-
“Vakarurama Vachapenya Zvakajeka Sezuva”Nharireyomurindi—2010 | March 15
-
-
2. Mumufananidzo waJesu wegorosi nemasora, mbeu yakanaka inomiririrei?
2 Zvisinei, mumwe wemifananidzo yaJesu une chokuita nokuunganidza vaya vachatonga naJesu muUmambo hwake. Uyu unowanzonzi mufananidzo wegorosi nemasora uye wakanyorwa muchitsauko 13 chaMateu. Kunyange zvazvo mune mumwe mufananidzo Jesu akambotaura kuti mbeu inodyarwa i“shoko roumambo,” mumufananidzo uyu, anotiudza kuti mbeu yakanaka inomiririra chinhu chakasiyana neizvi, kureva “vanakomana voumambo.” (Mat. 13:19, 38) Ava havasi vanhu vanotongwa noUmambo hwacho, asi “vanakomana,” kureva vagari venhaka, voUmambo.—VaR. 8:14-17; verenga VaGaratiya 4:6, 7.
-
-
“Vakarurama Vachapenya Zvakajeka Sezuva”Nharireyomurindi—2010 | March 15
-
-
4. (a) Murume womumufananidzo ndiani? (b) Jesu akatanga kudyara mbeu iyi rini uye sei?
4 Murume akadyara mbeu yakanaka mumunda make ndiani? Jesu akapindura paakazotsanangurira vadzidzi vake kuti: “Mudyari wembeu yakanaka Mwanakomana womunhu.” (Mat. 13:37) Mumakore matatu nehafu oushumiri hwake hwaakaita pasi pano, “Mwanakomana womunhu,” Jesu akagadzirira munda kuti azodyara. (Mat. 8:20; 25:31; 26:64) Zvadaro kubvira paPendekosti ya33 C.E., akatanga kudyara mbeu yakanaka, kureva “vanakomana voumambo.” Zviri pachena kuti kudyara uku kwakaitika apo Jesu, mumiririri waMwari, akatanga kudurura mudzimu mutsvene pavadzidzi vake, achivazodza sevanakomana vaMwari.b (Mab. 2:33) Mbeu yakanaka yakazokura ikava gorosi. Saka chinangwa chokudyara mbeu yakanaka chaiva chokuti pakupedzisira pazova nenhamba yakakwana yevaya vaizogara nhaka uye vaizotonga naJesu muUmambo hwake.
-
-
“Vakarurama Vachapenya Zvakajeka Sezuva”Nharireyomurindi—2010 | March 15
-
-
5. Mumufananidzo uyu muvengi ndiani, uye masora anofananidzira vanaani?
5 Ko muvengi ndiani, uye masora ndivanaani? Jesu anotiudza kuti muvengi “ndiDhiyabhorosi.” Masora anorondedzerwa se“vanakomana veakaipa.” (Mat. 13:25, 38, 39) Sora iri raitaurwa naJesu rinokuvadza mbeu uye rinenge rakafanana chaizvo negorosi parinenge richiri duku. Hapana mufananidzo wakakodzera vaKristu vokunyepedzera kupfuura uyu, nokuti vanozviti vanakomana voUmambo asi vasingabereki zvibereko zvechokwadi! VaKristu ava vokunyepera vanozviti vateveri vaKristu zvechokwadi “vana” vaSatani Dhiyabhorosi.—Gen. 3:15.
-
-
“Vakarurama Vachapenya Zvakajeka Sezuva”Nharireyomurindi—2010 | March 15
-
-
7. Rimwe gorosi rakachinja rikava masora here? Tsanangura.
7 Jesu haana kuti gorosi raizova masora asi kuti masora akadyarwa mugorosi. Saka mufananidzo uyu hausi kutaura nezvevaKristu vechokwadi vanopanduka. Asi uri kureva zvakaitwa naSatani kuti ashatise ungano yechiKristu nokuunza vanhu vakaipa mairi. Muapostora wokupedzisira, Johani, paakazenge akwegura, kupanduka uku kwakanga kwava pachena.—2 Pet. 2:1-3; 1 Joh. 2:18.
-