-
Mufaro Wechokwadi Unogona Kuwanwa Kupi?Nharireyomurindi—1997 | March 15
-
-
MuMharidzo yake paGomo, Jesu Kristu akati: “Vanofara ndeavo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu, sezvo umambo hwamatenga huri hwavo.” (Mateo 5:3, NW) Jesu akatiwo: “Muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti upenyu hwomunhu hahusi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.”—Ruka 12:15.
-
-
Mufaro Wechokwadi Unogona Kuwanwa Kupi?Nharireyomurindi—1997 | March 15
-
-
Vamwe vanotendeukira mukati mavo vamene mukutsvaka kwavo mufaro kupfurikidza nokuvaka kuremekedzwa kwavo vamene. Maraibhurari nezvitoro zvemabhuku zvakazadzwa nemabhuku okuzvibetsera, asi zvinyorwa zvakadaro hazvina kuunzira vanhu mufaro unogara. Naizvozvo, ipapoka, ndokupi kwatinogona kuwana mufaro chaiwoiwo?
Kuti tifare zvirokwazvo, tinofanira kuziva chinodikanwa chedu chomudzimu chokuberekwa nacho. Jesu akati: “Vanofara ndeavo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu.” Chokwadika, hakusati kuchizotibetsera kunzwisisa ichi chinodikanwa uye ipapo kukundikana kuita chinhu chipi nechipi pamusoro pacho. Kuenzanisira: Chii chingaitika kumumhanyi wedaro refu anokundikana kubvuma kuda mvura kwemuviri wake pashure penhangemutange? Nokukurumidza haasati achiva anopera mvura mumuviri here nemimwe migumisiro yakakomba? Nenzira yakafanana, kana tikakundikana kuita chimwe chinhu kuchinodikanwa chedu chezvokudya zvemudzimu, pakupedzisira tichasvava mumudzimu. Ikoku kuchatungamirira kukurasikirwa nemufarwa uye mufaro.
-