-
Kuponeswa Pa“chizvarwa Chakaipa”Nharireyomurindi—1995 | November 1
-
-
11. (a) Chiremerai chinofanira zvikurukuru kutitungamirira mukusarudza nzira yokushandisa nayo he ge·ne·aʹ hauʹte? (b) Chiremera ichi chakashandisa sei shoko racho?
11 Chokwadika, vaKristu vari kufunda iyi nhau vanodzora kufunga kwavo zvikurukuru nenzira iyo vanyori veEvhangeri vakafuridzirwa vakashandisa nayo shoko rechiGiriki rokuti he ge·ne·aʹ hauʹte, kana kuti “chizvarwa ichi,” mukushuma mashoko aJesu. Kutaura kwacho kwakashandiswa nguva dzose nenzira isina kunanga. Nokudaro, Jesu akaidza vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha kuti “nyoka, vana venyoka” ndokupfuurira kutaura kuti rutongeso rweGehena rwaizoitwa pa“chizvarwa ichi.” (Mateo 23:33, 36, NW) Zvisinei, urwu rutongeso rwakanga rwakaganhurirwa kuvafundisi vanonyengera bedzi here? Nyangwe napaduku pose. Panhambo dzakati kuti, vadzidzi vaJesu vakamunzwa achitaura nezve“chizvarwa ichi,” achishandisa shoko racho nenzira imwe cheteyo mupfungwa yakafara zvikuru. Iyoyo yakanga iri ipi?
-
-
Kuponeswa Pa“chizvarwa Chakaipa”Nharireyomurindi—1995 | November 1
-
-
13. Aine vadzidzi vake, ndivanaani avo Jesu akazivisa uye kushurikidza se“chizvarwa ichi chakaipa”?
13 Gare gare muna 31 C.E., sezvo Jesu navadzidzi vake vakatanga rwendo rwavo rwechipiri rwokuparidzira Garirea, “vamwe vavanyori navaFarise” vakakumbira Jesu chiratidzo. Akavaudza na“mapoka” akanga aripo, kuti: “Chizvarwa chakaipa nechoupombwe chinoramba chichitsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. Nokuti sezvo Jona akanga ari mudumbu rehove huru mazuva matatu nousiku hutatu, naizvozvo Mwanakomana womunhu achava mumwoyo wapasi mazuva matatu nousiku hutatu. . . . Ndizvo zvazvichaitawo nechizvarwa ichi chakaipa.” (Mateo 12:38-46, NW) Sezvinooneka, “chizvarwa ichi chakaipa” chaibatanidza vose vari vaviri vatungamiriri vorudzidziso na“mapoka” asina kutongosvika pakunzwisisa chiratidzo chakazadzika murufu norumuko zvaJesu.d
-