-
Nzira Yokusimbisa Nayo Zvisungo ZverooranoNharireyomurindi—1993 | August 15
-
-
VaFarise vakaita nharo kuti Mosesi akaita gadziriro dzechatanuro kupfurikidza nokuraira kupiwa kwo“rugwaro rwokumuramba.” Jesu akavapindura, achiti: “Nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro. Ndinoti kwamuri: Ani naani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, unoita upombwe.”—Mateo 19:3-9.
-
-
Nzira Yokusimbisa Nayo Zvisungo ZverooranoNharireyomurindi—1993 | August 15
-
-
Gadziriro yoMutemo waMosesi
Pakasvika nguva Mutemo waMosesi wakapiwa, ukama hweroorano hwakanga hwashata kusvikira kupfundo apo Jehovha, nokuda kwokurangarira kuoma kwomwoyo wavaIsraeri, akaita gadziriro yechatanuro. (Dheuteronomio 24:1) Rakanga risiri donzo raMwari kuti vaIsraeri vashandise zvisakafanira uyu mutemo kuti vachatanure vadzimai vavo nemhaka yezvikanganiso zviduku, sezviri pachena kubva mumurairo wake wokuti vaifanira kuda munhu biyavo saivo vamene. (Revhitiko 19:18) Kunyange kupiwa kworugwaro rwechatanuro kwakabatira sechidziviso nemhaka yokuti, sorutivi rwomuitiro wokunyora rugwaro, murume aida chatanuro aifanira kubvunza varume vakapiwa chiremera nenzira yakafanira, avo vaizofanira kuva vakavavarira kuita yananiso. Aiwa, Mwari haana kupa uyu mutemo kusimbisa maruramiro api naapi okuchatanura mudzimai wako “nemhaka ipi neipi.”—Mateo 19:3.
Zvisinei, vaIsraeri pakupedzisira vakafuratira revo chaiyoiyo yomutemo ndokushandisa zvisakafanira ichi chitsama chamashoko kuti vachatanure pahwaro hupi kana hupi hwaikodzera mirangariro yavo isina mufungo. Pakasvika zana ramakore rechishanu P.N.V., ivo vakanga vachibata nenzira yokunyengera navadzimai voupwere hwavo, vachivachatanura pamarudzi ose ezvikonzero. Jehovha akavaudza zvakasimba kuti aivenga kuchatanura. (Maraki 2:14-16) Jesu akashurikidza chatanuro seiyo vaIsraeri vakanga vachishandisa muzuva rake pauyu mugariro.
-