-
Ngativei Vamwe Sezvakaita Jehovha naJesuNharireyomurindi (Yekudzidza)—2018 | June
-
-
TINOKURIRA RUSARURA KANA TIINE RUDO UYE TICHIZVININIPISA
8. Ichokwadi chipi chisingachinji chinoita kuti tibatane? Tsanangura.
8 Jesu akadzidzisa vateveri vake chokwadi chisingachinji chinoita kuti tibatane. Akati: “Imi mose muri hama.” (Verenga Mateu 23:8, 9.) Chimwe chinoita kuti tive “hama” ndechekuti tese takabva kuna Adhamu. (Mab. 17:26) Asi pane zvimwe zvinoita kuti tive hama. Jesu akataura kuti vadzidzi vake vaiva hama nehanzvadzi nekuti vaiona Jehovha sababa vavo vekudenga. (Mat. 12:50) Uyewo vakanga vava nhengo dzemhuri yakakura yevanamati, yakabatanidzwa nerudo uye kutenda. Saka mutsamba dzavo, vaapostora vaiwanzotaura nezvevamwe vadzidzi vachivati “hama.”—VaR. 1:13; 1 Pet. 2:17; 1 Joh. 3:13.a
-
-
Ngativei Vamwe Sezvakaita Jehovha naJesuNharireyomurindi (Yekudzidza)—2018 | June
-
-
a Shoko rekuti “hama” rinogona kubatanidzawo vanhukadzi vari muungano. Pauro akanyora tsamba ‘kuhama’ dzake dzaiva muRoma. Zviri pachena kuti aibatanidzawo hanzvadzi, uye dzimwe dzacho akadzitaura nemazita. (VaR. 16:3, 6, 12) Nharireyomurindi yakabvira kare ichitaura nezvevaKristu ‘sehama nehanzvadzi.’
-