Upenyu hwaJesu Noushumiri
Chii Chinosvibisa Munhu?
CHISHORO kuna Jesu chinova chakasimba zvikuru. Vazhinji vavadzidzi vake havasati vachingoenda bedzi asi vaJudha vomuJudhea vari kutsvaka kumuuraya, kunyange sezvo vakaita paakanga ari muJerusarema mukati mePaseka ya 31 N.V.
Zvino yava Paseka ya 32 N.V. Sezvingabvira, mukuwirirana nechinodikanwa chaMwari chokupinda, Jesu anokwira kuPaseka muJerusarema. Zvisinei, iye anoita saizvozvo nokungwarira nemhaka yokuti upenyu hwake huri mungozi. Pashure payo iye anodzokera kuGarirea.
Jesu zvichida ari muKapernaume apo vaFarise navanyori vakabva Jerusarema vanouya kwaari. Ivo vari kutsvaka zvikonzero zvokumupomera nazvo kupunza mutemo kworudzidziso. “Vadzidzi venyu vanodarikireiko tsika dzavakuru?” ivo vanobvunza. “Nokuti havashambi maoko kana vachidya zvokudya.” Ikoku hakusati kuri chimwe chinhu chinodikanwa naMwari, bva vaFarise vanokurangarira kuva mhaka yakakomba kusaita uyu muitiro wamagamuchidzanwa, uyo wakabatanidza kushamba kusvikira kumagokora.
Panzvimbo pokupindura pomero yavo, Jesu anonongedzera kukupunza kwavo Mutemo waMwari kwakaipa nokwoune. “Nemiwo munodarikireiko murairo waMwari nokuda kwetsika dzenyu?” iye anoda kuziva. “Nokuti Mwari wakati: ‘Kudza baba vako naamai vako’; uye, ‘unotuka baba kana mai ngaafe norufu.’ Asi imi munoti: ‘Ani naani unoti kuna baba vake kana amai vake “Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri, chava chipo kuna Mwari,” haachakudzi baba vake kana amai vake, asi haane mhosva.’”
Zvamazvirokwazvo, vaFarise vanodzidzisa kuti mari, pfuma, kana kuti chinhu chipi nechipi chakatsaurirwa sechipo kuna Mwari ndechetembere, uye hachigoni kushandiswa nokuda kwerimwe donzo. Bva, zvomenemene, chipo chakatsaurirwa chinochengetwa nomunhu akachitsaurira. Neiyi nzira mwanakomana, kupfurikidza nokutaura bedzi kuti mari yake kana kuti pfuma i“korbhani”—chipo chakatsaurirwa kuna Mwari kana kuti kutembere—anonzvenga mutoro wake wokubetsera vabereki vake vakwegura, avo vangava vari mumigariro yokupererwa nezano rose.
Ashatirirwa zvakafanira kumonyanisa kwakaipa kwavaFarise Mutemo waMwari, Jesu anoti: “Makatorera murairo waMwari simba netsika dzenyu. Imi vanyengeri, Isaya wakaporofita kwazvo pamsoro penyu, achiti: ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirairo yavanhu.’”
Zvichida boka rakanga radzokera shure kubvumira vaFarise kubvunza Jesu. Zvino, apo vaFarise vanoshaya mhinduro kutsiuro yakasimba yaJesu yavo, iye anodana boka kuti riuye pedyo. “Teererai,” iye anodaro, “munzwisise. Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu, asi zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.”
Gare gare, apo vanopinda muimba, vadzidzi vake vanobvunza, kuti: “Munoziva kuti vaFarise vakagumburwa vachinzwa shoko iri here?”
“Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vari kudenga uchadzurwa,” Jesu anopindura kudaro. “Varegei; mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ose ari maviri.”
Jesu anoratidzika kuva ashamiswa apo, nokuda kwavadzidzi, Petro anokumbira jekeso pamsoro pechinosvibisa munhu. “Nazvino nemiwo muchigere kunzwisisa here?” Jesu anopindura. “Hamunzwisisi here kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvikazorashwa kunze? Asi zvinobuda mumuromo, zvinobva mumwoyo; ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noufeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokumhura Mwari; ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya namaoko asati ashambwa, hazvisvibisi munhu.”
Jesu pano haasi kudzivisa utsanana hwomuzvarirwo. Iye haasi kutaura kuti munhu haafaniri kushamba maoko ake asati agadzirira zvokudya kana kuti kudya zvokudya. Panzvimbo pezvo, Jesu ari kushurikidza unyengeri hwavatungamiriri vorudzidziso avo vanoedza nenzira yokunyengera kunzvenga mitemo yakarurama yaMwari kupfurikidza nokuomerera pamagamuchidzanwa asiri apamagwaro. Hungu, ndiwo mabasa akaipa anosvibisa munhu, uye Jesu anoratidza kuti iwaya anobva mumwoyo momunhu. Johane 7:1; Dheutoronomio 16:16; Mateo 15:1-20; Marko 7:1-23; Eksodho 20:12; 21:17; Isaya 29:13.
◆ Chishoroi icho Jesu zvino anotarisana nacho?
◆ Ipomeroi inoita vaFarise, asi mukuwirirana naJesu, vaFarise vanopunza mutemo waMwari namaune sei?
◆ Chii chinozivisa Jesu kuti ndizvo zvinhu zvinosvibisa munhu?