Ungawana Hama Yako
“Enda ubudise pachena mhaka yake iwe naiye muri moga. Kana ikakuteerera, wawana hama yako.”—MATEO 18:15, NW.
1, 2. Jesu akapa zanoi rinoshanda pamusoro pokubata nezvikanganiso?
ASARIRWA nerisingasviki gore rimwe roushumiri hwake, Jesu akanga ane zvidzidzo zvinokosha nokuda kwevadzidzi vake. Unogona kuzvirava muna Mateo chitsauko 18. Chimwe chaiva kukosha kwokuva kwedu vanozvininipisa, sevana. Akazosimbisa kuti tinofanira kudzivisa kugumbura “mumwe wavaduku ava” uye kuti tinofanira kuedza kuwanazve “vaduku” vanotsauka kuti vasaparare. Ipapo Jesu akawedzera zano rinokosha, rinoshanda pakupedza zvinetso pakati pevaKristu.
2 Ungayeuka mashoko ake okuti: “Kana hama yako ikatadza, enda ubudise pachena mhaka yake iwe naiye muri moga. Kana ikakuteerera, wawana hama yako. Asi kana ikasateerera, enda nomumwe kana vamwe vaviri, kuti nhau yose isimbiswe nomuromo wezvapupu zviviri kana zvitatu. Kana ikasavateerera, taura kuungano. Kana ikasateerera kunyange ungano, ngaive kwauri somunhu wemamwe marudzi uye somuteresi.” (Mateo 18:15-17, NW) Tinofanira kushandisa zano iroro rini, uye ndeapi anofanira kuva mafungiro edu pakuita kudaro.
3. Tinofanira kuona sei zvikanganiso zvevamwe?
3 Nyaya yapfuura yasimbisa kuti sezvo tose tisina kukwana uye tichiwanzokanganisa, tinofanira kushandira kuti tikanganwire. Izvi zvakadaro zvikurukuru kana uchirwadziwa nezvakataurwa kana kuitwa nomumwe muKristu. (1 Petro 4:8) Kazhinji kacho zvakanyanyonaka kungopfuura mhosva yacho—kukanganwira ndokukanganwa. Tinogona kuona kuita izvi sechinhu chinobatsira kuti muungano yechiKristu muve norugare. (Pisarema 133:1; Zvirevo 19:11) Asi, pangava nenguva paunganzwa kuti unofanira kukurukura imwe nhau nehama kana kuti hanzvadzi yako yakakurwadzisa. Munhau yakadaro, mashoko aJesu ari pamusoro apa anopa nhungamiro.
4. Maererano nenheyo, tinogona sei kushandisa Mateo 18:15 kuzvikanganiso zvevamwe?
4 Jesu akapa zano rokuti “ubudise pachena mhaka yake iwe naiye muri moga.” Ikoko kuchenjera. Dzimwe shanduro dzechiGerman dzinotaura nenzira iyi, ratidza mhosva yake “pamberi pemaziso mana,” kureva kuti ako neake. Paunotaura chinetso nomutsa muri moga, zvinowanzova nyore kugadzirisa. Hama yakaita kana kuti kutaura chimwe chinhu chinotsamwisa kana kuti chisingaratidzi mutsa ingakurumidza kubvuma chikanganiso chacho kwauri uri wega. Kana vamwe vanhu vari kuteerera, unhu hwokuzvarwa nahwo husina kukwana hungamuita kuti ade kuramba kuti akakanganisa kana kuti kuedza kutaura kuti zvaakaita zvakarurama. Asi paunokurukura nhau yacho “pamberi pemaziso mana,” ungawana kuti kwakanga kuri kusanzwisisana kwete chivi kana kuti kukanganisa nemaune. Kana mose mangoona kuti kusanzwisisana, munogona kuzvigadzirisa, kwete kurega kanhu kaduku-duku kachikura ndokukuvadza ukama hwenyu. Saka, nheyo iri pana Mateo 18:15 inogona kushandiswa kunyange kumhosva duku muupenyu hwezuva nezuva.
Airevei?
5, 6. Maererano nemashoko akapoteredza, Mateo 18:15 yakanga ichitaura nezvekutadza kwerudzii, uye chii chinoratidza izvozvo?
5 Kutaura chaizvoizvo, zvakanyeverwa naJesu zvine chokuita nenhau dzakakura kupfuura idzi. Jesu akati: “Kana hama yako ikatadza.” Mupfungwa yakakura, ‘kutadza’ kunogona kuva chikanganiso chero chipi zvacho kana kuti kukundikana. (Jobho 2:10; Zvirevo 21:4; Jakobho 4:17) Zvisinei, mashoko akapoteredza anoratidza kuti kutadza kwaireva Jesu kunofanira kuva kwakanga kwakakura. Kwakanga kwakakura zvakakwana zvokuti kwaigona kuita kuti akakanganisa wacho aonekwe “somunhu wemamwe marudzi uye somuteresi.” Mashoko iwayo anorevei?
6 Vadzidzi vaJesu vainzwa mashoko iwayo vaiziva kuti vanhu vomunyika mavo vaisazoshamwaridzana neVamamwe Marudzi. (Johane 4:9; 18:28; Mabasa 10:28) Uye vaisada zvachose kuonana nevateresi, varume vaiva vorudzi rwechiJudha asi vakava vanhu vanoshandisa vamwe zvisina kufanira. Nokudaro kutaura zvakananga, zvinotaurwa pana Mateo 18:15-17 kutadza kwakakura, kwete tumhosva twunoitwa nomunhu kana kuti kurwadziwa zvaunogona kungokanganwira ndokukanganwa.—Mateo 18:21, 22.a
7, 8. (a) Kutadza kwerudzii kunofanira kubatwa nevakuru? (b) Kutadza kwerudzii kunogona kugadziriswa nevaKristu vaviri, maererano naMateo 18:15-17?
7 MuMutemo, zvimwe zvivi zvaida zvinopfuura kukanganwirwa nomunhu ainge atadzirwa. Kumhura Mwari, kuramba kutenda, kunamata zvidhori, uye zvivi zvepabonde zveufeve, upombwe, neungochani zvaifanira kundotaurwa kuvakuru (kana kuti vapristi) nokutongwa navo. Izvozvo ndezvechokwadiwo muungano yechiKristu. (Revhitiko 5:1; 20:10-13; Numeri 5:30; 35:12; Dheuteronomio 17:9; 19:16-19; Zvirevo 29:24) Zvisinei, cherechedza kuti rudzi rwekutadza rwakataurwa naJesu pano rwaigona kugadziriswa nevanhu vaviri. Semienzaniso: Munhu anochera hama yake zvichikonzerwa nehasha kana godo. MuKristu anobvuma kuita basa nezvinhu zvokushandisa zvakati uye kupedza pazuva rakati. Mumwe anobvuma kuti achadzorera mari panguva kana kuti pazuva rakataurwa. Mumwe munhu anotaura zvakasimba kuti kana waanoshandira akamudzidzisa, haazokwikwidzi (kunyange akazochinja mabasa) kana kuedza kutora makasitoma ewaanoshandira kwenguva yavakabvumirana kana kuti munharaunda yakatarwa.b Kana hama ikasaita zvayakataura uye ikasapfidza zvikanganiso zvakadaro, chaizvoizvo inova nhau huru. (Zvakazarurwa 21:8) Asi zvikanganiso zvakadaro zvinogona kugadziriswa nevaviri vanobatanidzwa.
8 Zvisinei, waizopfuurira sei kugadzirisa nhau yacho? Mashoko aJesu ave achiwanzoonekwa mumatanho matatu. Ngationgororei rimwe nerimwe. Pane kuti uaone sematanho asingachinjiki, emutemo, tsvaka kunzwisisa pfungwa yawo, usingatadzi kuona vavariro yako yorudo.
Edza Kuti Uwane Hama Yako
9. Tinofanira kuyeukei pamusoro pokushandisa Mateo 18:15?
9 Jesu akatanga achiti: “Kana hama yako ikatadza, enda ubudise pachena mhaka yake iwe naiye muri moga. Kana ikakuteerera, wawana hama yako.” Zvakajeka kuti iri harisi danho rakavakirwa pakungofungidzirawo zvakwo. Unofanira kuva nouchapupu kana kuti mashoko akajeka aunogona kushandisa kuti ubatsire hama yako kuona kuti yakakanganisa uye inofanira kururamisa zvinhu. Zvakanaka kuita chimwe chinhu nokukurumidza, kwete kurega nhau yacho ichikura kana kurega mafungiro acho achidzika midzi. Uye usakanganwa kuti kuramba uchinetseka pamusoro pazvo kunogona kukukuvadzawo. Sezvo kukurukurirana kwacho kuchifanira kuva pakati pako naye moga, rega kufanotaura nevamwe kuti unzwirwe tsitsi kana kuti kuzvinatsa. (Zvirevo 12:25; 17:9) Nei? Nemhaka yevavariro yako.
10. Chii chichatibatsira kuwana hama yedu?
10 Vavariro yako inofanira kuva yokuwana hama yako, kwete kuiranga, kuinyadzisa, kana kuti kuikuvadza. Kana akanganisa chaizvoizvo, ukama hwake naJehovha hwava pakashata. Chokwadi unoda kuti arambe ari hama yako yechiKristu. Kubudirira kungavapo kuchawedzerwa kana ukaramba wakadzikama, uchidzivisa mashoko ehasha kana inzwi rokupomera pamunenge muchikurukura muri moga. Pakukurukurirana kworudo uku, yeuka kuti mose muri vanhu vasina kukwana, vanoita zvivi. (VaRoma 3:23, 24) Zvaanoona kuti hauna kumuitira makuhwa uye oona kuti unonyatsoda kumubatsira, zvingabva zvatogadzirisika. Nzira iyi yokutaura nayo yomutsa, yakajeka ichanyanyoratidza uchenjeri kana zvikaitika kuti mose makati kanganisei kana kuti kusanzwisisana ndikwo kwakatanga nyaya yacho chaizvoizvo.—Zvirevo 25:9, 10; 26:20; Jakobho 3:5, 6.
11. Kunyange kana akatadza akasatiteerera, tingaitei?
11 Kana ukamubatsira kuona kuti pane chikanganiso chakaitwa uye kuti chikuru, anganzwa achida kupfidza. Zvisinei, chaizvoizvo rudado runogona kuva chimhingamupinyi. (Zvirevo 16:18; 17:19) Saka kunyange asingabvumi pakutanga kuti akakanganisa ndokupfidza, ungambomira usati watora danho rinotevera. Jesu haana kuti ‘enda kamwe chete ubudise mhaka yake pachena.’ Sezvo kuri kutadza kwaunogona kugadzirisa, funga nezvekutaura naye mupfungwa yaVaGaratia 6:1 uye “pamberi pemaziso mana.” Ungabudirira. (Enzanisa naJudhasi 22, 23.) Asi, zvakadini kana une chokwadi chokuti akatadza, uye kuti haasati achizobvuma?
Kubatsirwa Nevakura
12, 13. (a) Jesu akazivisa danhoi rechipiri pakubata nezvikanganiso? (b) Zvinhui zvakakodzera zvokungwarira pakushandisa danho iri?
12 Ungada kuti vamwe vakurumidze kurega kutaura newe kudai wakanga une mhosva yechikanganiso chikuru here? Nyangwe. Saizvozvowo, Jesu akaratidza kuti pashure pedanho rokutanga, haufaniri kurega kuedza kuwana hama yako, kuti umuite kuti arambe akabatana newe nevamwe mukunamata Mwari zvinogamuchirwa. Jesu akataura danho rechipiri: “Asi kana ikasateerera, enda nomumwe kana vamwe vaviri, kuti nhau yose isimbiswe nomuromo wezvapupu zviviri kana zvitatu.”
13 Akati tora “mumwe kana vamwe vaviri.” Haana kuti kana waita danho rokutanga, wasununguka hako kutaura nezvechinetso chacho nevamwe vakawanda, kutaura nomutariri anofambira, kana kuti kunyorera hama nezvechinetso chacho. Kunyange zvazvo ungave nechokwadi nezvechikanganiso chacho, chaizvoizvo hachina kubudiswa pachena zvakakwana. Haungadi kuparadzira mashoko akashata, angazoita kuti ugume wava kuchera. (Zvirevo 16:28; 18:8) Asi Jesu akati tiende nomumwe kana vaviri. Nei? Uye vangava vanaani?
14. Ndiani watingaenda naye padanho rechipiri?
14 Uri kuedza kuwana hama yako nokuitendisa kuti yakatadza uye nokuiita kuti ipfidze kuitira kuti ive norugare newe uye naMwari. Kuti uite izvozvo, zviri nani zvaizova zvokuti “mumwe kana vamwe vaviri” vacho vave vanhu vakaona chikanganiso chacho. Zvimwe vaivapo pachakaitika, kana kuti vane mashoko akarurama echakaitwa (kana chisina) munhau yebhizimisi. Kana zvapupu zvakadaro zvisipo, vaunounza vangava vane ruzivo munhau iri kutaurwa nezvayo uye nokudaro vachikwanisa kuziva kana zvakaitika zvakanga zvisina kururama zvechokwadi. Uyezve, kana zvichizodiwa gare gare, vanogona kuva zvapupu zvakanzwa zvakataurwa, vachisimbisa zvinhu zvakataurwa nezvakaedza kuitwa. (Numeri 35:30; Dheuteronomio 17:6) Saka havasi havo vanhu vasina wavari kutsigira, vanhu vokungobvunza zvakaitika; asi, kuva kwavo ipapo ndekwokuti vabatsire kuwana hama yako neyavo.
15. Nei varume vakuru vechiKristu vangava vanobatsira kana tichizotora danho rechipiri?
15 Haufaniri hako kufunga kuti avo vaunounza vanofanira kuva vanhu vari varume vakuru muungano. Zvisinei, varume vakakura mumudzimu vari varume vakuru vangakwanisa kubatsira noruzivo rwavo rwomudzimu. Varume vakuru vakadaro vakaita “soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakawoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.” (Isaya 32:1, 2) Vane ruzivo rwokukurukurirana nehama nehanzvadzi uye kudziruramisa. Uye anenge akakanganisa wacho ane chikonzero chakanaka chokuvimba ne“zvipo zviri varume” zvakadaro.c (VaEfeso 4:8, 11, 12, NW) Kutaura nhau yacho vakakura mumudzimu vakadaro varipo nokunyengetera navo zvinogona kutanga manzwire matsva ndokugadzirisa zvaiita sezvisingagadzirisiki.—Enzanisa naJakobho 5:14, 15.
Kuedza Kwokupedzisira Kuti Umuwane
16. Jesu akati danho rechitatu nderipi?
16 Kana danho rechipiri ratadza kugadzirisa nhau yacho, vatariri veungano vanotobatanidzwa mudanho rechitatu. “Kana ikasateerera [mumwe kana vamwe vaviri vacho], taura kuungano. Kana ikasateerera kunyange ungano, ngaive kwauri somunhu wemamwe marudzi uye somuteresi.” Izvi zvinorevei?
17, 18. (a) Muenzanisoi unotibatsira kunzwisisa zvinoreva ‘kutaura kuungano’? (b) Tinoshandisa sei danho iri nhasi?
17 Hatinzwisisi izvi senhungamiro yokuti titaure chivi chacho kana kuti chikanganiso pamusangano wenguva dzose kana kuti chaiwo weungano yose. Tinogona kuziva nzira yokuita nayo yakafanira kubva muShoko raMwari. Ona zvaifanira kuitwa muIsraeri yekare munhau yokupandukira, nhafu, nokudhakwa: “Kana munhu ane mwanakomana wakasindimara usinganzwi, usingadi kuteerera inzwi rababa vake kana inzwi ramai vake, usinganzwi kana vachimuranga; baba vake namai vake vanofanira kumubata ndokuenda naye kuvakuru veguta rake, nokusuo renzvimbo yake, vagoti kuvakuru veguta rake: Mwanakomana wedu uyu wakasindimara, unotimukira, haadi kuteerera inzwi redu; unopedza pfuma, nokunwa doro. Zvino varume vose veguta vanofanira kumutaka namabwe.” (Tisu tatsveyamisa mabhii.)—Dheuteronomio 21:18-21.
18 Kutadza kwomunhu wacho kwakanga kusingateererwi nokutongwa nerudzi rwose kunyange nevose vedzinza rake. Asi, “vakuru” vaizivikanwa ndivo vaibata nakwo sevamiririri veungano. (Enzanisa naDheuteronomio 19:16, 17 nezvenhau yakabatwa ne‘vapristi navatongi vaivapo mumazuva iwayo.’) Zvakangofananawo nhasi, kana danho rechitatu richifanira kutorwa, vakuru, vanomiririra ungano, vanobata nhau yacho. Vavariro yavo yakafanana, kuti vawane hama yechiKristu kana zvichiita. Vanoratidza izvi nokuva vanoruramisira, kwete kutonga nhau yacho vasina kumboigarira pasi kana kuti kuva vanosarura.
19. Vakuru vakasarudzwa kunzwa nhau yacho vachaedza kuitei?
19 Vachavavarira kuyera zvakaitika ndokunzwa zvapupu zvinodiwa kuti vazive kana kutadza kwakaitika zvechokwadi (kana kuti kuchiri kuitika). Vanoda kudzivirira ungano pakuora nokudzivisa mudzimu wenyika. (1 VaKorinte 2:12; 5:7) Maererano nekukwanisa kwavo zvinodiwa neMagwaro, vachaedza “kurayira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara.” (Tito 1:9) Tinovimba kuti akakanganisa wacho haazovi sevaIsraeri avo vakanyorwa nezvavo nomuprofita waJehovha kuti: “Ndakadana, hamuna kupindura; panguva yandakataura, hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pamberi pangu, mukasanangura zvandakanga ndisingafariri.”—Isaya 65:12.
20. Jesu akati chii chinofanira kuitika kana mutadzi akaramba kuteerera ndokupfidza?
20 Zvisinei, muzviitiko zvishomanana zvikuru mutadzi anoratidza mafungiro akafanana naiwayo. Kana akadaro, nhungamiro yaJesu yakajeka, yokuti: “Nga[a]ve kwauri somunhu wemamwe marudzi uye somuteresi.” Ishe haana kutaura kuti tive vane utsinye kana kuda kukuvadza chero kupi zvakwo. Zvisinei, nhungamiro yomuapostora Pauro yokubvisa vatadzi vasingapfidzi muungano yakajeka. (1 VaKorinte 5:11-13) Kunyange izvozvi zvingazoguma nokuwana mutadzi wacho pakupedzisira.
21. Mukana upi uchiripo kumunhu anenge abviswa muungano?
21 Tinogona kuona kuti izvozvo zvingaitika mumuenzaniso waJesu womwanakomana mupambadzi. Sezvakaenzanisirwa, apedza nguva achirarama asingasonganiri murudo rweimba yababa vake, mutadzi iyeye “akapengenuka.” (Ruka 15:11-18, NW) Pauro akaudza Timotio kuti vamwe vaikanganisa vaizopfidza pashure penguva yakati vo“pengenuk[a]zve, vabve pamusungo waDhiyabhorosi.” (2 Timotio 2:24-26) Tinotarisira chaizvo kuti vose vanotadza vasingapfidzi uye vofanira kubviswa muungano vachanzwa kurasikirwa kwavo—nokutendera kwaMwari uye nokusonganira kwoushamwari nevaKristu vakavimbika—uye vobva vapengenuka.
22. Tingawanazve sei hama yedu?
22 Jesu haana kuona vanhu vemarudzi uye vateresi sevasingagoni kudzikinurwa. Mumwe wevateresi, Mateo Revhi, akapfidza, ‘akatevera Jesu’ nomwoyo wose, uye akatosarudzwa somuapostora. (Marko 2:15; Ruka 15:1) Somugumisiro, kana mutadzi a“kasateerera kunyange ungano” uye akabviswa mairi, tinogona kumirira kuti tione kana, pashure penguva yakati, akapfidza ndokururamisa nzira dzetsoka dzake. Kana akadaro uye ovazve mutezo weungano, tichabva tafara kuva tawanazve hama yedu muboka rekunamata kwechokwadi.
[Mashoko Omuzasi]
a Cyclopedia yaMcClintock naStrong inoti: “Vashandi vekanzuru [vateresi] vomuTest[amende] Itsva vaionekwa sevatengesi uye vakaramba kutenda, vakasvibiswa nokusonganirana kwavo kwakanyanya nevahedheni, zvishandiso zvinoda kushandiswa nomudzvinyiriri. Vaiiswa muboka rimwe nevatadzi . . . Vasiyiwa vega kudaro, vanhu vakadzikama vaisazosonganirana navo, shamwari dzavo chete dzaiwanikwa pane avo, kufanana navo, vakanga vakaraswa.”
b Nhau dzebhizimisi kana dzemari dzine kunyengera, kubiridzira, uye chitsotsi mukati dzingapinda pakutadza kwairehwa naJesu. Kuratidza izvozvo, apedza kupa nhungamiro yakanyorwa pana Mateo 18:15-17, Jesu akapa muenzaniso wevaranda (vashandi) vaiva nechikwereti chemari ndokutadza kuchibhadhara.
c Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakataura kuti: “Dzimwe nguva zvinoitika kuti munhu akakanganisa achanyanya kunzwa vaviri kana vatatu (kunyanya kana vari vanhu vakakodzerwa nokuremekedzwa) pane zvaachaita mumwe, kunyanya kana ariye munhu waakambopesana naye.”
Unoyeuka Here?
◻ Mateo 18:15-17 inonyanya kushanda pakutadza kwerudzii?
◻ Chii chatinofanira kuyeuka kana tichifanira kutora danho rokutanga?
◻ Ndiani angatibatsira kana tichifanira kushandisa danho rechipiri?
◻ Ndivanaani vanobatanidzwa pakutora danho rechitatu, uye tingawanazve hama yedu sei?
[Mufananidzo uri papeji 18]
VaJudha vaisada kuonana nevateresi. Mateo akachinja nzira dzake ndokutevera Jesu
[Mufananidzo uri papeji 20]
Kazhinji tinogona kugadzirisa nhau “pamberi pemaziso mana”