RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kubatira Jehovha Nomudzimu Wokuzvibaira
    Nharireyomurindi—1993 | June 1
    • 2. Ndokupi kwaiva kuita kwaPetro kumashoko aJesu pamusoro pokutambura Kwake kwomunguva yemberi, uye Jesu akapindura sei?

      2 Mazuva aJesu ava mashomanene. Petro, kunyanguvezvo, anoshatirirwa mufungo wakadaro unoratidzika kuva usina kunaka. Iye haagoni kubvuma kuti Mesia achauraiwa chaizvoizvo. Naizvozvo, Petro anoshinga kutuka Tenzi wake. Achisundwa nevavariro dzakanakisisa, iye nokukurumidza anokurudzira, kuti: “Mwari ngaakunzwirei ngoni, Ishe! hamungaitirwi izvozvo.” Asi Jesu anoramba pakarepo mutsa wakaiswa pasina kufanira waPetro, sokupwanya chaizvoizvo kungaita mumwe musoro wenyoka ine uturu. “Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”—Mateo 16:22, 23.

      3. (a) Petro nokusaziva akazviita amene sei mumiriri waSatani? (b) Petro akanga ari sei chigumbuso kunzira yokuzvibaira?

      3 Petro nenzira yokusaziva akazviita amene mumiriri waSatani. Mhinduro yaJesu yakasimba seapo akapindura Satani murenje. Imomo Dhiabhorosi akaedza kuedza Jesu noupenyu hwakapfava, umambo pasina kutambura. (Mateo 4:1-10) Zvino Petro anomukurudzira kuva munyoro kwaari amene. Jesu anoziva kuti ikoku hakusati kuri kuda kwaBaba vake. Upenyu hwake hunofanira kuva huya hwokuzvibaira, kwete huya hwokuzvigutsa. (Mateo 20:28) Petro anova chigumbuso kunzira yakadaro; tsitsi dzake dzine vavariro dzakanaka dzinova musungo.a Jesu, kunyanguvezvo, anoona nenzira yakajeka kuti kana akachengeta pfungwa ipi neipi youpenyu husina kuzvibaira, aizobva munyasha dzaMwari kupfurikidza nokubatwa mukubata kworufu kwomusungo waSatani.

      4. Neiko upenyu hwoumbozha hwokuzvigutsa hwakanga husati huri hwaJesu navateveri vake?

      4 Kufunga kwaPetro, naizvozvo, kwaida kugadziridzwa. Mashoko ake kuna Jesu akamirira pfungwa yomunhu, kwete yaMwari. Upenyu hwoumbozha hwokuzvigutsa, nzira iri nyore yokubuda nayo mukutambura, yakanga isiri yaJesu; uyewo upenyu hwakadaro hwakanga husingafaniri kuva hwavateveri vake, nokuti Jesu anotevera kutaura kuna Petro navasara vose vavadzidzi, kuti: “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze [danda rake rokutambudzira, NW], anditevere.”—Mateo 16:24.

  • Kubatira Jehovha Nomudzimu Wokuzvibaira
    Nharireyomurindi—1993 | June 1
    • a MuchiGiriki, “chigumbuso” (σκάνδαλον, skanʹda·lon) pakuvamba chakanga chiri “zita rorutivi rwomusungo uko hwambo unoiswa parwuri, nokudaro, musungo kana kuti riva rimene.”—Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe