Chitsauko 9
Kuvimba naJehovha Pasinei Nenhamo
1. Nei vaKristu nhasi vachabetserwa nokuongorora zvitsauko 7 ne8 zvaIsaya?
ZVITSAUKO zvaIsaya 7 ne8 chidzidzo chine maitiro maviri akapesana. Isaya naAhazi vose vari vaviri vaiva vorudzi rwakanga rwakatsaurirwa kuna Jehovha; vose vakanga vapiwa basa naMwari, mumwe somuprofita, mumwe samambo wenyika yeJudha; uye vose vakanga vachityisidzirwa nechinhu chimwe—kupindirwa kwenyika yeJudha nemauto evavengi ane simba. Zvisinei, Isaya akatarisana nekutyisidzira kwacho achivimba naJehovha, asi Ahazi akatya. Nei vakaita nenzira dzakasiyana? Sezvo vaKristu nhasi nenzira yakafanana vakapoteredzwa nemauto evavengi, vanoita zvakanaka kuongorora zvitsauko zviviri izvi zvaIsaya kuti vaone zvidzidzo zvirimo.
Kutarisana Nechisarudzo
2, 3. Ipfupiso yei iyo Isaya anopa mumashoko ake okuzarura?
2 Kungofanana nemunyori wemifananidzo anoratidza pachagumira mufananidzo waari kutanga nokutsvara nebhurasho mativi ose, Isaya anotanga nhoroondo yake nemashoko mashomanene makuru anoratidza panotangira nepanogumira zviitiko zvaave kuda kurondedzera achiti: “Zvino pamazuva aAhazi, mwanakomana waJotami, mwanakomana waUziya, mambo waJudha, Rezini mambo weSiria, naPeka, mwanakomana waRemaria, mambo waIsraeri, vakaenda kundorwa neJerusarema, asi vakakoniwa kurikunda.”—Isaya 7:1.
3 Muzana remakore rechisere B.C.E. Ahazi atsiva baba vake, Jotami, samambo wenyika yeJudha. Rezini, mambo weSiria naPeka, mambo weumambo hwaIsraeri hwokumusoro, vanopinda nesimba munyika yeJudha, uye mauto avo anosakadza. Pakupedzisira, vachakomberedza Jerusarema pacharo. Zvisinei, kukomba kwacho kuchakundikana. (2 Madzimambo 16:5, 6; 2 Makoronike 28:5-8) Nei? Izvozvo tichazozvidzidza.
4. Nei mwoyo waAhazi neyevanhu vake yakazara nokutya?
4 Pakutanga muhondo yacho, “vakaudza imba yaDhavhidhi, vachiti: VaSiria vava pakati pavaEfraimi. Mwoyo wake nemwoyo yavanhu vake ikazununguswa sokuzununguswa kwemiti mudondo nemhepo.” (Isaya 7:2) Hungu, zvinotyisa Ahazi nevanhu vake kuziva kuti vaSiria nevaIsraeri vabatana uye kuti mauto avo panguva ino chaiyo akadzika misasa panyika yaEfraimi (Israeri). Vanongova chinhambwe chinofambwa mazuva maviri kana matatu kubva paJerusarema!
5. Vanhu vaMwari nhasi vakafanana naIsaya munzirai?
5 Jehovha anoudza Isaya kuti: “Enda zvino undosongana naAhazi, iwe naSheari-jashubhi, mwanakomana wako, panoguma rukoronga rwedziva rokumusoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki wenguo.” (Isaya 7:3) Pafunge! Panguva apo mambo anofanira kunge achitsvaka muprofita waJehovha achikumbira kutungamirirwa, muprofita ndiye anofanira kutotsvaka mambo! Kunyange zvakadaro, Isaya anoteerera Jehovha nemwoyo wose. Nenzira yakafanana, vanhu vaMwari nhasi nokuzvidira vanoenda kunotsvaka vanhu vanotya nemhaka yezvinonetsa zvenyika. (Mateu 24:6, 14) Zvinogutsa sei kuti gore rimwe nerimwe mazana ezviuru anoita chimwe chinhu paanoshanyirwa nevaparidzi ava vemashoko akanaka uye vanobata ruoko rwaJehovha runodzivirira!
6. (a) Mashokoi anokurudzira ayo muprofita anopira kuna Mambo Ahazi? (b) Mamiriroi ezvinhu aripo nhasi?
6 Isaya anowana Ahazi ari kunze kwemasvingo eJerusarema, uko mambo ari kuongorora mvura inoshandiswa muguta achigadzirira kukomba kwaari kutarisira. Isaya anomupa shoko raJehovha achiti: “Chenjera, unyarare hako; usatya, nomwoyo wako urege kupera nokuda kwamatsiga awa maviri anopfungaira, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaRezini nokwavaSiria, nokwomwanakomana waRemaria.” (Isaya 7:4) Varwi pavakamborwisa nyika yeJudha, hasha dzavo dzaipisa semarimi emoto. Asi iye zvino vangova ‘matsiga maviri anopfungaira.’ Ahazi haafaniri kutya Mambo weSiria Rezini kana kuti Mambo weIsraeri Peka mwanakomana waRemaria. Zvakangofananawo nhasi. Kwemazana emakore, vatungamiriri vechiKristudhomu vakatambudza vaKristu vechokwadi kuita sevari mumoto. Zvisinei, iye zvino chiKristudhomu chaita sechitsiga choda kutopera kutsva. Mazuva acho ava mashoma.
7. Nei zita raIsaya neremwanakomana wake zvichipa chikonzero chetariro?
7 Muzuva raAhazi, harisi shoko raIsaya chete raipa vaivimba naJehovha tariro asiwo zvinoreva zita rake neremwanakomana wake. Chokwadi, nyika yeJudha iri mungozi, asi zita rokuti Isaya, rinoreva kuti “Ruponeso rwaJehovha,” rinoratidza kuti Jehovha ndiye achava mununuri. Jehovha anoudza Isaya kuti aende nemwanakomana wake Sheari-jashubhi, ane zita rinoreva kuti “Vashomanene Vachasara Vachadzoka.” Kunyange apo umambo hwenyika yeJudha pakupedzisira hunokundwa, Mwari netsitsi achadzosa vachasara kunyika yacho.
Haisi Hondowo Zvayo Yepakati Pemarudzi
8. Nei kurwiswa kweJerusarema kusiri hondo yemarudziwo zvayo?
8 Jehovha achishandisa Isaya, anoratidza mazano evavengi venyika yeJudha. Hezvino zvavari kuronga: “Hendei tindorwa navaJudha, tivatyise, tivakunde, tigadze mambo pakati pavo, iye mwanakomana waTabheeri.” (Isaya 7:5, 6) Mubatanidzwa wevaIsraeri nevaSiria unoronga kukunda nyika yeJudha wotsiva Ahazi, mwanakomana waDhavhidhi, nomunhu wavo. Sezviri pachena, kurwiswa kweJerusarema zvino hakuchisiri hondowo zvayo yepakati pemarudzi. Yazova hondo pakati paSatani naJehovha. Nei? Nemhaka yokuti Jehovha Mwari akaita sungano naMambo Dhavhidhi, nokudaro achimuvimbisa kuti vanakomana vake vaizotonga vanhu vaJehovha. (2 Samueri 7:11, 16) Kwaizova kukunda kwakadini kwaSatani kudai aizokwanisa kugadza imwe imba youmambo pachigaro choumambo muJerusarema! Angatovhiringidza kunyange chinangwa chaJehovha nokuda kwedzinza raDhavhidhi chokubudisa mugari wenhaka achagara nokusingaperi, “Muchinda Worugare.”—Isaya 9:6, 7.
Kuvimbisa kwaJehovha Kworudo
9. Ivimbisoi inofanira kupa Ahazi ushingi pamwe nevaKristu nhasi?
9 Zano reSiria neIsraeri richabudirira here? Aiwa. Jehovha anozivisa kuti: “Izvozvi hazvingamiri, uye hazvingaitiki.” (Isaya 7:7) Jehovha achishandisa Isaya, anotaura kuti kukomba Jerusarema hakungokundikani bedzi asi “makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfraimi vachaputswa-putswa, kuti varege kuva rudzi.” (Isaya 7:8) Hungu, mumakore 65 vaIsraeri vachave vasisipo serudzi.a Vimbiso iyi, nenguva yayo yakanyatsorongwa, zvinofanira kupa Ahazi ushingi. Nenzira yakafanana, vanhu vaMwari nhasi vanosimbiswa nokuziva kuti nguva yasara yenyika yaSatani yava kupera.
10. (a) VaKristu vechokwadi nhasi vanogona sei kutevedzera Jehovha? (b) Chii icho Jehovha anoti anogona kuitira Ahazi?
10 Pamwe chiso chaAhazi chiri kuratidza kusatenda, sezvo Jehovha, achishandisa Isaya, achiti: “Kana musingadi kutenda, zvirokwazvo hamungasimbiswi.” Jehovha, nokushivirira kwake, “wakataurazve naAhazi.” (Isaya 7:9, 10) Muenzaniso wakanaka sei! Nhasi, kunyange zvazvo vazhinji vasingakurumidzi kuita chimwe chinhu neshoko roUmambo, tinofanira kutevedzera Jehovha noku“taurazve” sezvatinoshanya tashanyazve. Jehovha anotevera kuudza Ahazi kuti: “Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako; uchikumbire kunyange pasi pakadzika, kana kumusoro kwakakwirira.” (Isaya 7:11) Ahazi angakumbira chiratidzo, uye Jehovha achachiita sevimbiso yokuti achadzivirira imba yaDhavhidhi.
11. Ivimbisoi iri mukutaura kwaJehovha kwokuti “Mwari wako”?
11 Ona kuti Jehovha anoti: ‘kumbira chiratidzo kuna Mwari wako.’ Jehovha zvechokwadi ane mutsa. Ahazi akatotaurwa kare kuti anonamata vamwari venhema nokutevera tsika dzechihedheni dzinosemesa. (2 Madzimambo 16:3, 4) Pasinei naizvozvo uye pasinei nokutya kwaAhazi, Jehovha achiri kuzviti Mwari waAhazi. Izvi zvinotipa chivimbo chokuti Jehovha haakurumidzi kurasha vanhu. Anoda chaizvo kunanavira vanotadza kana kuti vane kutenda kunenge kwaderera. Ko kuvimbiswa kworudo rwaMwari uku kuchaita kuti Ahazi abatire paruoko rwaJehovha here?
Kubva Pakusava Nechokwadi Kwava Kusateerera
12. (a) Murangariroi wokuzvikudza uyo Ahazi anova nawo? (b) Panzvimbo pokuenda kuna Jehovha, Ahazi anoenda kunobetserwa naani?
12 Ahazi anopindura nehasha achiti: “Handingakumbiri, uye handingaidzi Jehovha.” (Isaya 7:12) Pano apa Ahazi haasi kuteerera mashoko omutemo anoti: “Musaidza Jehovha Mwari wenyu.” (Dheuteronomio 6:16) Mazana emakore gare gare, Jesu anodzokorora mashoko omutemo mumwe chete iwoyo Satani paanomuedza. (Mateu 4:7) Pane zvaAhazi zvisinei, Jehovha ari kumukumbira kuti adzoke kukunamata kwechokwadi uye ari kuti anogona kusimbisa kutenda kwake nokuita chiratidzo. Zvisinei, Ahazi anoda hake kutsvaka kumwe kwaangadzivirirwa. Zvingangodaro kuti ndipo panguva ino apo mambo anotumira dzamatsama remari kuAsiria, achitsvaka kubetserwa pakurwa nevavengi vake vokumusoro. (2 Madzimambo 16:7, 8) Zvichingunodai, uto reSiria neIsraeri rinokomberedza Jerusarema uye kukomba kwaitwa.
13. Kuchinjai kwatinoona Isa 7 mundima 13, zvichiratidzei?
13 Achifunga nezvokushayiwa kutenda kwamambo wacho, Isaya anoti: “Chinzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi: Chinhu chiduku kwamuri kuti munetse vanhu, zvino moda kunetsa Mwari wanguwo here?” (Isaya 7:13) Hungu, Jehovha anogona kuneta nokuramba achizvidzwa. Onawo kuti muprofita zvino anoti “Mwari wangu,” kwete “Mwari wenyu.” Kuchinja kune zvakunoreva! Ahazi paanoramba Jehovha achienda kuAsiria, anorasikirwa nomukana wakanaka kwazvo wokuti agadzirisane naMwari. Ngatiregei kumbofa takatengesa ukama hwedu naMwari nokubvumirana nezvisina kufanira pane zvatinotenda zvomuMagwaro kuti timbotibetserwei kwenguva pfupi.
Chiratidzo chaImanueri
14. Jehovha anoratidza sei kutendeka kwake kusungano yake naDhavhidhi?
14 Jehovha anoramba akatendeka kusungano yake naDhavhidhi. Chiratidzo chakanzi chinogona kuitwa, chiratidzo chichapiwa! Isaya anoenderera mberi achiti: “Naizvozvo Ishe amene achakupai chiratidzo: Tarirai, mhandara ichava nemimba, ichabereka mwanakomana, ndokumutumidza Imanueri. Uchadya ruomba nouchi, panguva yaanoziva kuramba zvakaipa, nokusanangura zvakanaka. Nokuti mwana asati aziva kuramba zvakaipa nokusanangura zvakanaka, nyika iyo yaunotya madzimambo ayo maviri, ichashanduka dongo.”—Isaya 7:14-16.
15. Uprofita pamusoro paImanueri hunopindura mibvunzo ipi miviri?
15 Heano mashoko akanaka kumunhu wose anotyira kuti varwisi ava vachagumisa dzinza remadzimambo raDhavhidhi. “Imanueri” zvinoreva kuti “Mwari Anesu.” Mwari ane nyika yeJudha uye haazobvumiri sungano yake naDhavhidhi kuparadzwa. Pamusoro pazvo, Ahazi nevanhu vake havangoudzwi zvichaitwa naJehovha bedzi asiwo kuti achazviita riini. Mukomana anonzi Imanueri asati akura zvokuti asiyanise zvakanaka nezvakaipa, marudzi evavengi vacho achaparadzwa. Uye izvi zvinoitika zvechokwadi!
16. Nei Jehovha angave asina kubudisa pachena kuti Imanueri ndiani muzuva raAhazi?
16 Bhaibheri haritauri kuti Imanueri mwana waani. Asi sezvo Imanueri muduku achifanira kushanda sechiratidzo uye Isaya gare gare achizoti iye nevana vake “zviratidzo,” Imanueri angava mwanakomana womuprofita uyu. (Isaya 8:18) Pamwe Jehovha haabudisi pachena kuti Imanueri ndiani muzuva raAhazi kuitira kuti asazovhiringidza zvizvarwa zvinouya pana Imanueri Mukuru. Ndiani Iyeye?
17. (a) Imanueri Mukuru ndiani, uye kuberekwa kwake kwaimirirei? (b) Nei vanhu vaMwari vachigona kudanidzira nhasi kuti, “Mwari Anesu”?
17 Kunze kwemubhuku raIsaya, zita rokuti Imanueri rinooneka kamwe bedzi muBhaibheri, pana Mateu 1:23. Jehovha akafuridzira Mateu kuti ashandise uprofita hwokuberekwa kwaImanueri pakuberekwa kwaJesu, mugari Wenhaka ane kodzero wechigaro choumambo chaDhavhidhi. (Mateu 1:18-23) Kuberekwa kwaImanueri wokutanga kwakanga kuri chiratidzo chokuti Mwari akanga asina kusiya imba yaDhavhidhi. Saizvozvowo, kuberekwa kwaJesu, Imanueri Mukuru, kwakanga kuri chiratidzo chokuti Mwari akanga asina kusiya vanhu kana kuti sungano yake yoUmambo neimba yaDhavhidhi. (Ruka 1:31-33) Mumiriri mukuru waJehovha zvino ari pakati pevanhu, Mateu aigona kutaura zvechokwadi kuti, ‘Mwari Anesu.’ Nhasi, Jesu anotonga saMambo wokudenga uye ane ungano yake pasi pano. (Mateu 28:20) Chokwadi, vanhu vaMwari vane chimwe chikonzero chokuwedzera chokudanidzira nesimba kuti: “Mwari Anesu!”
Mimwe Migumisiro Yokusatendeka
18. (a) Nei mashoko aIsaya anotevera achityisa vateereri vake? (b) Kuchinja kupi kwezvinhu kuchaitika nokukurumidza?
18 Zvisinei mashoko ake okupedzisira anonyaradza, mashoko anotevera aIsaya anotyisa vakamuteerera: “Jehovha uchauyisa pamusoro pako, napamusoro pavanhu vako, napamusoro peimba yababa vako, mazuva asina kumbovapo, kubvira pazuva rakaparadzana vaEfraimi navaJudha—ndiye mambo weAsiria.” (Isaya 7:17) Hungu, dambudziko riri kuuya, uye mukutungamirira kwamambo weAsiria. Kufungidzira nezvokutongwa nevaAsiria vane mukurumbira woutsinye pamwe ndiko kuri kuitisa kuti Ahazi nevanhu vake vatadze kurara usiku huzhinji. Ahazi afunga kuti kuita ushamwari nevaAsiria kuchamununura paIsraeri neSiria. Zvechokwadi, mambo weAsiria achapindura kuchema-chema kwaAhazi nokuzorwisa Israeri neSiria pakupedzisira. (2 Madzimambo 16:9) Pamwe ichi ndicho chikonzero nei Peka naRezini vachamanikidzwa kusiya kukomba kwavo Jerusarema. Saka, mubatanidzwa weSiria neIsraeri unenge wakoniwa kutora Jerusarema. (Isaya 7:1) Zvisinei, iye zvino, Isaya anoudza vateereri vake varohwa nehana kuti Asiria, yavanotarisira kuvadzivirira, ichava mudzvinyiriri wavo!—Enzanisa naZvirevo 29:25.
19. Inyevero yechii iyo nhau yekare iyi inayo nokuda kwevaKristu nhasi?
19 KuvaKristu nhasi, iyi nyaya yechokwadi yakaitika inyevero. Kana tamanikidzwa tingaedzwa kuti tibvumiranise nezvisina kufanira nheyo dzechiKristu, nokudaro tichiramba dziviriro yaJehovha. Uku kuonera pedyo, kutozviuraya, sezvinova pachena kubva mune mamwe mashoko aIsaya. Muprofita wacho anopfuurira kurondedzera kuti kurwisa kwevaAsiria kuchaitei kunyika yacho nevanhu vayo.
20. “Nhunzi” ne“nyuchi” ndivanaani, uye vachaitei?
20 Isaya anokamura zvirevo zvake kuva zvina, chimwe nechimwe chichifanotaura zvichaitika “nezuva iro”—kureva, zuva iro Asiria inorwisa nyika yeJudha. “Zvino nezuva iro Jehovha ucharidzira muridzo nhunzi dziri pamigumo yenzizi dzeEgipita, nenyuchi dziri panyika yeAsiria. Dzichauya, dzichamhara dzose mupipata ine mawere, nomumikaha yamatombo, napamusoro peminzwa yose, napamusoro pamafuro ose.” (Isaya 7:18, 19) Mauto eIjipiti neAsiria, semapute enhunzi nenyuchi, achatarira paNyika Yakapikirwa. Uku hakusi kuzova kungorwisa kwenguva duku. “Nhunzi” ne“nyuchi” zvichamhara, zvichimomotera pose pose munyika yacho.
21. Mambo weAsiria achaita sechisvo pakudii?
21 Isaya anoenderera mberi achiti: “Nezuva iro Ishe uchaveura nechisvo chakakumbirwa mhiri kwoRwizi, iye mambo weAsiria, musoro nemvere dzamakumbo; chichabvisawo ndebvu.” (Isaya 7:20) Zvino Asiria bedzi, muvengi mukuru, ndiyo inotaurwa. Ahazi anokumbira mambo weAsiria kuti a‘veure’ Siria neIsraeri. Zvisinei, “chisvo chakakumbirwa” ichi kubva kunharaunda yeYufratesi chicharwa no“musoro” weJudha ndokuuveura kusara wava muparavara, chichitobvisa nendebvu dzose!
22. Mienzaniso ipi iyo Isaya anoshandisa kuratidza migumisiro yekurwisa kweAsiria kwava pedyo?
22 Zvichaguma nei? “Zvino nezuva iro munhu achapfuwa mhou imwe duku namakwai maviri; zvino nokuda kwomukaka muzhinji wadzichamupa, uchadya ruomba; nokuti mumwe nomumwe wakasiyiwa panyika iyo uchadya ruomba nouchi.” (Isaya 7:21, 22) Panguva apo vaAsiria vachave va‘veura’ nyika yacho, vanhu vashomanene kwazvo vachasara zvokuti zvipfuwo zvishomanene zvichadiwa kuti zvokudya zvivepo. “Ruomba nouchi” zvichadyiwa—hapana chimwezve, hapana waini, hapana chingwa, hapana zvimwe zvinodyiwa mazuva ose. Sokunge ari kusimbisa ukuru hwokuparara kwacho, Isaya katatu anotaura kuti paichimbova nomunda unokosha, unobereka, zvino pachava namakwenzi eminzwa nemasora. Avo vanopinda musango vachada “miseve nouta” kuti vazvidzivirire pazvikara zvesango zvinogara mumabvokocho. Minda isina chinhu ichangotsikwa-tsikwa nenzombe nemakwai. (Isaya 7:23-25) Uprofita uhwu hunotanga kuzadzika muzuva raAhazi pachake.—2 Makoronike 28:20.
Kufanotaura Nomazvo
23. (a) Isaya zvino anorayirwa kuitei? (b) Chiratidzo chehwendefa chinosimbiswa sei?
23 Isaya zvino anodzoka kumamiriro ezvinhu aripo zvino. Jerusarema richakakombwa nomubatanidzwa weSiria nevaIsraeri, Isaya anoti: “Zvino Jehovha akati kwandiri: Tora hwendefa guru, unyore pariri nepeni yavanhu, uti: Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumidza, [“Maheri-sharari-hashi-bhazi,” NW.] Ndichatora zvapupu zvakatendeka, zvinoti: Uria muprista, naZekaria mwanakomana waJebherekia.” (Isaya 8:1, 2) Zita rokuti Maheri-sharari-hashi-bhazi rinoreva kuti “Kurumidzai, Imi Zvipambwa! Auya Nokukurumidza Kuzvipambwa.” Isaya anokumbira varume vaviri vanoremekedzwa vari munzanga yacho kuti vaonewo kuti anyora zita iri pahwendefa hombe, kuti vagozopupurira kuti nderechokwadi gare gare. Chiratidzo ichi, zvisinei, chinofanira kupupurirwa nechiratidzo chechipiri.
24. Chiratidzo chaMaheri-sharari-hashi-bhazi chinofanira kuita kuti vanhu venyika yeJudha vanzwe sei?
24 Isaya anoti: “Ipapo ndakaenda kumuprofitakadzi, iye akatora mimba, akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri: Mutumidze zita rokuti . . . [“Maheri-sharari-hashi-bhazi,” NW.] Nokuti mwana asati aziva kuti Baba vangu, kana Mai vangu, pfuma yeDhamasko nezvakapambwa zveSamaria zvichaiswa pamberi pamambo weAsiria.” (Isaya 8:3, 4) Zvose zviri zviviri hwendefa nemukomana achangoberekwa zvichashanda sezviratidzo zvokuti Asiria ichapamba vadzvinyiriri venyika yeJudha nokukurumidza, Siria neIsraeri. Nokukurumidza sei? Mwanakomana asati akwanisa kutaura mashoko okutanga ayo vana vazhinji vanodzidza—“Baba” na“Mai.” Kufanotaura nguva chaiyo kwakadaro kunofanira kusimbisa kuvimba kwavanhu naJehovha. Kana kuti kungaparira vamwe kuseka Isaya nevanakomana vake. Chero zvavachaita, mashoko aIsaya ouprofita anoitika.—2 Madzimambo 17:1-6.
25. Mazuva aIsaya nenguva ino zvakafanana pakudii?
25 VaKristu vanogona kudzidza panyevero yaIsaya inotaurwa yataurwazve. Muapostora Pauro akatizivisa kuti munhau yekare iyi, Isaya aimirira Jesu Kristu uye vanakomana vaIsaya vaifananidzira vadzidzi vakazodzwa vaJesu. (VaHebheru 2:10-13) Jesu achishandisa vateveri vake vakazodzwa vari pano pasi, ave achiyeuchidza vaKristu vechokwadi nezvokudikanwa kwoku“ramba [v]akamuka” munguva dzino dzakaoma. (Ruka 21:34-36) Panguva imwe chete, vashori vasingapfidzi vanonyeverwa nezvokuparadzwa kwavo kuri kuuya, kunyange zvazvo nyevero yakadaro ichiwanzosekwa. (2 Petro 3:3, 4) Kuzadzika kweuprofita hune chokuita nenguva muzuva raIsaya chisimbiso chokuti nguva yaMwari yokuita zvinhu muzuva redu “ichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.”—Habhakuki 2:3.
“Mvura” Inoparadza
26, 27. (a) Isaya anofanotaura zviitiko zvipi? (b) Mashoko aIsaya anoratidzei nokuda kwevashumiri vaJehovha nhasi?
26 Isaya anopfuurira nenyevero yake achiti: “Vanhu ava zvavakaramba mvura yeShiroa, inonatsa kuyerera, vachifarira Rezini nomwanakomana waRemaria; saka zvino, tarirai, Ishe uchauyisa pamusoro pavo mvura zhinji yoRwizi, ine simba yakawanda, iye mambo weAsiria nokubwinya kwake kwose; ruchabuda kuhova dzarwo dzose, nokudarika nhivi dzarwo dzose; ruchakukura kusvikira kwaJudha; ruchapafuma, ndokupfuura, ruchasvika pamutsipa; kutandavara kwamapapiro arwo kuchazadza kufara kwenyika yako yose, iwe Imanueri.”—Isaya 8:5-8.
27 “Vanhu ava,” umambo hwokumusoro hwaIsraeri, vanoramba sungano yaJehovha naDhavhidhi. (2 Madzimambo 17:16-18) Kwavari, inoratidza seisina simba semvura iri kuerera zvishomanene yeShiroa, kunobva mvura yeJerusarema. Vanofara muhondo yavo nenyika yeJudha. Asi kuzvidza uku hakungaregi kupiwa chirango. Jehovha achabvumira vaAsiria ku“zadza,” kana kuti kukunda, Siria neIsraeri, kungofanana nezvichaita Jehovha nokukurumidza achibvumira vezvamatongerwe enyika varipo zvino munyika kuzadza nyika yose yechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 17:16; enzanisa naDhanieri 9:26.) Isaya anotevera kutaura kuti “mvura” zhinji i“chakukura kusvika kwaJudha,” ku“svika pamutsipa” chaipo, kusvika kuJerusarema, uko musoro (mambo) weJudha anotonga.b Munguva yedu vaurayi vechitendero chenhema vezvamatongerwe enyika nenzira yakafanana vachasvikira vashumiri vaJehovha, vachivapoteredza ku“svika pamutsipa.” (Ezekieri 38:2, 10-16) Zvichaguma nei? Chii chinoitika munguva yaIsaya? VaAsiria vanopinda muguta napamasvingo votsvaira vanhu vaMwari here? Aiwa. Mwari anavo.
Musatya—“Mwari Anesu”
28. Pasinei nokuedza nesimba kwevavengi vavo, Jehovha anopikira nyika yeJudha chii?
28 Isaya anonyevera kuti: “Itai bope, imi ndudzi [dzinorwisana nevanhu vaMwari vesungano], muputswe-putswe; nemi mose muri kunyika dziri kure, inzwai; zvisungei zviuno, muputswe-putswe, zvisungei zviuno, muputswe-putswe. Ranganai henyu, asi zvichakona; taurai shoko, asi haringamiri; nokuti Mwari [a]nesu.” (Isaya 8:9, 10) Mamwe makore gare gare, munguva yokutonga kwemwanakomana akatendeka waAhazi Hezekia mashoko aya anoitika. VaAsiria pavanotyisidzira Jerusarema, ngirozi yaJehovha inouraya 185 000 vavo. Sezviri pachena, Mwari ane vanhu vake nedzinza roumambo raDhavhidhi. (Isaya 37:33-37) Muhondo yeAmagedhoni iri kuuya, Jehovha nenzira yakafanana achatumira Imanueri Mukuru kwete bedzi kuzoparadza vavengi Vake asiwo kuponesa vose vanovimba naye.—Pisarema 2:2, 9, 12.
29. (a) VaJudha vomuzuva raAhazi vakasiyana sei nevomuzuva raHezekia? (b) Nei vashumiri vaJehovha nhasi vachidzivisa kuita mibatanidzwa yezvechitendero nezvamatongerwe enyika?
29 Kusiyana nevaJudha vemunguva yaHezekia, vanhu vomunguva yaAhazi havatendi kuti Jehovha anodzivirira. Vanoda havo mubatanidzwa, kana kuti “rangano,” neAsiria somubetseri anodzivirira mukurwa neSiria neIsraeri. Zvisinei, “ruoko” rwaJehovha runokwenya Isaya kuti ataure zvinopesana “ne[n]zira yavanhu ava,” kana kuti muitiro wakakurumbira. Anonyevera kuti: “Nokuti Jehovha wakataura saizvozvo neni noruoko rune simba, akandirayira kuti ndirege kufamba nenzira yavanhu ava, achiti: Musati: Irangano, pamusoro pezvose zvinonzi navanhu ava, irangano; uye musatya zvavanotya, kana kuvhunduka.” (Isaya 8:11-13) Vachifunga izvi, vashumiri vaJehovha nhasi vanodzivisa kurangana kana kuti kuvimba nemasangano ezvechitendero neezvamatongerwe enyika. Vashumiri vaJehovha vanovimba zvakakwana nesimba raMwari rokudzivirira. Pamusoro pazvo, kana ‘Jehovha ari kurutivi rwedu, munhu angatiitei?’—Pisarema 118:6.
30. Chii chichaitika kune vasingavimbi naJehovha?
30 Isaya anopfuurira kudzokorora kuti Jehovha achava “nzvimbo tsvene,” dziviriro, kune vanovimba naye. Asi, avo vanomuramba “vachagumburwa naro, vachawa, nokuputswa, nokuteyiwa, nokubatwa”—zviito zvishanu zvinosiya pasina mubvunzo pamusoro pezvichaitika kune vasingavimbi naJehovha. (Isaya 8:14, 15) Muzana rokutanga remakore, avo vairamba Jesu nenzira yakafanana vakagumburwa vakawa. (Ruka 20:17, 18) Mugumisiro wakafanana nhasi wakamirira avo vanokundikana kuratidza kuzvipira kuna Mambo akagadzwa wokudenga, Jesu.—Pisarema 2:5-9.
31. VaKristu vechokwadi nhasi vanogona sei kutevera muenzaniso waIsaya neweavo vanoteerera dzidziso dzake?
31 Muzuva raIsaya, havasi vose vanogumburwa. Isaya anoti: “Sunga chipupuriro, namatidza murayiro nechisimbiso pakati pavadzidzi vangu. Ndichamirira Jehovha, unovanzira imba yaJakobho chiso chake, ndichamutsvaka.” (Isaya 8:16, 17) Isaya pamwe neavo vanoteerera dzidziso yake havazosiyi Mutemo waMwari. Vanoramba vachivimba naJehovha, kunyange zvazvo vavanogara navo vasingateereri mutemo vachiramba nokudaro vachiita kuti Jehovha avavanzire chiso chake. Ngatiteverei muenzaniso weavo vanovimba naJehovha uye tive nekutsunga kwakafanana kwokuti tiomerere pakunamata kwakachena!—Dhanieri 12:4, 9; Mateu 24:45; enzanisa naVaHebheru 6:11, 12.
“Zviratidzo” ne“Zvishamiso”
32. (a) Ndivanaani nhasi vanoshanda “sezviratidzo nezvishamiso”? (b) Nei vaKristu vachifanira kuva vakasiyana nenyika?
32 Isaya zvino anozivisa kuti: “Tarirai, ini navana vandakapiwa naJehovha, tiri zviratidzo nezvishamiso pakati paIsraeri zvaJehovha wehondo, ugere mugomo reZioni.” (Isaya 8:18) Hungu, Isaya, Sheari-jashubhi, naMaheri-sharari-hashi-bhazi zviratidzo zvezvinangwa zvaJehovha nokuda kwenyika yeJudha. Nhasi, Jesu nehama dzake dzakazodzwa nenzira yakafanana vanoshanda sezviratidzo. (VaHebheru 2:11-13) Uye “boka guru” re“mamwe makwai” rinobatana navo mubasa ravo. (Zvakazarurwa 7:9, 14; Johani 10:16) Chokwadi, chiratidzo chinokosha bedzi kana chakasiyana nezvakachipoteredza. Nenzira yakafanana, vaKristu vanoita basa ravo sezviratidzo chero bedzi vakamira vakasiyana nenyika ino, vachivimba zvakakwana naJehovha uye vachizivisa zvinangwa zvake noushingi.
33. (a) VaKristu vechokwadi vakatsunga kuitei? (b) Nei vaKristu vechokwadi vachakwanisa kumira vakasimba?
33 Naizvozvo, vanhu vose ngavateerere mitemo yaMwari, kwete yenyika ino. Ngavarambe vakasiyana nokusatya—sezviratidzo—vachipfuudzira basa rakapiwa Isaya Mukuru, Jesu Kristu rokuti: “Ndiparidze gore rengoni . . . nezuva rokutsiva raMwari wedu.” (Isaya 61:1, 2; Ruka 4:17-21) Zvechokwadi, apo mafashamo eAsiria anofashama pasi pose—kunyange kana akatisvikira pamutsipa—vaKristu vechokwadi havazokukurwi. Tichamira takasimba nokuti “Mwari anesu.”
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwemamwe mashoko akawanda pamusoro pokuzadzika kwouprofita uhwu, ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, mapeji 62 ne758, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Asiria inofananidzwawo neshiri iyo mapapiro ayo akatambarara “kuchazadza kufara kwenyika yako yose.” Saka, kupi nokupi kunosvika nyika yacho, ichazadzwa neuto reAsiria.
[Mufananidzo uri papeji 103]
Isaya akaenda pamwe naSheari-jashubhi paakanotaura shoko raJehovha kuna Ahazi
[Mufananidzo uri papeji 111]
Isaya akanyorerei kuti “Maheri-sharari-hashi-bhazi” pahwendefa guru?