Mararamiro Aiita vaKristu Vomuzana Remakore Rokutanga
“Muvezi”
“Uyu haasi iye mwanakomana womuvezi here?”—MATEU 13:55.
JESU aisangozivikanwa ‘somwanakoma womuvezi,’ asiwo ‘somuvezi.’ (Mako 6:3) Anofanira kunge akadzidziswa basa iri nababa vake vokurera vainzi Josefa.
Jesu paaiveza, unyanzvi hupi hwaaifanira kuva nahwo uye maturusi api aaifanira kugona kushandisa? Zvii zvaaigadzira uye zvii zvaaigona kunge aiitira vanhu vaigara kuNazareta? Uye kudzidziswa kuva muvezi achiri muduku kwakaita kuti azoitei muupenyu hwake?
Bhizimisi Remhuri Mufananidzo uri pasi apa unoratidza baba vachirayira dangwe ravo kuti chokubooresa matanda chinoshandiswa sei asingazvikuvadzi. Mumwe mwanakomana wavo muduku anenge achiteerera achinyatsotarisa zviri kuitwa.
Kazhinji vakomana vaitanga kudzidziswa mabasa kubvira pazera remakore anenge 12 kusvika ku15. Vaiwanzodzidziswa nababa vavo. Kudzidziswa kwacho kwaitora makore akawanda, uye vakomana vaizofanira kushanda nesimba chaizvo kana vaida kuti vagopedzisira vava vavezi vemandorokwati. Imbofungidzira nguva yakareba yainakidza yakapedzwa naJosefa aina Jesu, achishanda naye, achitaura naye, achimudzidzisa kuva nyanzvi. Josefa anofanira kunge akafara zvikuru paaiona Jesu achiva nyanzvi yokuveza!
Paidiwa Ruzivo, Simba uye Unyanzvi Muvezi aifanira kuziva mhando yedanda raari kushandisa. Aigona kusarudza kubva pane miti yaidyarwa munzvimbo iyoyo, yakadai semisaipresi, mioak, misidhari, mitsamvi, uye miorivhi. Panguva iyoyo kwakanga kusina zvitoro zvaitengesa mapuranga anenge akatochekwa urefu hwakasiyana-siyana. Asi aitoenda musango, osarudza mhando yemuti waanoda, outema, ozvuzvurudza matanda acho airema achienda nawo kwaaivezera.
Muvezi aizogadzirei nematanda aainge awana? Aigona kupedza nguva yakawanda asiri pamba achibatsira kuvaka dzimba. Aigona kucheka mapuranga okuisa padenga remba, kugadzira masitepisi omukati memba, uye kugadzira madhoo, mahwindo, nemafuremu okuisa mifananidzo kumadziro.
Muvezi aiwanzogadzirawo midziyo yomumba. Mufananidzo uyu uri padivi unoratidza zvimwe zvaaigadzira zvinosanganisira makabhati okuchengetera zvinhu anenge ane madhirowa, masherufu, kana kuti madhoo (1); zvituro (2), macheya (3), nematafura (4) akakura zvakasiyana-siyana emhando dzakasiyana-siyana; nemibhedha yairarirwa nevana masikati. Kuti mudziyo unenge wagadzirwa uiswe zvimwe zvidobi-dobi, aigona kuisa rimwe danda rinoyevedza rinenge rakavezwa zvakanaka. Kuti zvivezwa zvake zvisaore uye kuti aite kuti zvinake, aigona kuzvipenda.
Muvezi aigadzirirawo varimi zvinhu zvokushandisa zvakadai semajoko (5) anenge akagadzirwa pachishandiswa danda rinorema uyewo zvimwe zvaigadzirwa mafoku, mareki, nemafoshoro (6). Magejo (7) aaigadzira aifanira kuva akasimba, nokuti miromo yacho yesimbi yaizenge ichibaya miforo muivhu rine matombo-tombo. Aigadzira zvingoro (8) nezvikochikari ogadzira mavhiri ane masipokisi aaizoisa pazvikochikari zvacho. Basa rake raigona kusanganisirawo kugadzira midziyo, maturusi uye zvingoro zvainge zvafa.
Imbofungidzira kuti basa raiitwa naJesu semuvezi rakaita kuti ataridzike sei? Chimbofunga ganda raJesu richirohwa nezuva riri muMiddle East, kugwinya kwaanga akaita pamusana pokushanda nesimba kwaaiita, uye maoko ake akanga akaomarara pamusana pokugara akabata matanda, kugadzira matemo, sando uye masaha.
Kwaibva Mienzaniso Yake Jesu akashandisa zvinhu zvaizivikanwa kuti adzidzise vanhu chokwadi pamusoro paMwari, achizviita nounyanzvi uye zviri nyore. Pamienzaniso yaakataura angava here akashandisa zvimwe zvinhu zvaaisangana nazvo paaiva muvezi? Ngatimbokurukurai mimwe mienzaniso yacho. Rimwe zuva akaudza vanhu vakanga vakamuteerera kuti: “Saka, unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usingafungi danda riri muziso rako?” Muvezi anonyatsoziva kuti danda rakakura sei. (Mateu 7:3) Pava paya Jesu akaudza rimwe boka revanhu kuti: “Hapana munhu anoti kana abata gejo otarira zvinhu zviri shure akanyatsokodzerwa noumambo hwaMwari.” Zviri pachena kuti naiyewo akanga ambogadzira magejo. (Ruka 9:62) Kukoka kwakaitwa naJesu achizviita nomutsa kwakaratidza chimwe chinhu chinogadzirwa nomuvezi. Akati: “Takurai joko rangu mudzidze kwandiri. Joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mateu 11:29, 30) Zviri pachena kuti Jesu aiziva kuti joko risingasvuuri pamutsipa asi “romutsa,” kana kuti rinonyatsokwana zvakanaka raigadzirwa sei.
Kunenge kuti vapikisi vaJesu pavaimuti ‘mwanakomana womuvezi’ vakanga vari kumushora. Saka sezvaingoitwa muzana ramakore rokutanga, mazuva ano vaKristu vanofanira kutevedzera muenzaniso womuvezi uyu aizvininipisa.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 26]
Bhokisi Rematurusi Aishandiswa Nomuvezi
Muvezi wemuzana remakore rokutanga akadai saJesu aifanira kuziva kuti maturusi ari kuratidzwa pano anoshanda sei. Saha yake (1) yaiva nomubato wepuranga uye simbi yacho yaicheka yaiva nemazino izvo zvaiita kuti icheke kana yadhonzerwa kumashure. Aishandisa sikweya (2) kuti aone kana zvinhu zvake zvakaenzana uye tambo yokuyeresa (3) madziro kana asina kubhenda. Zvimwewo zvaiwanikwa mubhokisi romuvezi zvinosanganisira purangamanzi (4), danda rokuyera naro (5), pureni (plane) inopinza uye inokwanisa kuchinjika kuti uveze paunoda kuti patsvedzerere (6), uye demo(7) rokutemesa miti.
Bow lathe (8) nechizera zvaishandiswa pakugadzira simbi dzaizoshandiswa pakuveza mapuranga. Pamusoro pebhokisi rematurusi pane sando yedanda (10) inoshandiswa kuroverera puranga kuti ribatane nerimwe kana kuti kuroverera chizera. Chimwewo chiripo isaha duku (11), drawknife (12) inoshandiswa kukwenenzvera puranga kuti ribudise chivezwa chauri kuda, uye pane zvipikiri (13). Nechepamberi pebhokisi rematurusi pane sando yesimbi (14) nembezo (15) yokuvezesa danda kuti rigozogadziriswa zvinenge zvichidiwa. Nechepamusoro pebhokisi rematurusi pane banga (16) nemachizera (17) akafara zvakasiyana-siyana. Chokubooresa nacho matanda (18) ndicho chakazembera bhokisi rematurusi.