RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Tarirai! Ndinemi Mazuva Ose”
    Nharireyomurindi—2013 | July 15
    • 13. Zvakazarurwa 18:7 inoratidza chii nezvemafungiro ari kuita hure kana kuti Bhabhironi Guru, kusanganisira chiKristudhomu?

      13 Chechitatu, kusvimha misodzi uye kugeda-geda mazino. Chii chinoitika pashure pokunge ngirozi dzasunga masora? Jesu akataura nezveboka remasora kuti: “Imomo ndimo mavachasvimha misodzi vari nokugeda-geda mazino avo.” (Mat. 13:42) Izvozvo zviri kuitika iye zvino here? Kwete. Mazuva ano, chiKristudhomu, sezvo chiri rimwe remasangano ari muBhabhironi Guru, hure, chichiri kuti: “Ndinogara samambokadzi, handisi chirikadzi, uye handizombochemi.” (Zvak. 18:7) Chokwadi, chiKristudhomu chinofunga kuti chine simba, ‘chichitozvigadza samambokadzi’ pamusoro pevatungamiriri vezvematongerwo enyika. Iye zvino vaya vanomirirwa nemasora vari kutozvitutumadza, kwete kusvimha misodzi. Asi izvozvo zvava kuda kuchinja.

      Kushamwaridzana kunoita chiKristudhomu nevatungamiriri vezvematongerwo enyika kwava kuda kuguma (Ona ndima 13)

      14. (a) VaKristu vokunyepera ‘vachageda-geda mazino’ avo rini uye nei? (b) Kunzwisisa kwatava kuita Mateu 13:42 kunoenderana sei nepfungwa iri pana Pisarema 112:10? (Onawo mamwe mashoko.)

      14 Pakutambudzika kukuru, masangano ose echitendero chenhema paachange aparadzwa, vaya vaimboatsigira vachamhanya vachitsvaka pokuhwanda asi havazombowani nzvimbo yakachengeteka. (Ruka 23:30; Zvak. 6:15-17) Pavachaona kuti havachina kwokutizira kuti varege kuparadzwa, vachasvimha misodzi uye ‘vachageda-geda mazino’ nehasha. Sezvakaprofitwa naJesu nezvekutambudzika kukuru, panguva iyoyo yakaoma, ‘vachazvirova vachichema.’e—Mat. 24:30; Zvak. 1:7.

      15. Chii chichaitika kumasora, uye izvozvo zvichaitika rini?

      15 Chechina, kukandwa muvira romoto. Chii chichaitika kune vaya vanomirirwa nemwanda yemasora? Ngirozi “dzichavakanda muvira romoto.” (Mateu 13:42) Izvozvo zvinoreva kuparadzwa zvachose. Saka, vanhu ava vaimbova mumasangano echitendero chenhema vachaparadzwa pachikamu chokupedzisira chokutambudzika kukuru, Amagedhoni.—Mar. 4:1.

  • “Tarirai! Ndinemi Mazuva Ose”
    Nharireyomurindi—2013 | July 15
    • e Ndima 14: Uku kugadziridzwa kwemanzwisisiro ataiita Mateu 13:42. Mabhuku edu aiti vaKristu vokunyepera vave ‘vachisvimha misodzi nokugeda-geda mazino avo’ kwemakumi emakore, vachichema kuti “vanakomana voumambo” vari kuvafumura kuti ivo “vanakomana veakaipa.” (Mat. 13:38) Zvisinei tinofanira kuziva kuti pfungwa yokugeda-geda mazino ine chokuita nokuparadzwa.—Pis. 112:10.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe