Upenyu hwaJesu Noushumiri
Vadzidzi Vanoitirana Nharo Sezvo Rufu rwaJesu Runoswedera Pedyo
JESU navadzidzi vake vava pedyo noRwizi rwaJoridhani, apo vanoyambuka vachibva kuruwa rwePerea vachipinda muJudhea. Vamwe vazhinji vari kufamba navo vachienda kuPaseka ya 33 N.V., iyo inongova kure nevhiki rimwe bedzi kana kuti kupfuura.
Jesu ari kupfuurira kufamba ari pamberi pavadzidzi, uye ivo vanoshamiswa norusimbiriro rwake rwoushingi. Yeuka kuti mavhiki mashomanene pamberi pezvi apo Razaro akafa uye Jesu akanga odokuenda achibva Perea achipinda muJudhea, Tomasi akakurudzira vamwe, kuti: “Hendei nesuwo, kuti tindofa naye.” Yeukawo kuti pashure pokunge Jesu amutsa Razaro, Sanhedrini yakaita gadziriro yokumuuraya. Hakushamisi kuti rutyo runobata vadzidzi sezvo zvino vanopinda muJudhea zvakare.
Kuti avagadzirire nokuda kwechiri mberi, Jesu anotora 12 vari voga uye anovaudza, kuti: “Tarirai tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchaiswa kuvaprista vakuru navanyori; vachamutongera rufu, nokumuisa kuvahedheni. Vachamuseka, nokumupfira mate, nokumurovesa, nokumuuraya; kana mazuva matatu apfuura, uchamukazve.”
Iyi inguva yechitatu mumwedzi ichangobva kupfuura iyi apo Jesu akaudza vadzidzi vake pamusoro porufu rwake norumuko. Uye kunyange zvazvo ivo vachimuteerera, vanokundikana kunzwisisa. Zvichida imhaka yokuti ivo vanodavira mukudzorerwa pasi pano kwoumambo hwaIsraeri, uye ivo vari kukarira kufarikanya mbiri norukudzo muumambo hwapasi naKristu.
Ari pakati pavafambi vokuPaseka ndiSalomi, amai vavaapostora Jakobho naJohane. Jesu akadana ava varume kuti “Vanakomana vokuTinhira,” pasina panikiro nemhaka yezvimiro zvavo zvamasimba masimba. Kwenguva yakati ava vaviri vakachengeta gwinyiro rokuva vakatanhamara muUmambo hwaKristu, uye ivo vakaita kuti zvishuvo zvavo zvizivikanwe kuna amai vavo. Ivo zvino vanosvika Jesu nokuda kwavo, vanokotama pamberi pake, uye vanokumbira chizivano.
“Munotsvakeiko?” Jesu anobvunza.
“Rairai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe, muushe hwenyu.”
Achiziva manyuko echikumbiro chacho, Jesu anoti kuna Jakobho naJohane: “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira pamukombe pandinozonwira ini, here?”
“Tingagona,” ivo vanopindura kudaro. Kunyange zvazvo Jesu achangobva kuvaudza kuti iye akatarisana nechitambudzo chinotyisa uye pakupedzisira kuurawa, ivo sezviri pachena havanzwisisi kuti ikoku ndiko kwaanoreva no“mukombe” uyo odokunwa.
Kunyanguvezvo, Jesu anovaudza, kuti: “Muchanwira henyu pamukombe wangu, asi kugara kuruoko rwangu rworudyi, nokuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu.”
Pashure penguva yakati vamwe vaapostora gumi vanoziva izvo Jakobho naJohane vakakumbira, uye ivo vanotsamwa. Zvichida Jakobho naJohane vakanga vakatanhamara munharo dzapamberi pezvi pakati pavaapostora pamusoro pokuti ndiani ari mukurusa. Chikumbiro chavo chazvino chinozivisa kuti ivo havana kushandisa zano Jesu akapa paiyi nhau. Nenzira inosuruvarisa, chishuvo chavo choutanhamari chichiri chakasimba.
Naizvozvo kuti abate neiri gakava razvino uno noutsinye uhwo rakaparira, Jesu anounganidza 12. Achivapa zano norudo, iye anoti: “Munoziva kuti machinda avahedheni anovaraira, navakuru vavo vanoita simba navo. Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu. Aninani unoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu.”
Jesu akagadza muenzaniso wavanofanira kutevedzera, sezvaanotsanangura, achiti: “Zvakaita soMwanakomana womunhu usina kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa upenyu hwake rwuve rudzikinuro rwavazhinji.” Jesu haana kungoshumira bedzi nokuda kwavamwe asi achaita saizvozvo kusvikira patambanuko yokufira rudzi rwomunhu! Vadzidzi vanoda chimiro chimwe chetecho chakafanana nechaKristu chokushuva kubatira panzvimbo pokubatirwa nokuva muduku panzvimbo pokuva munzvimbo youtanhamari. Mateo 20:17-28; Marko 3:17; 9:33-37; 10:32-45; Ruka 18:31-34; Johane 11:16.
◆ Neiko rutyo zvino ruchibata vadzidzi?
◆ Jesu anogadzirira sei vadzidzi vake nokuda kwechiri mberi?
◆ Chikumbiroi chinoitwa kuna Jesu, uye vamwe vaapostora vanotapurwa sei?
◆ Jesu anobata sei nechinetso chapakati pavaapostora vake?