-
Apo Jesu Anouya Mumbiri yoUmamboNharireyomurindi—1997 | May 15
-
-
3, 4. (a) Jesu akatii mazuva matanhatu kushanduka chitarisiko kusati kwaitika? (b) Rondedzera zvakaitika mukati mokushanduka chitarisiko?
3 Mazuva matanhatu kushanduka chitarisiko kusati kwaitika, Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Mwanakomana womunhu uchauya navatumwa vake nokubwinya kwaBaba vake; ipapo ucharipira mumwe nomumwe paakabata napo.” Aya mashoko aizozadzika pa“kuguma kwenyika.” Jesu akatizve: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kuna vamire pano, vasingazonzwi rufu, vasati vaona Mwanakomana womunhu achiuya muushe hwake.” (Mateo 16:27, 28; 24:3; 25:31-34, 41; Dhanieri 12:4) Kushanduka chitarisiko kwakaitika mukuzadzika kwaaya mashoko apedzisira kududzwa.—Mateo 17:1, 2.
-
-
Apo Jesu Anouya Mumbiri yoUmamboNharireyomurindi—1997 | May 15
-
-
5. Kushanduka chitarisiko kwakava netapuroi pamuapostora Petro?
5 Muapostora Petro akanga atozivisa Jesu sa“Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.” (Mateo 16:16) Mashoko aJehovha akabva kudenga akabvumikisa kuziviswa ikoko, uye chiono chaJesu akashanduka chitarisiko chakanga chiri kufanoravidzwa kwokuuya kwaKristu musimba roUmambo nembiri, kuzotonga rudzi rwomunhu pakupedzisira. Anopfuura makore 30 pashure pokushanduka chitarisiko, Petro akanyora kuti: “Hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuuya kwaShe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakaona umambo hwake. Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya inzwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukurukuru, richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira. Inzwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene.”—2 Petro 1:16-18; 1 Petro 4:17.
-