Upenyu Hwaachaita Kuti Huvepo
“TARIRAI! Mambo achatonga kuti pave nokururama.” Zvipikirwa zvinokurudzira zvakaita seichi zvokutonga kwoUmambo hwaJesu zvakakurumbira muBhaibheri. Chimwe chipikirwa chakadai chinoti: “Iye achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri. Achanzwira tsitsi munhu akaderera nomurombo, uye achaponesa mweya yevarombo. . . . Ropa ravo richava rinokosha mumaziso ake.”—Isaya 32:1; Pisarema 72:12-14.
Pane here angaramba kuti vanhu munyika yose vanoda utongi hwakarurama? Jesu akakurudzira vateveri vake kuti varambe vachifunga nezvoUmambo hwaMwari. Akavadzidzisa kunyengetera vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”—Mateu 6:9, 10.
Uchapupu Hwokuti Umambo hwaMwari Hwava Pedyo
Tingaziva sei pachauya Umambo ihwohwo zvichipindura munyengetero iwoyo? Vateveri vokutanga vaJesu vaida kuziva saka vakabvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu [samambo anotonga] nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” Jesu akapindura kuti: “Rudzi ruchamukira rudzi . . . , uye kuchava nokushomeka kwezvokudya nokudengenyeka kwenyika munzvimbo nenzvimbo. Zvinhu zvose izvi zvichava kutanga kwemarwadzo enhamo.” Akavanyeverawo kuti: “Rudo rwevazhinji ruchatonhora nokuda kwokuwedzera kwokusateerera mutemo.”—Mateu 24:3-12.
Humwe uprofita hweBhaibheri hunoti “mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo.”—2 Timoti 3:1-5.
Ungabvumirana nazvo kuti uku kutsanangurwa “kwemazuva okupedzisira” kunoenderana chaizvo nenguva yatiri kurarama. Uchapupu hwakawanda hwokuti zvino inguva yokuzadzika kwouprofita hunotevera hweBhaibheri hunoti: “Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”—Dhanieri 2:44.
Utongi hwoUmambo hunotongwa no“Muchinda woRugare” huchabvisa chose chingavhiringidza rugare rweavo vachapukunyuka mugumo wenyika ino. (Isaya 9:6) Uprofita hweBhaibheri hunopikira kuti: “Nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johani 2:17) Kuguma kwenyika ino kuchapa mukana vanoita kuda kwaMwari kuti vanakidzwe nezvakaraswa nevabereki vedu vokutanga Adhamu naEvha, pavakapandukira Mwari.
Upenyu Hwava Pedyo
“Pakusikwazve,” Jesu akatsanangura kudaro, ‘Mwanakomana womunhu anogara pachigaro chake choumambo chinobwinya.’ (Mateu 19:28) Chii chinombonzi “kusikwazve”? Imwe shanduro inoshandisa mashoko okuti “pakuberekwa kutsva.” (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Rimwe bhuku reBhaibheri rinotaura nezvenyaya iyoyi rinoiti “mamiriro ezvinhu epanguva inouya.” (Ruka 18:30) Panguva iyoyo Jesu acharatidza simba rake raakapiwa naMwari soMuchinda woRugare nokupa upenyu husingaperi kuvose vanoratidza kutenda muchibayiro chake chorudzikinuro.—Johani 5:21.
Munyika itsva yaMwari, vanhu vachanakidzwa noupenyu hwakaita sohuya hwakapiwa Adhamu naEvha paakavaisa muParadhiso yepasi. Chokwadi, yeuka kuti Mwari akavarayira kuti vave nevana, ‘vazadze nyika, uye vaikurire.’ Basa ravo raiva rokuita kuti Paradhiso yomuEdheni ikure zvokuzara pasi rose! (Genesisi 1:28) Saizvozvowo, pakusikwazve pasi richazara nevapukunyuki vomugumo wenyika ino, vana vavo, uye vaya vakafa asi vanenge vadzorerwa kuupenyu pakumutswa. Basa ravo richava rokubatsirana kuti pasi rive paradhiso, sezvaida Mwari pakutanga.
Funga nezvezvikomborero zvinoratidzwa neBhaibheri zvichanakidza vanhu munyika itsva iyoyo yakarurama.—2 Petro 3:13.
Kunyange zvazvo zvipikirwa zvinoratidzwa pamapeji aya zvingave zvakaoma kubvuma, zvichazadzika “munyika itsva iri kuuya.” Achinyengetera kuna Mwari, Jesu akatsanangura zvinodiwa kuti vanhu vave nezvikomborero izvi, achiti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Iva mumwe weavo vanotsvaka nokuzvininipisa zivo iyi inopa upenyu.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]
“Achanzi . . . Muchinda woRugare. Kukura kwokutonga kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi.”—Isaya 9:6, 7
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
Misha uye Basa Ravose
“Vachavaka dzimba vogaramo . . . Havazodyari mumwe odya.”—Isaya 65:21, 22.
Zvokudya Zvakawanda Zvevanhu Vose
“Nyika ichabereka zvibereko zvayo.” “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo.”—Pisarema 67:6; 72:16.
Rugare Rwomunyika Yose Ruchavawo Kumhuka
“Mhumhi ichagara negwayana gono kwenguva duku, ingwe icharara pasi nembudzana, . . . uye mukomanawo zvake muduku achazvitungamirira.”—Isaya 11:6.
Kubviswa Kwehondo, Rugare Zvachose
“Rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, havazodzidzizve kurwa.” “Kukura kwokutonga kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi.”—Isaya 2:4; 9:7.
Vatinoda Vakafa Vachamutswa
“Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake [Jesu], vobuda.”—Johani 5:28, 29.
Hapasisina Kurwara Kana Rufu
“Hakuna mugari wemo achati: “Ndiri kurwara.’” “Rufu haruchazovipo . . . Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:3, 4.