“Chiratidzo Chinobva Kudenga”
RWIYO rwekare runoti: “Denga dzvuku usiku, mufaro wavakwasvi,/Denga Dzvuku mangwanani, vakwasvi vanonyeverwa.” Nhasi, masetiraiti, fundo dzetembiricha dzinobetserwa nekomupiyuta, Doppler radar, uye mimwe mitoo yesayenzi zvinoshandiswa kudeya kutaura mugariro wokunze. Kudeya kutaura kazhinji kazhinji kunotsinhirana norwiyo ruchangobva kunokorwa mashoko.
Vavengi vorudzidziso vaJesu Kristu vakaraira kwaari “chiratidzo chinobva kudenga,” ratidzirwo yechienzi yokubvumikisa kuti iye akanga ari Mesia. “Panguva yamadekwana,” iye akadaro, “munoti: ‘Kuchachena, nokuti denga rakatsvuka.’ Mangwanani munoti: ‘Nhasi kuchasviba, nokuti denga rakatsvuka, richifiduka.’ Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva. Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chaJona.”—Mateo 16:1-4.
Vavengi vaJesu vaigona kudeya kutaura mugariro wokunze asi vakanga vasingakwanisi kunzwisisa zvinhu zvomudzimu. Somuenzaniso, zvakadiniko ne“chiratidzo chaJona”? Pashure pokupedza anenge mazuva matatu ari mudumbu rehove huru, muporofita waMwari Jona akaparidzira muNinevhe uye nomutoo iwoyo akava chiratidzo kudzimbahwe iroro reAsiria. Chizvarwa chaJesu chakava ne“chiratidzo chaJona” apo Kristu akapedza mativi amazuva matatu ari muguva uye akamutswa. Vadzidzi vake vakazivisa ufakazi hwechinoitika ichocho, uye nokudaro Jesu akanga ari chiratidzo kuchizvarwa ichocho.—Mateo 12:39, 41.
Pane imwe nhambo, vadzidzi vaJesu vakamukumbira “chiratidzo” cho“kuvapo” kwake kwomunguva yemberi musimba roUmambo. Mumhinduro, iye akapa chiratidzo chakaumbwa nezvizhinji chamativi akasiana-siana, kubatanidza hondo, kudengenyeka kukuru kwapasi, perevedzo dzezvokudya, uye kuparidzira mupasi rose zvisina muenzaniso pamusoro poUmambo hwokudenga hwakagadzwa hwaMwari.—Mateo 24:3-14, NW.
Iwe unoziva chiratidzo chokuvapo kwaKristu saMambo wokudenga asingaoneki here? Mativi acho ari kuzadzikwa pachizvarwa chino. (Mateo 24:34) Uye zvakadiniko nezvenguva yemberi? Bhaibheri harisati richingozivisa bedzi kuti mugumo wetsika ino yezvinhu wava pedyo asiwo rinodeya kutaura zuva idzva rakapikirwa raMwari richakurumidza kubuda ndokujekera rudzi rwomunhu.—2 Petro 3:13.