-
Chatanuro—Chii Chinotaura Bhaibheri Chaizvoizvo?Nharireyomurindi—1988 | May 15
-
-
Kutaura kwaJesu kwanokorwa mashoko pamusoro apa kwakanga kuri rutivi rwemhinduro yake kumubvunzo wavaFarise: “Ko munhu unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?” (Mateo 19:3-6) Vasingagutswi nemhinduro yacho, vaFarise vakamubvunzazve kupfurikidza nokubvunza, kuti: “Mosesi wakagoraireiko kuti murume amupe rugwaro rwokuramba, agomurasha?” Ipapo, Jesu akati: “Nokuda kwohukukutu hwemwoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro.” Ipapo iye akawedzera, kuti: “Ndinoti kwamuri: Aninaani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, unoita upombwe.”—Mateo 19:7-9.
-
-
Chatanuro—Chii Chinotaura Bhaibheri Chaizvoizvo?Nharireyomurindi—1988 | May 15
-
-
Apo rudzi rwomunhu rwakawira muchivi nokusakwana, ndozvakaitawo gadziriro yeroorano. (VaRoma 5:12) Sezvo vanhu vakanga vachisina kukwana, ukama hwavanhu hwakaneteswa ndokushatiswa noudyire, makaro, uye kuzvifarira. Ikoko ndiko uko Jesu akanongedzera kwakuri so“hukukutu hwomwoyo,” nemhaka yahwo Mutemo waMosesi wakabvumira chatanuro. Bva, Jesu akayeuchidza vaFarise, kuti: “Kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro.” Zvino, mumigariro isina kukwana, vakwanyina vanofanira kushandisa nhamburiko inodikanwa kupedza zvitambudzo zvipi nezvipi nezvinetso panzvimbo pokuzvishandisa sezvikonzero kana kuti pembedzo dzokupunza roorano yavo. Zvisinei, Jesu akaonesa kuti pane chinosiiwa chimwe, ndiko kuti, ufeve. Kusatendeseka muroorano kunogona kuva chikonzero chokupunza roorano.
-
-
Chatanuro—Chii Chinotaura Bhaibheri Chaizvoizvo?Nharireyomurindi—1988 | May 15
-
-
Kubva muzviri pamusoro apa, kuri pachena kuti Bhaibheri haritauri kuti roorano dzose dzinofanira kuramba dziri dzechigarire uye hapana chatanuro inobvumidzwa nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho. Pane rumwe rutivi, Bhaibheri rinogovera hwaro humwe bedzi hunogamuchirika hwechatanuro, ndiko kuti, “chikonzero choufeve.”
“Roorano Ngaive Inokudzwa”
Kupfurikidza nokubvumira chikonzero chechatanuro, ko Bhaibheri rinoikurudzira here? Ko uku kubvumira kunorerutsa roorano kana kuti kuitorera chiremera chayo here? Kana kuti kupfurikidza nokubvumira chikonzero chimwe bedzi chechatanuro, ko Bhaibheri riri kuisa mutoro usina mufungo paavo vanoroorana here?
Mukupesana zvikuru, Bhaibheri rinotaura nezveroorano sechimwe chezvisungo zvapedyosa izvo vanhu vaviri vanogona kufarikanya. “Munhu unofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe,” inodaro nhauro yaGenesi yeroorano yokutanga. (Genesi 2:24) Uye vakwanyina vanofanira kuchengeta ukama ihwohwu hwe“nyama imwe” sechimwe chinhu chinokosha. “Roorano ngaive inokudzwa pakati pavose, uye huvato hweroorano huve husina svibiso,” rinopa zano Bhaibheri.—VaHebheru 13:4, NW.
Kunowanzonzi, mumutoo wakati, hwaro hweroorano inogarisa neinofadza harusi rudo rwenyengano asi kusava noudyire. Izvozvo ndizvo izvo chaizvo Bhaibheri rinoratidzira. Iro rinoti: “Varume vanofanira kuda vadzimai vavo semiviri yavo vamene. Iye unoda mudzimai wake unozvida amene, nokuti hakuno murume akambovenga nyama yake amene; asi iye anoidyisa nokuichengeta, sezvinoitawo Kristu ungano. . . . Namamwe mashoko, mudzimai anofanira kuva noruremekedzo rukuru nokuda kwomurume wake.” (VaEfeso 5:28-33, NW) Uye mumutauro wakajeka, Bhaibheri rinopa zano, richiti: “Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi ngaadarowo kumurume. Mukadzi haane simba pamusoro pomuviri wake, asi murume; saizvozvowo murume haane simba pamusoro pomuviri wake, asi mukadzi. Musanyimana.”—1 VaKorinte 7:3-5.
Apo vakwanyina vose vari vaviri vanenge vachidisa kugara mukuwirirana nezano rakadaro rokuchenjera, kunova kusingabviri zvikuru kuti roorano yavo ichashata kusvikira papfundo apo mumwe wavo angatendeukira kuvatano iri kunze kweroorano, nokudaro, chaizvoizvo, achiparadza ukama hwe“nyama imwe.” Kunyange kana mumwe wavakwanyina asingagamuchiri nheyo dzakadaro dzeBhaibheri, mukwanyina anotenda anogona kuva nechivimbo chokuti nzira yaMwari ichiri yakanakisisa, uye zvinetso zvakawanda zveroorano zvinogona nokudaro kupedzwa kana kuti kudziviswa.
-