-
Apo Jesu Anouya Mumbiri yoUmamboNharireyomurindi—1997 | May 15
-
-
3, 4. (a) Jesu akatii mazuva matanhatu kushanduka chitarisiko kusati kwaitika? (b) Rondedzera zvakaitika mukati mokushanduka chitarisiko?
3 Mazuva matanhatu kushanduka chitarisiko kusati kwaitika, Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Mwanakomana womunhu uchauya navatumwa vake nokubwinya kwaBaba vake; ipapo ucharipira mumwe nomumwe paakabata napo.” Aya mashoko aizozadzika pa“kuguma kwenyika.” Jesu akatizve: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kuna vamire pano, vasingazonzwi rufu, vasati vaona Mwanakomana womunhu achiuya muushe hwake.” (Mateo 16:27, 28; 24:3; 25:31-34, 41; Dhanieri 12:4) Kushanduka chitarisiko kwakaitika mukuzadzika kwaaya mashoko apedzisira kududzwa.—Mateo 17:1, 2.
-
-
Apo Jesu Anouya Mumbiri yoUmamboNharireyomurindi—1997 | May 15
-
-
5. Kushanduka chitarisiko kwakava netapuroi pamuapostora Petro?
5 Muapostora Petro akanga atozivisa Jesu sa“Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.” (Mateo 16:16) Mashoko aJehovha akabva kudenga akabvumikisa kuziviswa ikoko, uye chiono chaJesu akashanduka chitarisiko chakanga chiri kufanoravidzwa kwokuuya kwaKristu musimba roUmambo nembiri, kuzotonga rudzi rwomunhu pakupedzisira. Anopfuura makore 30 pashure pokushanduka chitarisiko, Petro akanyora kuti: “Hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuuya kwaShe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakaona umambo hwake. Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya inzwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukurukuru, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira. Inzwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene.”—2 Petro 1:16-18; 1 Petro 4:17.
-
-
Apo Jesu Anouya Mumbiri yoUmamboNharireyomurindi—1997 | May 15
-
-
7. (a) Chiono chokushanduka chitarisiko chakavamba kuzadzikwa riini? (b) Jesu akaripira sei vamwe maererano nomufambiro wavo?
7 Chibviro chokuvamba kwe“zuva raShe” muna 1914, zvakawanda zvezviono zvakaonekwa naJohane zvakazadzikwa. (Zvakazarurwa 1:10) Zvakadiniko noku‘uya [kwaJesu] mumbiri yaBaba vake,’ sezvakafanofananidzirwa nokushanduka chitarisiko? Ichi chiono chakavamba kuzadzikwa pakuberekwa kwoUmambo hwaMwari hwokudenga muna 1914. Apo Jesu, kufanana nenyeredzi yemasikati, akasimuka panzvimbo yechisiko chose saMambo achangobva kugadzwa, kwakanga kuri, sokunge zvakadaro, mambakwedza ezuva idzva. (2 Petro 1:19; Zvakazarurwa 11:15; 22:16) Jesu panguva iyoyo akaripira vamwe maererano nomufambiro wavo here? Hungu. Pane ufakazi hwakasimba hwokuti nokukurumidza pashure pacho, rumuko rwokudenga rwaVakristu vakazodzwa rwakavamba.—2 Timotio 4:8; Zvakazarurwa 14:13.
8. Zviitikoi zvicharatidzira mugumo wokuzadzika kwechiono chokushanduka chitarisiko?
8 Nokukurumidza, kunyange zvakadaro, Jesu achasvika “nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye” kuti atonge rudzi rwose rwomunhu. (Mateo 25:31) Panguva iyoyo, achazvizivisa mumbiri yake yose yakaisvonaka ndokupa “mumwe nomumwe” zvakafanira chaizvo mufambiro wake. Vakafanana namakwai vachagara nhaka upenyu husingaperi muUmambo hwavakagadzirirwa, uye vakafanana nembudzi vachaenda ku“kurohwa kusingaperi.” Ichava mhedziso yakaisvonaka zvakadini yokuzadzika kwechiono chokushanduka chitarisiko!—Mateo 25:34, 41, 46; Marko 8:38; 2 VaTesaronika 1:6-10.
-
-
Apo Jesu Anouya Mumbiri yoUmamboNharireyomurindi—1997 | May 15
-
-
12. Mumamiriro ezvinhu okushanduka chitarisiko, ndivanaani vanofananidzirwa naMosesi naEria?
12 Ndiani, ipapoka, uyo Mosesi naEria vanofananidzira mumamirire ezvinhu okushanduka chitarisiko? Ruka anotaura kuti vakaoneka pamwe chete naJesu “vachibwinya.” (Ruka 9:31) Nenzira yakajeka, vanofananidzira Vakristu vakazodzwa nomudzimu mutsvene sa“vadyi venhaka pamwe chete” naJesu uye avo nokudaro vakagamuchira tariro yakaisvonaka yoku“kudzwawo pamwe chete” naye. (VaRoma 8:17) Vakazodzwa vanomutswa vachava naJesu apo anouya mumbiri yaBaba vake kuti a“ripir[e] mumwe nomumwe paakabata napo.”—Mateo 16:27.
-