-
Akanga Akatendeka Paakasangana NemiedzoNharireyomurindi—2010 | January 1
-
-
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 28]
Ndiani Dombo Guru?
“Ndinoti kwauri, Ndiwe Petro, uye padombo guru iri ndichavakira ungano yangu.” (Mateu 16:18) Mashoko iwayo akataurwa naJesu kuna Petro, anowanzonzi anoreva kuti pana Petro ndipo paizovakirwa ungano yechiKristu. Chechi yeRoma inodzidzisa kuti apa Jesu aipa Petro nzvimbo yokutanga pane vamwe vaapostora, achimuita papa wokutanga. Mashoko aya akataurwa naJesu akanyorwa mukati mechechi yeSaint Peter’s Basilica muRoma nemavara echiLatin akareba kupfuura munhu.
Jesu aireva here kuti Petro ndiye aiva dombo guru paizovakirwa ungano naJesu? Kwete. Chimbofunga zvikonzero zvitatu nei tingava nechokwadi nezvenyaya iyi. Chokutanga, vamwe vaapostora vaivapowo, uye havana kufunga kuti mashoko aJesu aireva izvozvo. Kana Jesu akaita Petro wokutanga pane vamwe saka nei vakazoramba vachiitisana nharo dzokuti ndiani aiita somukuru pakati pavo? (Mako 9:33-35; Ruka 22:24-26) Chechipiri, muapostora Pauro akazoratidza kuti dombo guru aisava Petro, asi Jesu Kristu. (1 VaKorinde 3:11; 10:4) Chechitatu, papera makumi emakore Petro pachake akaratidza kuti aisafunga kuti ndiye aiva dombo guru. Pane kudaro, akanyora kuti Jesu ndiye aiva “dombo renheyo repakona” rakasarudzwa namwari pachake rainge rafanotaurwa kare.—1 Petro 2:4-8.
[Mufananidzo uri papeji 25]
-
-
Akanga Akatendeka Paakasangana NemiedzoNharireyomurindi—2010 | January 1
-
-
Kristu uyu ndiye ainzi nevaprofita vekare dombo raizorambwa nevavaki. (Pisarema 118:22; Ruka 20:17) Achifunga nezvouprofita ihwohwo, Jesu akaratidza kuti Jehovha aizotanga ungano padombo iroro chairo, kana kuti padombo guru rakanga richangobva kutaurwa naPetro.d Adaro akabva apa Petro mamwe mabasa anokosha chaizvo muungano iyoyo. Haana kuti ndiye aikosha kupfuura vamwe vaapostora sezvakataurwa nevamwe, asi akangomupa mabasa okuita. Akapa Petro “kiyi dzoumambo.” (Mateu 16:19) Petro aizova nebasa rokuita kuti vanhu vemapoka matatu akasiyana-siyana vakwanise kupinda muUmambo hwaMwari—kutanga vaJudha, zvadaro kuvaSamariya, uye pakupedzisira Vemamwe Marudzi, kana kuti vasiri vaJudha.
-