATA
3. Chii chakaitika pakati pevanhu vaMwari vekare chakazoita kuti “Israeri waMwari” asarudzwe?
3 Anenge mazana emakore mashanu nguva yaMaraki yapfuura, Jehovha, achimiririrwa naKristu (“nhume yaMwari yesungano [yaAbrahamu]”), akauya kutemberi chaiyoiyo yaiva muJerusarema kuzotonga vanhu Vake vesungano. Rudzi irworwo rwakanga rwaratidza kakawanda kuti rwakanga rusina kukodzera kuramba ruchinzwirwa nyasha, saka Jehovha akaruramba. (Mateu 23:37, 38) Unogona kuona uchapupu hwaizvozvo pane zvakaitika muna 70 C.E. Unogona kuvawo nechokwadi chokuti panzvimbo pavo, Mwari akasarudza “Israeri waMwari,” rudzi rwomudzimu rwevane 144 000 vanobva mumarudzi ose. (VaGaratiya 6:16; VaRoma 3:25, 26) Zvisinei, ikoko kwakanga kusiri kuzadzika kwokupedzisira kwouprofita hwaMaraki. Hunotaurawo nezvenguva yazvino uye hune zvahunoita zvakananga pakutarisira kwaunoita kuzowana ‘chikomborero kusvikira usisina chaunoshayiwa’ munguva yemberi.
4. Chii chaifanira kupindurwa pashure pokunge Jesu agadzwa pachigaro choumambo muna 1914?
4 Kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri kunosimbisa kuti muna 1914, Jesu Kristu akagadzwa saMambo woUmambo hwokudenga hwaJehovha. Nguva yakabva yasvika yokuti Jesu aratidze boka revaKristu vakanga vakakodzera kufarirwa naMwari. Ndiani aizobudirira pakuongororwa kwokuchena pakunamata? Unogona kuwana mhinduro inoratidzwa mumashoko aMaraki okuti: “Ndiani achatsunga pazuva raanouya, uye ndiani achamira paanoonekwa? Nokuti achava akaita somoto womunatsi.” (Maraki 3:2) Jehovha akauya ku“temberi” yake kuzotonga rini uye sei?
5, 6. (a) Jehovha paakauya kutemberi yake ine chokuita nokunamata kuzoiongorora, akawanei pakati pevakawanda vaizviti vanamati? (b) Chii chaifanira kuitwa kuvashumiri vaMwari vakazodzwa nomudzimu?
5 Zviri pachena kuti Mwari haana kuuya kutemberi yakavakwa nematombo nedhaka. Yokupedzisira yetemberi chaiyoiyo yakadaro yokunamata kwechokwadi yakanga yaparadzwa muna 70 C.E. Asi Jehovha akauya kutemberi ine chokuita nokunamata, urongwa hunoshandiswa nevanhu kutaura naye uye kumunamata vachishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu. (VaHebheru 9:2-10, 23-28) Zvechokwadi machechi echiKristudhomu haana kuva temberi iyoyo ine chokuita nokunamata, nokuti aiva chikamu chezvitendero zvaiva nemhosva yokuteura ropa uye uhure pane zvokunamata, zvaitsigira dzidziso dzenhema pane kutsigira kunamata kwakachena. Jehovha akava “chapupu chinokurumidza chinorwisana” nazvo, uye unoziva kuti mutongo wake wakaoma wakanga wakarurama. (Maraki 3:5) Zvisinei, Umambo hwaMwari hwagadzwa, paiva neboka revaKristu vechokwadi vaishumira muzvivanze zvetemberi yaMwari ine chokuita nokunamata vakaratidza kuvimbika kwavo kuna Mwari nomumiedzo yakaoma. Pasinei naizvozvo, kunyange vakazodzwa ivavo vaifanira kucheneswa. Zvakanyorwa nevaprofita 12 zvakataura nezvokuchenesa kwakadaro, nokuti zvine zvipikirwa zvinofadza zvokudzorerwa kwevashumiri vaMwari pane zvokunamata uye mumuviri. Maraki akafanotaura kuti paizova nevanhu avo Jehovha aizo“chenesa sezvinoitwa ndarama uye sezvinoitwa sirivha. . . . Kuna Jehovha va[izo]va vanhu vanouya nechipo chinopiwa mukururama.”—Maraki 3:3.
6 Maererano nouchapupu hwakati wandei huripo, kubvira muna 1918 zvichienda mberi, Jehovha akachenesa vaKristu vakazodzwa sezvaidiwa, achinatsa kunamata kwavo, zvavaiita uye zvavaitenda.a Ivo ne“boka guru” rakazobatana navo, vakabatsirwa zvikuru. (Zvakazarurwa 7:9) Seboka rakabatana, vanoramba vachipa “chipo chinopiwa mukururama” ‘chinofadza Jehovha.’—Maraki 3:3, 4.
7. Nenzira yakakodzera tingazvibvunza kuti chii nezvoukama hwedu naMwari?
7 Izvozvo ndizvo zvinoitwa nevanhu vaMwari vose zvavo, asi zvakadini nomumwe nomumwe wedu? Ungabvunza kuti: ‘Pane zvimwe zvinhu pamafungiro angu uye zvandinoita zvichiri kuda kunatsiridzwa here? Ndichiri kufanira kunatsiridza mufambiro wangu here, sokunatsiridza kwakaita Jehovha vanhu vake vakazodzwa?’ Kwokutanga takaona kuti vaprofita 12 vakasimbisa maonero nomufambiro zvisina kunaka uyewo maitiro nemabasa zvakanaka. Kuita kwavo saizvozvo kunoita kuti ukwanise kuziva ‘zvinodiwa naJehovha kwauri.’ (Mika 6:8) Ona kuti zvanzi “kwauri.” Izvozvo zvinosimbisa nei mumwe nomumwe wedu achifanira kuongorora kana achifanira kuzvinatsiridzazve kana kuti kuzvichenesa iye pachake.
-