RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vashandi Mumunda Wemizambiringa
    Nharireyomurindi—1989 | August 15
    • Pakupedzisira, zuva rokushanda rokufananidzira rinoguma norufu rwaJesu, uye nguva inosvika yokubhadhara vashandi. Mutemo wechienzi wokubhadhara vokupedzisira pakutanga unoteverwa, sezvinotsanangurwa: “Ava madekwana, mwene womunda wemizambiringa akati kumutariri wake: ‘Dana vabati, uvape mubairo wavo, uchitanga kuno wokupedzisira, ugumire kune wokutanga.’ Zvino venguva inenge yegumi neimwe vakati vachiuya, mumwe nomumwe akapiwa dhenari. Sovokutanga vakati vachiuya, vakati vachapiwa nokupfuura; ivo vakapiwawo mumwe nomumwe dhenari. Vakati vachipiwa, vakapopotera mwene weimba, vakati: ‘Ava vokupedzisira, vakabata nguva imwe chete, mavaenzanisa nesu, takatambudzika zuva rose, tichipiswa nezuva.’ Akapindura, akati kuno mumwe wavo: ‘Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhenari here? Tora zvako uende, ndinoda kupa wokupedzisira sewe. Ko handina kutenderwa kuita nezvangu pandinoda napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?’” Mumhedziso Jesu akadzokorora pfundo rakaitwa pamberi pezvi, achiti: ‘Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira.”

  • Vashandi Mumunda Wemizambiringa
    Nharireyomurindi—1989 | August 15
    • Nokukurumidza avo vakatanga kupinzwa basa vakacherechedza kuti vadzidzi vaJesu vakanga vabhadharwa, uye ivo vakavaona vachishandisa dhenari rokufananidzira. Asi ivo vaida zvinopfuura mudzimu mutsvene namaropafadzo awo anobatanidzwa oUmambo. Kupopota kwavo nokuramba kwakatora chimiro chokutambudza vadzidzi vaJesu, vashandi “vokupedzisira” mumunda wemizambiringa.

      Ko zadziko iyoyo yomuzana rokutanga ramakore ndiyo zadziko bedzi yomuenzanisiro waJesu here? Aiwa, vakuru vechiKristudhomu muzana rino ramakore rechi 20, kupfurikidza nenzvimbo dzavo nemitoro, vakava “vokutanga” kupinzwa basa mumunda wemizambiringa wokufananidzira waMwari. Ivo vakarangarira vaparidzi vakazvitsaurira vakabatanidzwa neWatch Tower Bible and Tract Society kuva “vokupedzisira” kuva nomugove wakanaka upi noupi mubasa raMwari. Asi kutaura idi, ndivava vamene avo vakuru vorudzidziso vakashora vakagamuchira dhenari—rukudzo rwokubatira senhume dzakazodzwa dzoUmambo hwokudenga hwaMwari. Mateo 19:30–20:16.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe