-
Tevedzera Ngoni dzaMwari NhasiNharireyomurindi—1991 | April 15
-
-
2. Izanoi iro Jesu akapa pana Mateo 18:15-17 pamusoro pokutarisira chivi chakakomba?
2 Bhaibheri rinotipa nzwisiso mukufunga kwaMwari, kunyange panhau dzakadai sezvatinofanira kuita kana mumwe munhu akatitadzira. Jesu akaudza vaapostora vake, avo vaizova gare gare vatariri vechiKristu, kuti: “Kana hama yako yakutadzira, enda umuudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako.” Chakaipa chinobatanidzwa pano chakanga chisiri kutsoropodzawo zvako kwomunhu oga asi chivi chakakomba, chakadai sokunyengera kana kuti kuchera. Jesu akataura kuti kana nhano iyoyi isingapedzi nhau yacho uye kana zvapupu zvichiwanika, uyo akatadzirwa anofanira kuenda nazvo kuti abvumikise kuti pakanga pane chakaipa. Nhano iyoyi ndiyo kwokutendeukira kwokupedzisira here? Aiwa. “Kana [mutadzi] asingavanzwi, uudze ungano; kana asinganzwiwo ungano, ngaave kwauri so[munhu wamarudzi uye somuteresi, NW].”—Mateo 18:15-17.
3. Jesu airevei mukutaura kuti muiti wechakaipa asingapfidzi aifanira kuva “somunhu wamarudzi uye somuteresi” (NW)?
3 Zvavaiva vaJudha, vaapostora vaizonzwisisa chakwaireva kubata mutadzi “so[munhu wamarudzi uye somuteresi, NW].” VaJudha vaidzivisa songaniro navanhu vamarudzi, uye vaizvidza vaJudha vaishanda savateresi vechiRoma.a (Johane 4:9; Mabasa 10:28) Nokudaro, Jesu akanga achipa zano vadzidzi kuti kana ungano ikaramba mutadzi, ivo vakanga vachifanira kurega kusonganirana naye. Kunyanguvezvo, ikoko kunotsinhirana sei nokuva kwaJesu navateresi padzimwe nguva?
-
-
Tevedzera Ngoni dzaMwari NhasiNharireyomurindi—1991 | April 15
-
-
a “Vateresi vaizvidzwa zvikuru navaJudha veParestina nokuda kwezvikonzero zvinoverengeka: (1) vaiunganidza mari yesimba rokumwe raiva munyika yaIsraeri, nokudaro vachipa tsigiro nenzira isina kunanga kuurwu ruzvidzo; (2) vakanga vakaipa zvinonyadzisa, vachipfuma nokurasikirwa kwavamwe vavanhu vavo vamene; uye (3) basa ravo raivabatanidza muonano yenguva dzose naVamarudzi, kuchivaita vasina kuchena mumuitiro. Kuzvidzwa kwavateresi kunowanwa mose muri muviri muT[estamente] I[tsva] namabhuku avanarabhi . . . Mukuwirirana nezvapashure, ruvengo rwakanga ruchifanira kutambanudzirwa kunyange kumhuri yomuteresi.”—The International Standard Bible Encyclopedia.
-