-
“Ndichavapa Mwoyo Mumwe Chete”Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
-
-
11 Mumazana ese emakore machechi anozviti ndeechiKristu paaiva nesimba, kwaivawo nevamwe vaKristu vechokwadi, vakaita ‘segorosi’ rakataurwa naJesu mumufananidzo wake. Kungofanana nezvakaita nhapwa dzechiJudha dzinotaurwa pana Ezekieri 6:9, vakayeuka Mwari wechokwadi. Vamwe vakaita ushingi hwekupikisa dzidziso dzenhema dzemachechi aizviti ndeechiKristu. Vainyombwa uye vaitambudzwa. Jehovha aizosiya vanhu vake zvachose vari murima rakadaro pakunamata here? Kwete! Sezvaakangoita kuvaIsraeri, Jehovha akaratidza hasha dzake zvaienderana nekutadza kwavo uye akazviita kwenguva yakareba zvakakodzera. (Jer. 46:28) Asi Jehovha haana kusiya vanhu vake vasina tariro. Ngatimbodzokerai kuvaJudha vaya vakatapwa kuBhabhironi tione kuti Jehovha akavapa sei tariro yekuti vaizosunungurwa.
Kwemazana emakore, vaKristu vechokwadi vakatambudzwa neBhabhironi Guru (Ona ndima 10, 11)
-