-
Mufananidzo Wevashandi Vomumunda WemizambiringaJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
“Umambo hwokumatenga hwakafanana nomurume, muridzi wemba, akafumira kunotsvaka vanhu vemaricho kuti vashande mumunda wake wemizambiringa. Paakanga abvumirana nevashandi nokuda kwedhinari pazuva, akavatumira mumunda wake wemizambiringa. Achibudazve inenge awa yechitatu, akaona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita; uye kune ivavo akati, ‘Nemiwo, pindai mumunda wemizambiringa, uye ndichakupai chose chinenge chakakodzera.’ Naizvozvo vakaenda. Akabudazve painenge awa yechitanhatu neyechipfumbamwe akaita saizvozvo. Pakupedzisira, inenge awa yechigumi neimwe chete akabuda akawana vamwe vamire, akati kwavari, ‘Nei maswera makamira pano pasina chamuri kuita?’ Ivo vakati kwaari, ‘Nokuti hapana munhu atitora.’ Iye akati kwavari, ‘Nemiwo pindai mumunda wemizambiringa.’”—Mateu 20:1-7.
-
-
Mufananidzo Wevashandi Vomumunda WemizambiringaJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Vapristi nevamwe vari muboka iri vanoona vaJudha vakaderera sevasingashumiri Mwari zvakakwana, kungofanana nevashandi vanouya kubasa vamwe vatotanga. Mumufananidzo waJesu, ava ndivo varume vanopinzwa basa “inenge awa yechitatu” (9:00 dzemangwanani) kana kuti vanopinzwa zuva raenda sepaawa yechitanhatu, yechipfumbamwe, uye yechigumi neimwe (5:00 dzezuva rovira).
Varume nevakadzi vari kutevera Jesu vanoonekwa ‘sevanhu vakatukwa.’ (Johani 7:49) Kweupenyu hwavo hwose vanga vachiita basa rokubata hove nemamwewo mabasa akaderera. Asi gore ra29 C.E. rava kunopera, “tenzi womunda wemizambiringa” akatuma Jesu kuti anodana vanhu ivava kuti vashandire Mwari sevadzidzi vaKristu. Ndivo “vokupedzisira” vanonzi naJesu vanotanga basa paawa yechigumi neimwe.
-