RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Unopedza Sei Misiyano?
    Nharireyomurindi—1994 | July 15
    • Kupedza Misayano Yakomba

      “Kana hama yako yakutadzira, enda umuudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako. Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu. Kana asingavanzwi, uudze ungano; kana asinganzwiwo ungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarise.”—Mateo 18:15-17.

      Zvakadiniko kudai muJudha (kana kuti gare gare, muKristu) akanangana nezvinetso zvakakomba nomunamati biyake waJehovha? Uyo akafunga kuti akanga atadzirwa akanga achifanira kuita nhano yokutanga. Akanga achifanira kukurukura zvinhu nomutadzi vari voga. Kupfurikidza nokusaedza kuwana tsigiro yorutivi rwake rwomugariro wacho, iye zvirokwazvo sezvingabvira zvikuru aizowana hama yake, zvikurukuru kana pakanga pave pachingova bedzi nokusanzwisisa kwaigona kupedzwa nokukurumidza. Chinhu chiri chose chaizopedzwa zviri nyore zvikuru kudai avo vaibatanidzwa zvakananga vaiva bedzi vaiziva pamusoro penhau yacho.

  • Unopedza Sei Misiyano?
    Nharireyomurindi—1994 | July 15
    • Kubvira kwokudzingwa kwomutadzi asingapfidzi kunoratidza kuti Mateo 18:15-17 haina chokuita nemisiyano miduku. Jesu akanga achinongedzera kumhaka dzakakomba, bva dzorudzi rungapedzwa bedzi pakati pavaviri chete vanobatanidzwa. Somuenzaniso, mhaka yacho ingava kuchera, kuchitapura zvakakomba mukurumbira wanyajambwa. Kana kuti ingava nechokuita nenhau dzemari, nokuti ndima dzinotevera dzine muenzanisiro waJesu womuranda asina ngoni akanga akanganwirwa mungava mukuru. (Mateo 18:23-35) Chikwereti chisina kubhadharwa munguva yakagoverwa chingava chinetso chiduku chete chingagona kupedzwa nyore nyore pakati pavanhu vaviri. Asi chingagona kuva chivi chakakomba, ndiko kuti, kuba, kana mukwereti akaramba nechisimbwa kubhadhara chaaiva nengava nacho.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe