RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Jehovha Mwari Wako Ndiye Waunofanira Kunamata”
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
    • 3, 4. (a) Satani akatanga miedzo yake miviri yekutanga nemashoko api, uye anofanira kunge aida kuti Jesu afungei? (b) Satani anoshandisa sei mazano aya mazuva ano?

      3 Verenga Mateu 4:1-7. Satani akatanga miedzo yake miviri yekutanga nemashoko ekuhwandira Jesu ekuti, “Kana uri mwanakomana waMwari.” Satani akanga asina chokwadi kuti Jesu Mwanakomana waMwari here? Aiwa. Ngirozi iyoyo yakapanduka yainyatsoziva kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari wedangwe. (VaK. 1:15) Zviri pachena kuti Satani aizivawo mashoko akataurwa naJehovha ari kudenga pakabhabhatidzwa Jesu ekuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mat. 3:17) Zvimwe Satani aida kuti Jesu atange kufunga kuti Baba vake havana kuvimbika uye kuti havana basa naye. Pamuedzo wekutanga wekuti achinje matombo kuti ave chingwa, Satani aiita seari kuti: ‘Zvauri Mwanakomana waMwari, nei Baba vako vasiri kukupa zvekudya murenje rino musina chekubata?’ Pamuedzo wechipiri wekuti azviwisire pasi kubva parusvingo rwetemberi, Satani aiita seari kubvunza Jesu kuti: ‘Sezvo uri Mwanakomana waMwari, unonyatsova nechokwadi chekuti Baba vako vanogona kukudzivirira here?’

  • “Jehovha Mwari Wako Ndiye Waunofanira Kunamata”
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
    • 5. Jesu akapindura sei miedzo miviri yekutanga?

      5 Ona kuti Jesu akapindura sei miedzo miviri yekutanga. Ainyatsoziva kuti Baba vake vaimuda, uye ainyatsovimba navo. Pakare ipapo akapindura Satani achishandisa Shoko raBaba vake rakafemerwa. Jesu akasarudza magwaro akanga aine zita raJehovha. (Dheut. 6:16; 8:3) Hapana imwe nzira iri nani yaigona kuratidzwa neMwanakomana waMwari kuti aivimba naBaba vake inopfuura kushandisa zita ravo! Zita iri rakasiyana nemamwe ese uye rinoratidza kuti hapana chinotadzisa Jehovha kuzadzisa zvese zvaakavimbisa.a

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe