-
Hauzivi Kuti Zvichabudirira Kupi!Nharireyomurindi—2008 | July 15
-
-
Mambure Okukukudzisa
15, 16. (a) Rondedzera muchidimbu mufananidzo wemambure okukukudzisa. (b) Mambure okukukudzisa anomiririrei, uye mufananidzo uyu unoreva chii nezvokuwedzera kwebasa roUmambo?
15 Zvinoitwa nevaya vanozviti vadzidzi vaJesu Kristu zvinokosha kupfuura kuwanda kwavo. Jesu akataura nezvokuwedzera kwoUmambo uku paakataura mumwe mufananidzo, wemambure okukukudzisa. Akati: “Zvakare umambo hwokumatenga hwakafanana nemambure okukukudzisa akadzikiswa mugungwa achiunganidza hove dzemarudzi ose.”—Mat. 13:47.
16 Mambure okukukudzisa, ayo anomiririra basa rokuparidza Umambo, anounganidza hove dzemarudzi ose. Jesu anoenderera mberi achiti: “[Mambure okukukudzisa] paakazara, vakaakwevera pamhenderekedzo uye, vachigara pasi, vakaunganidza dzakanaka mumidziyo, asi vakarasa dzisina kukodzera. Ndizvo zvazvichange zvakaita pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho: ngirozi dzichabuda dzoparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama uye dzichavakanda muvira romoto. Imomo ndimo mavachasvimha misodzi vari nokugeda-geda mazino avo.”—Mat. 13:48-50.
17. Kuparadzanisa kunotaurwa mumufananidzo wemambure okukukudzisa kuchaitwa panguva ipi?
17 Kuparadzanisa uku kunoreva here kutongwa kwokupedzisira kwemakwai nembudzi kwakanzi naJesu kwaizoitika paaizosvika achibwinya? (Mat. 25:31-33) Aiwa. Kutongwa kwokupedzisira ikoko kuchaitika Jesu paachauya panguva yokutambudzika kukuru. Kusiyana neizvi, kuparadzanisa kuri kutaurwa mumufananidzo wemambure okukukudzisa kunoitika “pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.”b Iyi ndiyo nguva yatiri kurarama, mazuva achabva atipinza mukutambudzika kukuru. Saka iye zvino basa rokuparidzanisa riri kuitwa sei?
18, 19. (a) Basa rokuparadzanisa riri kuitwa sei iye zvino? (b) Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanofanira kutora danho rei? (Onawo mashoko omuzasi ari papeji 21.)
18 Mamiriyoni chaiwo ehove dzokufananidzira dzinobva mugungwa revanhu ari kukwezvwa kuti auye kuungano yaJehovha mazuva ano. Vamwe vanopinda Chirangaridzo, vamwe vanouya kumisangano yedu, uyewo vamwe vanobvuma kudzidza Bhaibheri. Asi vose ava vanoita zvinoratidza kuti vaKristu vechokwadi here? ‘Vangakweverwa pamhenderekedzo,’ asi Jesu anotiudza kuti ‘vakanaka’ bedzi ndivo vanounganidzirwa mumidziyo, inomiririra ungano dzechiKristu. Vasina kukodzera vanoraswa, kuti vazokandwa muvira romoto, rinoreva kuti vachazoparadzwa.
19 Kufanana nehove dzisina kukodzera, vakawanda vakambodzidza Bhaibheri nevanhu vaJehovha vakarega kudzidza. Vamwe vane vabereki vaKristu havana kumboda kuva vateveri vetsoka dzaJesu. Havana kuda kusarudza kushumira Jehovha kana kuti vakazorega kumushumira.c (Ezek. 33:32, 33) Zvisinei, zvinokosha kuti vose vane mwoyo yakatendeseka vaunganidzwe muungano dzakaita semidziyo uye varambe vari munzvimbo yakachengeteka zuva rokupedzisira rokutongwa risati rasvika.
-
-
Hauzivi Kuti Zvichabudirira Kupi!Nharireyomurindi—2008 | July 15
-
-
20, 21. (a) Tadzidzei patakurukura mifananidzo yaJesu ine chokuita nokukura? (b) Watsunga kuitei?
20 Saka tadzidzei patakurukura muchidimbu mifananidzo yaJesu ine chokuita nokukura? Kutanga, sezvinoita kukura kwetsanga yemasitadhi, vanhu vanogamuchira shoko roUmambo vakawedzera zvikuru pasi pano. Hapana chingamisa kuwedzera kuri kuita basa raJehovha! (Isa. 54:17) Uyezve, vaya vakatsvaka “pokugara pasi pomumvuri” womuti wacho vakadzivirirwa pana Satani nenyika yake yakaipa. Chechipiri, ndiMwari anoita kuti ukure. Sezvinoita mbiriso isingaoneki inenge iri mumukanyiwa wose, kuwedzera uku hakusi nyore kuona uye kunzwisisa nguva dzose, asi kuri kuitika! Chechitatu, havasi vose vanoteerera vanozoratidza kuti vakakodzera. Vamwe vakaita sehove dzisina kukodzera dzomumufananidzo waJesu.
-
-
Hauzivi Kuti Zvichabudirira Kupi!Nharireyomurindi—2008 | July 15
-
-
b Kunyange zvazvo Mateu 13:39-43 ichitaura nezvechikamu chakasiyana chebasa rokuparidza Umambo, rinozadzika panguva imwe chete neinozadzika mufananidzo wemambure okukukudzisa, kureva nguva yo“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” Kuparadzanisa hove dzokufananidzira ibasa rinoramba richiitwa, sezvinoitwa basa rokudyara nokukohwa riri kuramba richiitwa munguva ino.—Nharireyomurindi, October 15, 2000, mapeji 25-26; Namata Mwari Wechokwadi Bedzi, mapeji 178-181, ndima 8-11.
-