Zvishamiso zvaJesu—Inhau Kana Kuti Ingano Here?
“Nenguva yechina yousiku akauya kwavari, achifamba pamusoro pegungwa.”—Mateo 14:25.
NOKUDA kwamamiriyoni kupota nyika, chitendero chokuti Jesu Kristu akaita zvishamiso chinodokuva chinokosha sechitendero muna Mwari amene. Vanyori veEvhangeri—Mateo, Marko, Ruka, uye Johane—vanorondedzera 35 zvezvishamiso zvaJesu. Nhoroondo dzavo dzinokarakadza, zvisinei, kuti iye akaita mamwe mabasa akawanda anopfuura omuzvarirwo.—Mateo 9:35; Ruka 9:11.
Izvi zvishamiso hazvina kuitwa nokuda kwevaraidzo. Izvo zvakanga zvichikosha kukutaura kwaJesu kwokuti akanga ari Mwanakomana waMwari, Mesiya akamirirwa kwenguva refu. (Johane 14:11) Mosesi akanga aita zviratidzo zvinoshamisa apo akazvipa amene kurudzi rwakapinzwa muuranda rwaIsraeri. (Eksodho 4:1-9) Nenzira ine mufungo, Mesiya, uyo akaporofitwa kuva mukuru zvikuru kupfuura Mosesi, aizovawo akakarirwa kuita chiratidzo chakati chetsigiro youmwari. (Dheuteronomio 18:15) Bhaibheri nokudaro rinodana Jesu kuti “murume wakaratidzwa naMwari [kuvaJudha] namabasa esimba, nezvishamiso, nezviratidzo.”—Mabasa 2:22.
Munguva dzakapfuura, vanhu vaiwanzogamuchira pasina kupokana kuratidzira kweBhaibheri Jesu somuiti wezvishamiso. Asi mumakumi amakore achangobva kupfuura, nhoroondo dzeEvhangeri dzakatsoropodzwa navatsoropodzi. Mubhuku rake Deceptions and Myths of the Bible, Lloyd Graham anonongedzera kunhoroondo yeBhaibheri yaJesu achifamba pamvura uye anosvika pakuti: “Kunoda kusaziva kukuru kudavira iyoyi sezvayakaita, bva, mamiriyoni anoidavira sezvayakaita. Uye ipapo tinoshamisika kuti chii chakaipa nenyika yedu. Inyikai iri nani yawaizokarira yokusaziva kwakadaro?”
Hakubviri Here?
Tsoropodzo dzakadaro hadzina mufungo, zvisinei. The World Book Encyclopedia rinorondedzera chishamiso se“chiitiko chisingagoni kutsanangurwa kupfurikidza nemitemo inozivikanwa yechisiko.” Maererano nerondedzero iyoyo, TV inobudisa zvine mavara akasiyana, runhare rwecellular, kana kuti komupiyuta inotakurika zvingadai zvakarangarirwa kuva zvishamiso zana rimwe chete ramakore rapfuura! Kune mufungo here kuva akaoma ndokudana chimwe chinhu kuva chisingabviri nemhaka chete yokuti hatigoni kuchitsanangura maererano nezivo yazvino yesayenzi?
Rimwe idi rokurangarira: Mumutauro wapakuvamba wechiGiriki umo “Testamente Itsva” yakanyorwa, shoko rakashandiswa nokuda kwe“chishamiso” rakanga riri dyʹna·mis—shoko rinoreva zvikurukuru “simba.” Rinoshandurwawo kuti “mabasa esimba” kana kuti “mano.” (Ruka 6:19; 1 VaKorinte 12:10; Mateo 25:15, NW) Bhaibheri rinotaura kuti zvishamiso zvaJesu kwakanga kuri kuratidzirwa kwe“simba guru raMwari.” (Ruka 9:43, NW) Mabasa akadaro aizova asingabviriri Mwari wamasimba ose—Uyo ane “simba guru rakawanda” here?—Isaya 40:26, NW.
Ufakazi Hwouchokwadi
Kusanonzverwa kweEvhangeri ina kunopa humwe ufakazi hwokudavirika kwadzo. Kutanga, idzi nhoroondo dzakasiyana zvikuru nengano. Rangarira, somuenzaniso, nhau dzenhema idzo dzakatenderera pamusoro paJesu mumazana amakore pashure porufu rwake. “Gospel of Thomas” reapocrypha rinorondedzera, kuti: “Apo uyu mukomana Jesu akanga ava namakore mashanu okukura . . . , akapfuura nomumusha, uye mumwe mukomana akamhanya ndokuguma pfudzi rake. Jesu akashatirwa ndokuti kwaari: ‘Hausati uchizopfuurira panzira yako’, uye mwana wacho akawa pakare pakarepo ndokufa.” Hakusati kwakaoma kuona iyi nhau nokuda kwezvairi—nhau yokufungidzira yakarongwa. Kupfuurirazve, mwana ane misikanzwa, anoshatirisa anoratidzirwa pano haana kufanana naJesu weBhaibheri.—Siyanisa naRuka 2:51, 52.
Zvino rangarira nhoroondo dzechokwadi dzeEvhangeri. Idzo hadzina kukatutsira nerevo dzenhema. Jesu aiita zvishamiso mumhinduro kuchinodikanwa chechokwadi, kwete kuti agutse chishuvowo zvacho. (Marko 10:46-52) Jesu haana kutongoshandisa masimba ake kuti azvibetsere amene. (Mateo 4:2-4) Uye haana kutongoashandisa kuti avhaire. Kutaura idi, apo Mambo Herodhe aida kuziva aida kuti Jesu amuitire “chiratidzo” chinoshamisa, Jesu “haana kumupindura chinhu.”—Ruka 23:8, 9.
Zvishamiso zvaJesu zvakasiyanawo zvikuru nebasa ravanoonesa zvisipo, vanoita mashiripiti, uye vaporesi nokutenda. Mabasa ake ane simba nguva dzose airumbidza Mwari. (Johane 9:3; 11:1-4) Zvishamiso zvake zvakanga zvisina miitiro yamanyemwe, teterero dzamashiripiti, ratidziro dzokuvhaira, ujarijari, uye kupusisa. Apo Jesu akasangana nomupemhi bofu ainzi Bhartimeo uyo akadanidzira kuti, “Rabhoni, kuti ndione,” Jesu akangoti zvake kwaari: “Enda hako, kutenda kwako kwakuponesa. Pakarepo akaona.”—Marko 10:46-52.
Zvinyorwa zveEvhangeri zvinoratidza kuti Jesu aiita mabasa ake ane simba pasina zvinotsigira, zvikurukuru kutamba pachikuva kwakarongwa, kana kuti maminimini. Iwo aiitwa pachena, kazhinji kazhinji pamberi pezvapupu zvinoona zvakawanda. (Marko 5:24-29; Ruka 7:11-15) Kusafanana nokuedza kunoitwa navaporesi nokutenda vazvino uno, nhamburiko dzake dzokuporesa hadzina kutongokundikana nemhaka yokuti anorwara akati sezvinofungidzirwa akanga asina kutenda. Mateo 8:16 anoti: “Akaporesa vose vairwara.”
Mubhuku rake “Many Infallible Proofs:” The Evidences of Christianity, Nyanzvi Arthur Pierson inoti nezvezvishamiso zvaKristu: “Nhamba yazvo, kukurumidza nokukwana kwokurapa kwaaiita, uye kusavapo kwekundikano imwe mukuedza kunyange kumutsa vakafa, zvakaita musiyano usingagumi pakati peizvi zvishamiso nezvishamiso zvakanyepedzerwa zvezera rino kana kuti rimwe ripi neripi.”
Tsigiro Yokunyika
Pierson anopa chimwezve chibvumikiso chinotsigira nhoroondo dzeEvhangeri apo iye anoti: “Hakuna kusimbiswa kwezvishamiso zvorugwaro kunoshamisa zvikuru kupfuura kunyarara kwavavengi.” Vatungamiriri vechiJudha vaiva nevavariro yakasimba zvikuru yokuda kuzvidza Jesu, asi zvishamiso zvake zvaisanozivikanwa kwazvo zvokuti vashori havana kutsunga kuzviramba. Zvavaigona kuita bedzi kwaiva kuti mabasa akadaro aiparirwa namasimba oudhemoni. (Mateo 12:22-24) Mazana amakore pashure porufu rwaJesu, vanyori veJewish Talmud vakapfuurira kupa mbiri kuna Jesu yamasimba ezvishamiso. Maererano nebhuku rinonzi Jewish Expressions on Jesus, ivo vakamudzinga somunhu “aitevera miitiro yamashiripiti.” Tsinhiro yakadaro ingadai yakaitwa here kudai kwaimbobvira zviduku kuramba zvishamiso zvaJesu senganowo zvayo?
Chimwe chibvumikiso chinobva kune wezvenhau wechechi wezana ramakore rechina Eusebius. Mubhuku rake The History of the Church From Christ to Constantine, iye anonokora mashoko Quadratus akati uyo akatumira tsamba kuna mambo mukudzivirira chiKristu. Quadratus akanyora, kuti: “Mabasa oMuponesi wedu aionekwa nguva dzose, nokuti akanga ari echokwadi—vanhu vakanga varapwa uye avo vakamutswa muna vakafa, avo vakanga vasina kungoonwawo zvavo panguva apo vakaporeswa kana kuti kumutswa, asi nguva dzose vaivapo kuti vaonwe, kwete bedzi apo Muponesi akanga ari pakati pedu, asi kwenguva refu pashure pokuenda Kwake; kutaura idi vamwe vavo vakararama kusvikira chaizvo kunguva yangu ndimene.” Nyanzvi William Barclay yakati: “Quadratus ari kutaura kuti kusvikira pazuva rake amene vanhu vakanga vaitirwa zvishamiso vaigona kubudiswa chaizvoizvo. Kudai ikoko kwakanga kusiri kwechokwadi hapana chinhu chingadai chakava chiri nyore zvikuru kuti hurumende yeRoma ichiratidzire senhema.”
Chitendero muzvishamiso zvaJesu chine mufungo, chine pfungwa, uye chinotsinhirana zvizere noufakazi. Kunyanguvezvo, zvishamiso zvaJesu hazvisati zviri nhau yakafa. VaHebheru 13:8 inotiyeuchidza, kuti: “Jesu Kristu unogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi.” Hungu, iye mupenyu mumatenga nhasi, achikwanisa kushandisa masimba anoshamisa munzira huru zvikuru kupfuura zvaakaita apo akanga ari pasi pano somunhu. Kupfuurirazve, nhoroondo dzeEvhangeri dzezvishamiso zvake (1) dzinodzidzisa vaKristu zvidzidzo zvinoshanda nhasi, (2) dzinozivisa mativi anoshamisa ounhu hwaJesu, uye (3) dzinonongedzera kunguva munguva yemberi iri pedyo apo kunyange zviitiko zvinotoshamisa zvikuru zvichaitika!
Nyaya inotevera ichanangidzira ngwariro panhoroondo nhatu dzinosanozivikanwa dzeBhaibheri kuratidzira aya mapfundo.