Mashoko Enhema Uye Echokwadi—Chokwadi nezvaJesu
UNOFUNGEI? MASHOKO ANOTEVERA NDEECHOKWADI HERE KANA KUTI NDEENHEMA?
Jesu akaberekwa musi waDecember 25.
Varume vatatu vakachenjera vakashanyira Jesu panguva yaakaberekwa.
Jesu akanga asina hanzvadzi nevanin’ina.
Jesu aiva Mwari akanga ava nemuviri womunhu wenyama.
Jesu aiva zvinopfuura kungova munhu akanaka.
VAKAWANDA vangabvuma kuti mashoko ose ataurwa pamusoro apa ndeechokwadi. Vamwe vangati zvakaoma uye hazvingamboiti kuziva chokwadi chaicho. Zvichida vanofunga kuti chero uchitenda muna Jesu, mhinduro chaiyo haina kana basa.
Zvisinei, Bhaibheri rinotaura zvakasiyana. Rinotikurudzira kuti tive ne“zivo yakarurama yaShe wedu Jesu Kristu.” (2 Petro 1:8) Tinowana zivo iyi nokuongorora mabhuku eEvhangeri. Anotaura chokwadi nezvaJesu, zvichiita kuti tikwanise kusiyanisa nhema nechokwadi. Saka ngatimboona kuti mabhuku eEvhangeri anotii nezvedzidziso dzataurwa pamusoro apa.
DZIDZISO YOKUTI: Jesu akaberekwa musi waDecember 25.
INHEMA HERE KANA KUTI ICHOKWADI?: INHEMA.
MuBhaibheri hamuna mashoko anotaura zvakananga mwedzi kana musi wakaberekwa Jesu. Saka musi waDecember 25 wakabva kupi? Maererano neThe Encyclopædia Britannica, vamwe vanozviti vaKristu “vaida kuti musi uyu uenderane nomusi unotanga mhemberero yevahedheni vokuRoma . . . musi unenge uine maawa mashoma chaizvo echiedza mumwaka wechando, mazuva paanotanga kureba zvakare uye panotanga zuva kutora nguva yakawanda mudenga.” Bhuku iri rinoti tsika dzakawanda dzeKrisimasi dzakabva “pamhemberero dzokurima uye dzokupemberera zuva pakati pemwaka wechando dzaiitwa nevahedheni.”
Jesu aizozvibvumira here kuti musi wokuberekwa kwake uchengetedzwe pamusi uyu waDecember 25? Chimbofunga hako izvi: Musi wakaberekwa Jesu hauzivikanwi. MuMagwaro hapana panotaura zvakananga kuti tinofanira kupemberera musi wokuberekwa kwake, uye hamuna uchapupu hunoratidza kuti vaKristu vepakutanga vaiita izvi. Asi Bhaibheri rinotaura musi chaiwo wakafa Jesu, uye akarayira vateveri vake kuti vayeuke musi uyu.a (Ruka 22:19) Zviri pachena kuti Jesu aida kuti musi worufu rwake rwechibayiro unyanye kukosheswa kwete wokuberekwa kwake.—Mateu 20:28.
DZIDZISO YOKUTI: Varume vatatu vakachenjera (kana kuti vanonzi nevamwe madzimambo) vakashanyira Jesu panguva yaakaberekwa.
INHEMA HERE KANA KUTI ICHOKWADI?: INHEMA.
Pamwe wakamboona mifananidzo yakadhirowewa kana kuti mafirimu anoratidza zvokuzvarwa kwaJesu ari karusvava akarara muchidyiro chezvipfuwo, akapoteredzwa nevarume vatatu vakachenjera vakabata zvipo zvake. Zvisinei, mifananidzo nemafirimu iwayo ndezvenhema hazvisi zvechokwadi.
Ichokwadi kuti nhume dzokuMabvazuva dzakaenda kunoona Jesu achiri muduku. Zvisinei, vashanyi ava chokwadi vaiva vazivi venyeredzi. (Mateu 2:1, The New English Bible; The Bible—An American Translation) Uye vakawana Jesu ari muchidyiro chezvipfuwo here? Kwete; vakamushanyira atova kumba. Zviri pachena kuti vakazosvika kwaiva naJesu patopera mwedzi inoverengeka aberekwa.—Mateu 2:9-11.
Vashanyi ava vaiva 2, 3, kana kuti 30 here? Bhaibheri haritauri kuti vaiva vangani. Pamwe izvi zvokuti vaiva vatatu zvakabva pazvipo zvitatu zvavakapa zvaive zvakasiyana.b (Mateu 2:11) Vamwe vakatoti mumwe nomumwe wevanowanzonzi varume vakachenjera aimiririra marudzi akasiyana-siyana evanhu. Pfungwa iyi haiwaniki muMagwaro. Asi, sezvinotaurwa nerimwe bhuku rinotsanangura mabhuku eEvhangeri, rinoti dzidziso yenhema iyi yakabva “kune mumwe munyori wenhoroondo dzekare womuzana remakore rechisere aiva nepfungwa dzakapinza.”
DZIDZISO YOKUTI: Jesu akanga asina hanzvadzi nevanin’ina.
INHEMA HERE KANA KUTI ICHOKWADI?: INHEMA.
Mabhuku eEvhangeri anonyatsoratidza kuti Jesu aiva nehanzvadzi nevanin’ina. Evhangeri yaRuka inoti Jesu aiva “dangwe,” zvichiratidza kuti Mariya akazoberekazve vamwe vana.c (Ruka 2:7) Evhangeri yaMako inoti vamwe vaiva muNazareta vaiona Jesu semwana ainge akangofananawo nehanzvadzi nevanin’ina vake, vasingamuoni somunhu aikosha. Vakabvunza kuti: “Ko uyu munhu handiye here muvezi mwana waMariya ndiyewo mukoma wavanaJemisi, naJosefa naJudha naSimoni? Ko idzi hadzisi hanzvadzi dzake here dzatinadzo pano?”—Mako 6:3, Bhaibheri Rinoera; Mateu 12:46; Johani 7:5.
Pasinei nezvinotaurwa nemabhuku eEvhangeri, vakawanda vanodzidza nezvezvitendero vanoti Jesu akanga asina hanzvadzi nevanin’ina. Vamwe vanototi vanonzi vanin’ina nehanzvadzi dzaJesu vaiva vasiri vomumba make chaimo.d Vamwe vanoita zvokufungidzira vanoti vana ivavo vaiva vasiri vaMariya chaivo. Asi chimbofunga izvi: Kudai Jesu aingova iye chete mwana waMariya, vanhu vokuNazareta ivavo vangadai vakataura zvavakataura here? Kusiyana neizvi, vamwe vavo vangave vakaona nemeso avo Mariya achibata pamuviri pevana ivavo. Vainyatsoziva kuti Jesu aiva mumwe wevana ivavo vakaberekwa naMariya.
DZIDZISO YOKUTI: Jesu aiva Mwari akanga ava nemuviri womunhu wenyama.
INHEMA HERE KANA KUTI ICHOKWADI?: INHEMA.
Pfungwa yokuti Mwari akauya panyika ndokurarama ari munhu ainzi Jesu, inova ndiyo musimboti wedzidziso yoUtatu yave iripo kwenguva refu—asi mumazuva aJesu yaisavako. Pane kudaro, The Encyclopædia Britannica inoti, “Shoko rokuti Utatu kana kuti dzidziso yacho hazviwaniki muTestamende Itsva . . . Dzidziso iyi yakatanga zvishoma nezvishoma kwemazana emakore uye pachiwanzova nokukavadzana chaizvo nezvayo.”
Chitendero chinenge chichizvidza Jesu pachinodzidzisa kuti aiva Mwari aiva nemuviri wenyama.e Nei tichidaro? Chimbofunga nezvemuenzaniso uyu. Vamwe vashandi vanokumbira foromani wavo kuti avaitire chimwe chinhu, iye obva ati haana masimba acho. Zvaanenge ataura kana zviri zvechokwadi, anenge aratidza neuchenjeri kuti anoziva zvaasingakwanisi kuita. Kana zvisiri zvechokwadi—kana achikwanisa kuvaitira zvavari kuda asi asingangodi chete—anenge anyengera.
Jesu akatii vaapostora vake vaviri pavakakumbira zvinzvimbo zvepamusoro? Akavaudza kuti: “Izvi zvokugara pasi kuruoko rwangu rworudyi nokuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo, asi ndezvevaya vakazvigadzirirwa naBaba vangu.” (Mateu 20:23) Kudai Jesu akanga ari Mwari, mashoko aya angadai asiri enhema here? Asi nokuratidza kuti kune mumwe aiva nesimba kumupfuura, Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka wokuzvininipisa uye kuti akanga asina kuenzana naMwari.
DZIDZISO YOKUTI: Jesu aiva zvinopfuura kungova munhu akanaka.
INHEMA HERE KANA KUTI ICHOKWADI?: ICHOKWADI.
Jesu akataura pachena kuti aipfuura kungova munhu akanaka chete. Akati: “Ndiri Mwanakomana waMwari here?” (Johani 10:36) Ichokwadi kuti munhu wose angagona kuzviti Mwanakomana waMwari. Kudai kuzviti kwaJesu Mwanakomana waMwari kwaiva kwenhema, zvaizoita kuti ave munhu worudzii? Chaizvoizvo aizova munyengeri kwete munhu akanaka!
Uchapupu hwakavimbika zvikuru hwakabva kuna Mwari pachake. Kaviri, achitaura nezvaJesu akati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu.” (Mateu 3:17; 17:5) Pafunge: Magwaro anoti inzwi raMwari pachake rakangonzwika panyika pazviitiko zvishomanana chete, asi kaviri akapupurira Jesu achiti aiva Mwanakomana wake! Uhwu ndihwo uchapupu hunopfuura nokure hunoratidza kuti Jesu airevesa nezvokuti aiva ani.
Nyaya iyi yakuudza chokwadi chipi nechipi nezvaJesu chawanga usingazivi here? Kana zvakadaro, wadii kuramba uchiongororazve mabhuku eEvhangeri? Ukadzidza saizvozvo unogona kunakidzwa uye kukomborerwa. Jesu akatoti kudzidza chokwadi nezvake naBaba vake kunoreva “upenyu husingaperi.”—Johani 17:3.
[Mashoko Omuzasi]
a Maererano nekarenda yevaJudha, Jesu akafa paZuva rePaseka, kana kuti pana Nisani 14.—Mateu 26:2.
b Mateu anoti vashanyi vacho “vakasunungurawo pfuma” uye vakapa Jesu ndarama, zvinonhuhwirira zvichena, nemura. Sezvineiwo, vangave vakawana zvipo izvi zvaidhura panguva yakakodzera, sezvo zviri pachena kuti mhuri yaJesu yaiva isina kupfuma yaifanira kutotiza zvechimbichimbi munyika yacho ichinopotera kumwe.—Mateu 2:11-15.
c Kunyange zvazvo kunambwa kwaJesu kwakaitika nechishamiso, vamwe vana vose vaMariya vakanambwa sezvinongoitwa vamwe vana vose nomurume wake, Josefa.—Mateu 1:25.
d Pfungwa iyi, yakataurwa naJerome munenge muna 383 C.E., yakakurumbira chaizvo kune vaya vanotenda kuti Mariya akaramba ari mhandara kwoupenyu hwake hwose. Jerome akazotaura achinetseka kuti akanga adzidzisa vanhu zvisiri izvo, asi mupfungwa dzevakawanda uye mumaonero eChechi yeRoma, pfungwa yacho yakaramba ichitendwa.
e Kana uchida mashoko anonyatsokurukura dzidziso yoUtatu, ona bhurocha rakanzi, Unofanira Kudavira Utatu Here? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 14]
Mamwe Mashoko Echokwadi Angakushamisa
Jesu paaiva pano aiva munhu akaita sei? Ainge akafundumwara here asina ushamwari, uye asingatauri nevanhu vakaderera? Vamwe vangati hungu. Zvichida ndosaka vachishamisika kuti Jesu . . .
• aienda kuzviitiko zvemafaro nevamwe.—Johani 2:1-11.
• aitaura zvakanaka nezvevamwe kana vaita zvakanaka. —Mako 14:6-9.
• aishamwaridzana nevana.—Mako 10:13, 14.
• aichema zvaigona kuonekwa nevamwe.—Johani 11:35.
• ainzwira vamwe tsitsi.—Mako 1:40, 41.