Upenyu hwaJesu Noushumiri
Jesu Anoshurikidza Vashori Vake
JESU avhiringidza chose chose kwazvo vashori vake vorudzidziso zvokuti ivo vanotya kumubvunzazve chinhu chipi nechipi. Naizvozvo iye anotanga kuratidzira kusaziva kwavo. “Munofungeiko pamusoro paKristu?” iye anobvunza kudaro. “Mwanakomana waaniko?”
“WaDhavhidhi,” vaFarise vanopindura kudaro.
Kunyange zvazvo Jesu asingarambi kuti Dhavhidhi mukare wokunyama waKristu, kana kuti Mesia, anobvunza, achiti: “Dhavhidhi wakagomutumidza seiko no[mudzimu, NW] [paPisarema 110], kuti ‘Ishe,’ achiti: ‘Jehovha wakati kunaShe wangu: “Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako”’? Zvino, kana Dhavhidhi achimutumidza ‘Ishe,’ ungagova mwanakomana wake seiko?”
VaFarise vanonyarara, nokuti havazivi zivikanwo yechokwadi yaKristu, kana kuti muzodziwa. Mesia haasati achingova zvake muzukuru wohunhu waDhavhidhi, sezvo vaFarise sezviri pachena vanodavira, asi iye aivapo mudenga uye akanga ari mukuru waDhavhidhi, kana kuti Ishe.
Achitendeukira zvino kumapoka uye kuvadzidzi vake, Jesu anonyevera pamusoro pavanyori navaFarise. Sezvo ivavo vachidzidzisa Mutemo waMwari, ‘vachiva vakazvigarisa vamene pachigaro chaMosesi,’ Jesu anokurudzira, achiti: “Saka zvose zvavanokuudzai, muzviite nokuzvichengeta.” Asi iye anowedzera, kuti: “Asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti.”
Ivo vanyengeri, uye Jesu anovashurikidza nomutauro mumwe chetewo zvikuru uyo iye akaita achidya muimba yomumwe muFarise mwedzi yakati pamberi pezvi. “Mabasa avo ose vanoaita,” iye anodaro, “kuti vaonekwe navanhu.” Uye iye anogovera mienzaniso, achiti:
“Nokuti vanofarisa mafiraktera avo.” Idzodzi ihomwe duku zvikuru, dzinopfekwa pahuma kana kuti paruoko, dzine zvikamu zvina zvoMutemo: Eksodho 13:1-10, 11-16; uye Dheuteronomio 6:4-9; 11:13-21. Asi vaFarise vanowedzera ukuru hweidzi homwe kupa murangariro wokuti ivo vanoshingaira pamusoro poMutemo.
Jesu anopfuurira kuti ivo “vanokurisa mipeto yenguvo dzavo.” Pana Numeri 15:38-40 vaIsraeri vanorairwa kuita mipeto panguvo dzavo, asi vaFarise vanokudza zvikuru yavo kupfuura zvinoita munhu upi noupiwo zvake. Chinhu chiri chose chinoitwa nokuda kwokuratidzira! “Vanofarira zvigaro zvapamberi,” Jesu anoshurikidza kudaro.
Nenzira inosuruvarisa, vadzidzi vake amene vakatapurwa neichi chishuvo choutanhamari. Naizvozvo iye anopa zano, achiti: “Asi imi musaidzwa Rabhi; nokuti mudzidzisi wenyu ndimumwe, imi mose muri hama. Musaidza munhu uri panyika Baba venyu, nokuti mumwe chete ndiBaba venyu, ivo vari kudenga. Musaidzwawo vatenzi, nokuti mumwe chete nditenzi wenyu iye Kristu.” Vadzidzi vanofanira kuzvibvisira vamene chishuvo chokuva wokutanga! “Mukuru pakati penyu ngaave muranda wenyu,” Jesu anopa zano kudaro.
Iye anotevera kududza nhevedzano yenhamo pavanyori navaFarise, achivadana avadanazve kuti vanyengeri. Ivo vano“pfigira vanhu ushe hwokudenga,” iye anodaro, uye “vanoparadza dzimba dzechirikadzi muchiita manomano eminyengetero mirefu.”
“Mune nhamo, imi vatungamiriri vakapofumara,” Jesu anodaro. Iye anoshurikidza kushaiwa kwavaFarise zvinokosha zvomudzimu, sezvinoratidzwa kupfurikidza nemisiano isina mufungo yavanoita. Somuenzaniso, vanoti, ‘Hakuna basa hako kana munhu upi noupi achipika netembere, asi munhu ane musengwa kana iye achipika nendarama yetembere.’ Kupfurikidza nokuisa kwavo simbiso huru pandarama yetembere kupfuura paukoshi hwomudzimu kunzvimbo iyoyo yokunamatira, ivo vanozivisa upofu hwavo hwetsika.
Ipapo, sezvaakaita pakuvamba, Jesu anoshurikidza vaFarise nokuda kwokuregeredza “zvinhu zvikuru zvoMurairo, zvinoti: kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka” vachipa ngwariro huru kukubhadhara chegumi, kana kuti rutivi rwechigumi, rwemiti isingakoshi.
Jesu anodana vaFarise “imi vatungamiriri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza kamera.” Ivo vanomimina runyunyu muwaini yavo, kwete nemhaka bedzi yokuti chipembenene, asi nemhaka yokuti haruna kuchena mumuitiro. Bva, kuzvidza kwavo zvinhu zvinokosha zvikuru zvoMutemo kwakaenzana nokumedza kamera, uyewo mhuka isina kuchena mumuitiro. Mateo 22:41–23:24; Marko 12:35-40; Ruka 20:41-47; Revhitiko 11:4, 21-24.
◆ Neiko vaFarise vachinyarara apo Jesu anovabvunza pamusoro peizvo Dhavhidhi akataura muPisarema 110?
◆ Neiko vaFarise vachikudza homwe dzavo dzine Magwaro nemipendero yapanguvo dzavo?
◆ Izanoi rinopa Jesu vadzidzi vake?
◆ Misianoi isina mufungo inoita vaFarise, uye Jesu anovashurikidza sei nokuda kwokuregeredza zvinhu zvinokosha zvikuru?