Kufamba naMwari—Nhano Dzokutanga
“Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri.”—JAKOBHO 4:8.
1, 2. Nei uchiti kushumira Jehovha iropafadzo huru?
MURUME wacho akanga atambura ari mujeri kwamakore akawanda. Akazodanwa kuti amire pamberi pomutongi wenyika yacho. Zvinhu zvakakurumidza kuitika. Nenguva isipi, musungwa wacho akakaruka ava kushandira mambo aiva nesimba zvikurusa pasi pano panguva iyoyo. Aimbova musungwa wacho akaiswa munzvimbo yomutoro mukuru nokukudzwa kunoshamisa. Josefa—murume ane makumbo akanga akambosungwa nengetani—zvino akanga ava kufamba namambo!—Genesi 41:14, 39-43; Pisarema 105:17, 18.
2 Nhasi, vanhu vane mukana wokuita basa romumwe munhu mukuru zvikuru kupfuura Farao weEgipita. Mukurusa wezvose zvakasikwa anotikumbira tose kuti timushumire. Kuita kudaro uye kutanga ukama hwapedyo naJehovha, Mwari wamasimba ose iropafadzo inoshamisa zvakadini! MuMagwaro, simba guru nokubwinya pamwe nechiremera, runako, uye kufadza zvinobatanidzwa naye. (Ezekieri 1:26-28; Zvakazarurwa 4:1-3) Rudo rwakazara muzvose zvaanoita. (1 Johane 4:8) Haamborevi nhema. (Numeri 23:19) Uye Jehovha haamboodzi mwoyo vakavimbika kwaari. (Pisarema 18:25) Nokuteerera zvaanoda zvakarurama, tinogona kuva noupenyu hunofadza, hune chinangwa zvino, tichikarira upenyu husingaperi. (Johane 17:3) Hapana munhu anotonga anopa chinhu chingaenzaniswa nezvikomborero zvakadaro neropafadzo.
3. Noa ‘wakafamba naMwari wechokwadi’ sei?
3 Kare kare, tateguru Noa akasarudza kurarama achiita zvaida Mwari nezvaaironga. Nezvake, Bhaibheri rinoti: “Noa wakanga ari munhu wakarurama, asina mhosva mumarudzi ake; Noa wakafamba naMwari.” (Genesi 6:9) Chokwadika, Noa haana kufamba naJehovha chaizvoizvo, sezvo pasina munhu akabvira ambo“ona Mwari.” (Johane 1:18) Panzvimbo pezvo, Noa wakafamba naMwari mukuti wakaita zvaakaudzwa naMwari kuti aite. Nemhaka yokuti Noa akazvipira upenyu hwake kuti aite kuda kwaJehovha, akava noukama hunofadza, hwapedyo naMwari waMasimba Ose. Kufanana naNoa, mamiriyoni nhasi ari ‘kufamba naMwari’ kupfurikidza nokurarama maererano nezano raJehovha nomurayiridzo. Munhu anotanga sei nzira yakadaro?
Zivo Yakarurama Inokosha
4. Jehovha anorayiridza vanhu vake sei?
4 Kuti tifambe naJehovha, tinofanira kutanga tamuziva. Muporofita Isaya akafanotaura kuti: “Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri. Vanhu vazhinji vachaendako vachiti: Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake; nokuti murayiro uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva Jerusarema.” (Isaya 2:2, 3) Hungu, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha acharayiridza vose vanoda kufamba nenzira dzake. Jehovha akagovera Shoko rake, Bhaibheri, uye anotibetsera kurinzwisisa. Imwe nzira yaanoita nayo kudaro kushandisa “muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47) Jehovha anoshandisa ‘muranda akatendeka’ kuti agovere murayiridzo womudzimu achishandisa mabhuku akavakirwa paBhaibheri, misangano yechiKristu, uye gadziriro yekufunda Bhaibheri pamusha pasina muripo. Mwari anobetserawo vanhu vake kuti vanzwisise Shoko rake achishandisa mudzimu wake mutsvene.—1 VaKorinte 2:10-16.
5. Nei chokwadi cheMagwaro chichikosha kudaro?
5 Kunyange zvedu tisingabhadhari mari nokuda kwechokwadi cheBhaibheri, chinokosha. Sezvatinofunda Shoko raMwari, tinodzidza nezvaMwari pachake—zita rake, unhu hwake, chinangwa chake, uye mabatire aanoita vanhu. Tinodzidzawo mhinduro dzinosunungura dzemibvunzo inokosha youpenyu: Nei tiri pano? Nei Mwari achibvumidza kutambura? Ramangwana rinei? Nei tichikwegura ndokufa? Kune upenyu kana wafa here? Uyezve, tinodzidza kuti Mwari anoda chii kwatiri, kureva kuti, mafambiro atinofanira kuita kuti tinyatsomufadza. Tinodzidza kuti zvaanoda zvine mufungo uye zvinobetsera zvikuru kana tikararama maererano nazvo. Pasina murayiridzo waMwari, tingadai tisingambogoni kunzwisisa zvinhu zvakadaro.
6. Kuziva Bhaibheri zvakarurama kunotibetsera kufamba munzira ipi?
6 Chokwadi cheBhaibheri chine simba uye chinotiita kuti tichinje muupenyu hwedu. (VaHebheru 4:12) Tisati taziva Magwaro, taigona kungofamba bedzi “netsika dzenyika ino.” (VaEfeso 2:2) Asi kuziva Shoko raMwari zvakarurama kunotirongera nzira yakasiyana kuitira kuti tigogona ku“famb[a] sezvinofanira Ishe, [ti]chimufadza pazvose.” (VaKorose 1:10) Zvinofadza sei kutanga kuita nhano dzedu mukufamba naJehovha, Munhu anoshamisa zvikurusa pane zvakasikwa zvose!—Ruka 11:28.
Nhano Mbiri Dzinokosha—Kuzvitsaurira Nokubhabhatidzwa
7. Sezvatinofunda Shoko raMwari, ndechipi chokwadi pamusoro pokutonga kwavanhu chinova pachena?
7 Patinowedzera kunzwisisa Bhaibheri, tinotanga kunzvera zvinoitwa nevanhu noupenyu hwedu pachedu tichivhenekerwa nechiedza chomudzimu cheShoko raMwari. Nokudaro chokwadi chinokosha chinova pachena. Chokwadi ichocho chakataurwa kare kare nomuporofita Jeremia, uyo akanyora kuti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Vanhu—tose zvedu—tinoda kutungamirirwa naMwari.
8. (a) Chii chinoita kuti vanhu vazvitsaurire kuna Mwari? (b) Kuzvitsaurira kwechiKristu chii?
8 Kunzwisisa chokwadi ichi chinokosha kunotiita kuti tide kutsvaka kutungamirirwa naJehovha. Uye kuda Mwari kunotiita kuti titsaurire upenyu hwedu kwaari. Kuzvitsaurira kuna Mwari kunoreva kutaura naye mumunyengetero tichivimbisa zvechokwadi kuti tinoda kumunamata nokufamba nenzira dzake takatendeka. Mukuita izvi, tinotevera muenzaniso waJesu, uyo akazvipa kuna Jehovha akatsunga zvakasimba kuita kuda Kwake.—VaHebheru 10:7.
9. Nei vanhu vachitsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha?
9 Jehovha Mwari haambomanikidzi kana kuti kunyengerera munhu kuti azvitsaurire kwaari. (Enzanisa na2 VaKorinte 9:7.) Uyezve, Mwari haakariri munhu chero upi zvake kuti azvitsaurire Kwaari nemhaka yezvaangava achinzwa panguva iyoyo. Asati abhabhatidzwa, munhu anotofanira kunge ava mudzidzi, uye izvozvo zvinoda nhamburiko yechokwadi kuti ave nezivo. (Mateo 28:19, 20) Pauro akateterera avo vakanga vatobhabhatidzwa kuti ‘vape miviri yavo sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirwa naMwari, basa dzvene nesimba ravo rokufunga.’ (VaRoma 12:1) Tinozvitsaurira kuna Jehovha Mwari kana tashandisa simba redu rokufunga zvakafanana. Tadzidza zvinobatanidzwa uye tafungisisa nhau yacho tichingwarira, tinotsaurira upenyu hwedu kuna Mwari nokuzvidira uye tichifara.—Pisarema 110:3.
10. Kuzvitsaurira kwakabatana sei nokubhabhatidzwa?
10 Kana tataura naMwari pachivande tichinyengetera kuti tasarudza kufamba munzira dzake, tinoita nhano inotevera. Tinoita kuti kuzvitsaurira kwedu kuzivikanwe navanhu vose nokubhabhatidzwa kwedu mumvura. Uku kuzivisa vanhu vose kuti tapikira kuita kuda kwaMwari. Pakutanga kwoushumiri hwake hwapasi, Jesu akabhabhatidzwa naJohane, nokudaro achitigadzira muenzaniso. (Mateo 3:13-17) Gare gare, Jesu akarayira vateveri vake kuti vaite vadzidzi ndokuvabhabhatidza. Naizvozvo, kuzvitsaurira nokubhabhatidzwa inhano dzinokosha kuvapi navapi vanoshuva kufamba naJehovha.
11, 12. (a) Kubhabhatidzwa kungaenzaniswa sei nomuchato? (b) Ukama hwedu naJehovha hwakafanana pachii nohwomurume nomudzimai?
11 Kuva mudzidzi waJesu Kristu akazvitsaurira, akabhabhatidzwa kwakada kuti fananei nokuroora kana kuti kuroorwa. Munyika dzakawanda, zuva romuchato rinotangirwa nenhano dzinoverengeka. Murume nomukadzi vanoonana, vanozivana, uye vanodanana. Panozoita kuvimbisana. Muchato unozivisa vanhu vose zvakasarudzwa pachivande—kuchata uye kuzogara pamwe chete somurume nomudzimai. Muchato ndiwo unoratidzira pachena kutanga kwoukama huya hunokosha. Zuva iroro rinoratidza kutanga kweroorano. Tichienzanisa, kubhabhatidzwa kunoratidza kutanga kwoupenyu hwakatsaurirwa kufamba naJehovha muukama hwakatsaurirwa.
12 Funga nezvezvimwe zvakafanana. Zuva ravo romuchato rapfuura, rudo rwemurume nomukadzi runofanira kudzama ndokukura. Kuti vanyanye kuwirirana, varoorani vose vanofanira kuedza kuramba vane ukama hwavo hweroorano uye kuhusimbisa. Kunyange zvazvo tisingaroorani naMwari, kana tabhabhatidzwa tinofanira kushanda kuti tirambe tine ukama hwapedyo naJehovha. Anoona uye anoonga nhamburiko dzedu dzokuita zvaanoda uye anoswedera pedyo nesu. “Swederai kuna Mwari,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho, “iye agoswedera kwamuri.”—Jakobho 4:8.
Kuronda Tsoka dzaJesu
13. Mukufamba naMwari, tinofanira kutevera muenzaniso waani?
13 Kuti tifambe naJehovha, tinofanira kutsinhirana nomuenzaniso wakagadzwa naJesu Kristu. Muapostora Petro akanyora kuti: “Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake.” (1 Petro 2:21) Sezvo Jesu akanga akakwana uye isu tisina kukwana, hatigoni kutevedzera muenzaniso waakagadza tisingakanganisi. Pasinei hapo neizvozvo, Jehovha anotikarira kuti tiite zvatinogona. Ngatimboonai mativi mashanu oupenyu hwaJesu noushumiri ayo vaKristu vakazvitsaurira vanofanira kuedza kutevedzera.
14. Kuziva Shoko raMwari kunobatanidza chii?
14 Jesu aiziva Shoko raMwari zvakarurama uye zvakakwana. Muushumiri hwake, Jesu kakawanda akataura mashoko ari muMagwaro echiHebheru. (Ruka 4:4, 8) Sezviri pachena, vatungamiriri vezvechitendero vakaipa vemazuva iwayo vaitaurawo mashoko ari muMagwaro. (Mateo 22:23, 24) Musiyano waiva wokuti Jesu ainzwisisa zvairehwa naMagwaro, uye aiashandisa muupenyu hwake. Aisangoziva bedzi Mutemo sezvauri asiwo zvawaireva. Sezvatinotevera muenzaniso waKristu, isuwo tinofanira kuedza kunzwisisa Shoko raMwari, tichiwana pfungwa dzaro, kana kuti zvarinoreva. Nokuita kudaro, tingatenderwa naMwari savashandi vanokwanisa ku‘bata shoko rechokwadi zvakarurama.’—2 Timotio 2:15.
15. Jesu akagadza sei muenzaniso wokutaura nezvaMwari?
15 Jesu Kristu akataura nevamwe pamusoro paBaba vake vokudenga. Jesu haana kungozvizivira iye Shoko raMwari. Kunyange vavengi vake vakamudana sa“Mudzidzisi,” nemhaka yokuti kwose kwose kwaaienda aitaura nevamwe nezvaJehovha nezvinangwa Zvake. (Mateo 12:38) Jesu akaparidza pachena munharaunda yetemberi, mumasinagoge, mumaguta, uye mumisha. (Marko 1:39; Ruka 8:1; Johane 18:20) Akadzidzisa achinzwira tsitsi nengoni, achiratidza kuda vaaibetsera. (Mateo 4:23) Avo vanotevera muenzaniso waJesu vanowanawo nzvimbo dzakawanda nenzira dzokudzidzisa vamwe nezvaJehovha Mwari nezvinangwa zvake zvinoshamisa.
16. Ukama hwaJesu navamwe vainamata Jehovha hwakanga hwakakura zvakadini?
16 Jesu aiwirirana zvikuru nevamwe vainamata Jehovha. Jesu paaitaura nemapoka pane imwe nguva, mai vake nevanun’una vake vaiva vasingatendi vakauya kuzotaura naye. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Mumwe akati kwaari: Havo mai venyu navanun’una venyu vamire kunze, vachitsvaka kutaura nemi. Akapindura, akati kuna iye wamuudza: Mai vangu ndianiko, navanun’una vangu ndivananiko? Ndokutambanudza ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: Tarirai, mai vangu navanun’una vangu! Nokuti ani naani unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, ndiye munun’una wangu, nehanzvadzi, namai.” (Mateo 12:47-50) Izvi hazvirevi kuti Jesu akaramba mhuri yake, nokuti zvakazoitika zvinoratidza kuti haana kudaro. (Johane 19:25-27) Asi, nhoroondo iyi inosimbisa kuda kwaiita Jesu vaaitenda navo. Nenzira yakafanana nhasi, avo vanofamba naMwari vanotsvaka ushamwari hwavamwe vabatiri vaJehovha ndokuvada zvikuru.—1 Petro 4:8.
17. Jesu akanzwa sei pamusoro pokuita zvaida Baba vake vokudenga, uye izvozvo zvinofanira kutiita kuti tinzwe sei?
17 Nokuita kuda kwaMwari, Jesu akaratidza kuda Baba vake vokudenga. Jesu akateerera Jehovha muzvinhu zvose. Akati: “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwowakandituma, nokupedza basa rake.” (Johane 4:34) Kristu akatiwo: “Ndinoita nguva dzose zvinomufadza [Mwari].” (Johane 8:29) Jesu aida Baba vake vokudenga zvokuti “akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa.” (VaFiripi 2:8) Ukuwo, Jehovha akakomborera Jesu, achimukwidziridza kunzvimbo ine chiremera neinokudzwa yechipiri bedzi kubva kuna Jehovha pachake. (VaFiripi 2:9-11) Kufanana naJesu, tinoratidza kuda kwedu Mwari nokuchengeta mitemo yake uye nokuita zvaanoda.—1 Johane 5:3.
18. Jesu akagadza sei muenzaniso munhau yokunyengetera?
18 Jesu akanga ari munhu ainyengetera. Akanyengetera paakabhabhatidzwa. (Ruka 3:21) Asati asarudza vaapostora vake 12, akatsaurira usiku hwose kuti anyengetere. (Ruka 6:12, 13) Jesu akadzidzisa vadzidzi vake nzira yokunyengetera nayo. (Ruka 11:1-4) Asati afa, usiku hwacho akanyengeterera vadzidzi vake uye akanyengetera navo. (Johane 17:1-26) Kunyengetera kwaiva rutivi rwunokosha rwoupenyu hwaJesu, sezvakunofanira kuita muupenyu hwedu, sezvatiri vateveri vake. Kukudzwa kwakadini kuti titaure naChangamire Wechisiko chose tichinyengetera! Uyezve, Jehovha anopindura minyengetero, nokuti Johane akanyora kuti: “Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana tichikumbira chinhu nokuda kwake, unotinzwa; zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa mikumbiro yatakakumbira kwaari.”—1 Johane 5:14, 15.
19. (a) Mavara api aJesu atinofanira kutevedzera? (b) Tinobetserwa sei nokufunda nezvoupenyu hwaJesu noushumiri?
19 Pane zvakawanda zvatingadzidza mukupenengura upenyu noushumiri hwaJesu Kristu pasi pano! Funga nezvemavara aakaratidzira: rudo, tsitsi, mutsa, simba, kuva pakati napakati, kuva nemufungo, kuzvininipisa, kushinga, uye kusava noudyire. Tikaramba tichidzidza nezvaJesu, tinova nechishuvo chikuru chokuva vateveri vake vakatendeka. Kuziva Jesu kunotiitawo kuti tive pedyo naJehovha. Nokutika, Jesu aiva muenzaniso wakakwana waBaba vake vokudenga. Aiwirirana zvikuru naJehovha zvokuti aigona kuti: “Wandiona ini, waona Baba.”—Johane 14:9.
Vimba naMwari Kuti Akuchengete
20. Tingawana sei chivimbo mukufamba naJehovha?
20 Vana pavanenge vachangotanga kudzidzira kufamba, nhano dzavo hadzina kutsiga. Vanodzidza sei kufamba nechivimbo? Nokuramba vachiita uye kutsungirira bedzi. Zvisinei, avo vanofamba naJehovha vanoedza kufamba nenhano ine chivimbo, yakatsiga. Izviwo zvinoda nguva nokutsungirira. Pauro akaratidza kukosha kwokutsungirira mukufamba naMwari paakanyora kuti: “Naizvozvo pakupedzisira, hama dzangu, tinokumbira kwamuri, nokukurayirai munaShe Jesu, kuti, sezvamakadzidza kwatiri mutoo wamunofanira kufamba nokufadza Mwari nawo, sezvamunofambawo, kuti muwanze nokuwanzisisa pana izvozvo.”—1 VaTesaronika 4:1.
21. Sezvatinofamba naJehovha, ndezvipi zvikomborero zvatinogona kuwana?
21 Kana takazvipa zvakakwana kuna Mwari, achatibetsera kuramba tichifamba naye. (Isaya 40:29-31) Nyika ino haina chainacho chinogona kuenzaniswa nezvikomborero zvaanopa avo vanofamba munzira dzake. Iye ‘Ndiye unotidzidzisa zvinotibetsera, Ndiye unotiita kuti tifambe nenzira yatinofanira kufamba nayo. Uye kana tikanyatsoteerera mitemo yake, rugare rwedu rwuchaita sorwizi chairwo, uye kururama kwedu samafungu egungwa.’ (Isaya 48:17, 18) Nokubvuma kukokwa kuti tifambe naMwari uye nokuita kudaro nokutendeka, tinogona kuwana rugare naye nokusingaperi.
Ungapindura Sei?
◻ Nei kufamba naMwari wechokwadi kuri kukudzwa?
◻ Nei kufunda, kuzvitsaurira, uye kubhabhatidzwa dziri nhano dzokutanga mukufamba naJehovha?
◻ Tingatevera sei tsoka dzaJesu?
◻ Tinoziva sei kuti Jehovha achatichengetedza sezvatinofamba naye?
[Mifananidzo iri papeji 13]
Kufunda, kuzvitsaurira, nokubhabhatidzwa inhano dzokutanga mukufamba naMwari