“Izvozvi Zvose Zvinofanira Kumboitwa”
“Jesu akapindura, akati kwavari: . . . Izvozvi zvose zvinofanira kumboitwa, asi kuguma kuchigere kusvika.”—MATEO 24:4-6.
1. Inhau ipi yatinofanira kufarira?
PASINA mubvunzo unofarira upenyu hwako neramangwana rako. Saka unofanirawo kufarira nhau yakabata pfungwa yaC. T. Russell kare muna 1877. Russell, uyo akazova muvambi weWatch Tower Society, akanyora The Object and Manner of Our Lord’s Return. Iri bhuku duku rine mapeji 64 raitaura nezvokudzoka kwaJesu, kana kuti kuuya kwomunguva yemberi. (Johane 14:3) Pane imwe nguva paaiva paGomo reMiorivhi, vaapostora vakabvunza nezvokudzoka ikoko vachiti: “Tiudzei, Zvinhu izvi zvichavapo rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu [kana kuti, “kuuya,” King James Version] nechekuguma kwegadziriro yezvinhu?”—Mateo 24:3, NW.
2. Nei pane pfungwa dzakawanda dzezvakafanotaurwa naJesu dzisingawirirani?
2 Unoziva nokunzwisisa mhinduro yaJesu here? Inowanikwa muEvhangeri nhatu. Purofesa D. A. Carson anoti: “Zvitsauko zvishomanene muBhaibheri zvakaparira kuti vadudziri vasawirirana kupfuura zvakaita Mateo 24 nezvakafanana nacho Marko 13 naRuka 21.” Anobva ataurawo mafungiro ake iye—inongova imwe yepfungwa dzavanhu dzisingawirirani. Munenge muzana ramakore rakapfuura, pfungwa dzakawanda dzakadaro dzairatidza kusava nokutenda. Vaidzitaura vaifunga kuti Jesu haana kumbobvira ataura zvatinorava muEvhangeri, kuti zvaakataura zvakazochinjwa, kana kuti zvaakafanotaura zvakakundikana—pfungwa dzakatangwa nevanoongorora Bhaibheri. Mumwe mutsinhiri akatoona Evhangeri yaMarko ‘nemaonero ouzivi hwemuBuddha weMahayana’!
3. Zvapupu zvaJehovha zvinoedza sei kunzwisisa uprofita hwaJesu?
3 Kusiyana neizvozvo, Zvapupu zvaJehovha zvinobvuma kuti Bhaibheri nderechokwadi uye rakavimbika, kubatanidza izvo Jesu akaudza vaapostora vana vaiva naye paGomo reMiorivhi kwasara mazuva matatu kuti afe. Kubvira pamazuva aC. T. Russell, vanhu vaMwari vakajekerwa zvishoma nezvishoma nouprofita hwakapiwa naJesu ipapo. Mumakore mashomanene akapfuura, Nharireyomurindi yakajekesazve kunzwisisa kwavo uprofita uhwu. Wakanzwisisa mashoko iwayo here, uchiona zvaanoreva muupenyu hwako?a Ngatiahwirudzurei.
Kuzadzika Kune Ngwavaira Kwava Pedyo
4. Nei vaapostora vangave vakabvunza Jesu nezveramangwana?
4 Vaapostora vaiziva kuti Jesu aiva Mesiya. Saka pavakamunzwa achitaura nezvokufa kwake, kumutswa, uye kudzokera, vanofanira kuva vakashamisika kuti, ‘Kana Jesu achifa ndokuenda, angaita sei zvinhu zvinoshamisa zvinotarisirwa kuti Mesiya aite?’ Uyezve, Jesu akataura nezvokuguma kweJerusarema netemberi yaro. Vaapostora vangadaro vakashamisika kuti, ‘Izvozvo zvichaitika rini uye sei?’ Vachiedza kunzwisisa zvinhu izvi, vaapostora vakabvunza kuti: “Izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvoda kuitwa?”—Marko 13:4; Mateo 16:21, 27, 28; 23:37–24:2.
5. Zvakataurwa naJesu zvakazadzika sei muzana rokutanga ramakore?
5 Jesu akafanotaura kuti kwaizova nehondo, nzara, zvirwere, kudengenyeka kwapasi, kuvengwa nokutambudzwa kwavaKristu, vanamesiya venhema, uye kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo kwose kwose. Zvadaro mugumo waizouya. (Mateo 24:4-14; Marko 13:5-13; Ruka 21:8-19) Jesu akataura izvi pakuvamba mugore ra33 C.E. Mumakumi amakore aitevera, vadzidzi vake vakamuka vaigona kuzoziva kuti zvinhu zvakanga zvafanotaurwa zvakanga zviri kutoitika nenzira inokosha. Hungu, nhau inoratidza kuti chiratidzo chakava nokumwe kuzadzika panguva iyoyo, zvichiita kuti gadziriro yezvinhu yechiJudha igumiswe nevaRoma muna 66-70 C.E. Izvozvo zvakaitika sei?
6. Chii chakaitika pakati pavaRoma navaJudha muna 66 C.E.?
6 Muchirimo chaipisa cheJudhea cha66 C.E., vaZealot vechiJudha vakaita kuti varindiri veRoma vadenhwe munhare yaiva pedyo netemberi yomuJerusarema, vachinyandura chisimba kwose kwose munyika yacho. Mubhuku rinonzi History of the Jews, Purofesa Heinrich Graetz anorondedzera achiti: “Cestius Gallus, uyo aiva nebasa rokutsigira kukudzwa kwamauto eRoma saGavhuna weSiria, . . . akanga asingachagoni kungoramba akatarira kupandukira kwakanga kuri kuitika asingaedzi kudzivisa kubudirira kwacho. Akaunganidza mauto ake, uye machinda aiva munyika dzapedyo akazvipira kutumira mauto awo.” Iri uto re30 000 rakakomba Jerusarema. Varwa kwechinguvana, vaJudha vakabva vakanovanda seri kwemasvingo aiva pedyo netemberi. “Mumazuva mashanu akatevedzana vaRoma vakaedza kuputsa masvingo, asi vaingomanikidzwa kutiza zvombo zvavaJudhea nguva dzose. Vakatozobudirira kusekesa rutivi rwerusvingo rwokuchamhembe rwaiva mberi kweTemberi pazuva rechitanhatu.”
7. Nei vadzidzi vaJesu vaigona kuona zvinhu nenzira yakasiyana nevaJudha vakawanda?
7 Chimbofunga kuti vaJudha vangava vakavhiringidzika sei, sezvo vaingogara vachifunga kuti Mwari aizovadzivirira neguta ravo dzvene! Zvisinei, vadzidzi vaJesu vakanga vafanonyeverwa kuti ngwavaira yaizouya muJerusarema. Jesu akanga afanotaura kuti: “Uchasvikirwa namazuva, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose; vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe.” (Ruka 19:43, 44) Asi izvozvo zvaizoreva rufu kuvaKristu vaiva mukati meJerusarema muna 66 C.E. here?
8. Jesu akafanotaura nezvengwavaira ipi, uye ndivanaani vaiva “vakasanangurwa” vaizotapudzirwa mazuva?
8 Paaipindura vaapostora paGomo reMiorivhi, Jesu akafanotaura kuti: “Namazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwokusikwa kwakasikwa naMwari, kusvikira zvino, uye hakuchazovipo. Dai Ishe aisatapudza mazuva iwayo, hakuna nyama yairarama; asi nokuda kwavakasanangurwa vaakasanangura, wakatapudza mazuva iwayo.” (Marko 13:19, 20; Mateo 24:21, 22) Saka mazuva acho aizotapudzwa uye “vakasanangurwa” vaizoponeswa. Vaiva vanaani? Zvechokwadi kwete vaJudha vanopandukira vaiti vanonamata Jehovha asi vakanga varamba Mwanakomana wake. (Johane 19:1-7; Mabasa 2:22, 23, 36) Vakasarudzwa zvechokwadi kare ikoko vaiva vaJudha navakanga vasiri vaJudha vaya vaitenda Jesu saMesiya noMuponesi. Mwari akanga asarudza vakadaro, uye paPendekosti ya33 C.E., akanga avaumba kuti vave rudzi rutsva rwomudzimu, “vaIsraeri vaMwari.”—VaGaratia 6:16; Ruka 18:7; Mabasa 10:34-45; 1 Petro 2:9.
9, 10. Mazuva okudenha kweRoma aka“tapudz[w]a” sei, uye zvakaguma nei?
9 Mazuva “akatapudz[w]a” uye vakazodzwa vakasarudzwa muJerusarema vakaponeswa here? Purofesa Graetz anofungidzira kuti: “[Cestius Gallus] haana kufunga kuti zvakanaka kuti arambe achirwisa vanhu vakaperera vakashinga ndokutanga hondo dzinoramba dzichitevedzana mumwaka iwoyo, apo mvura yemunakamwe yaizokurumidza kutanga . . . uye yaizodzivirira uto kuti risagamuchira zvinhu. Nemhaka yeizvozvo pamwe akafunga kuti kwaiva kuchenjera zvikuru kudzoka.” Pasinei zvapo nokuti Cestius Gallus aifungei, uto reRoma rakatiza richibva paguta racho, rarasikirwa nevakawanda zvaparirwa nevaJudha vaitevera.
10 Kudzokera shure kunoshamisa ikoko kwavaRoma kwakaita kuti “nyama”—vadzidzi vaJesu vaiva pangozi muJerusarema—vaponeswe. Nhau inoratidza kuti apo mukana uyu wakazaruka, vaKristu vakatiza nzvimbo yacho. Kuratidzirwa kwakadini kwesimba raMwari rokufanoziva zvomunguva yemberi uye kuvimbisa kupukunyuka kwavanomunamata! Asi, zvakadini nezvavaJudha vasingatendi vakasara muJerusarema nomuJudhea?
Vairarama Panguva Iyoyo Vaizozviona
11. Jesu akatii nezve“chizvarwa ichi”?
11 VaJudha vakawanda vakafunga kuti gadziriro yavo yokunamata, yaiva patemberi, yaizoramba ichipfuurira nokusingaperi. Asi Jesu akati: “Dzidzai pamuonde: . . . Kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhezha rava pedyo. Saizvozvo, nemiwo, kana moona izvozvo zvose, zivai kuti wava pedyo pamukova. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: [Chizvarwa chino hachizombopfuuri, NW] kusvikira izvozvi zvose zvaitika. (Tisu tatsveyamisa mashoko) Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.”—Mateo 24:32-35.
12, 13. Vadzidzi vangava vakanzwisisa sei kutaura kwaJesu nezve“chizvarwa ichi”?
12 Mumakore akatangira 66 C.E., vaKristu vangadai vakaona mativi akawanda okutanga echiratidzo chinoumbwa nezvizhinji achiitika—hondo, nzara, kunyange kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo kwose kwose. (Mabasa 11:28; VaKorose 1:23) Zvisinei, mugumo waizouya rini? Jesu airevei paakati: ‘Chizvarwa ichi [chiGiriki, ge·ne·a] hachizopfuuri’? Kakawanda Jesu akanga adana vaJudha vakawanda vaishora vairarama panguva iyoyo, kubatanidza vatungamiriri vezvechitendero kuti, ‘chizvarwa chakaipa, chinoita upombwe.’ (Mateo 11:16; 12:39, 45; 16:4; 17:17; 23:36) Saka, paakataurazve nezve“chizvarwa ichi,” ari paGomo reMiorivhi, zviri pachena kuti akanga asingarevi rudzi rwose rwavaJudha munhau yose; uyewo akanga asingarevi vateveri vake, kunyange zvazvo vaiva “rudzi rwakasanangurwa.” (1 Petro 2:9) Jesu akanga asiriwo kutaura kuti “chizvarwa ichi” inhambo yenguva.
13 Panzvimbo pezvo, Jesu akanga achifunga nezvevaJudha vaishora kare ikoko vaizoona kuzadzika kwechiratidzo chaakapa. Pamusoro pokutaurwa kunoitwa “chizvarwa ichi” pana Ruka 21:32 (NW), Purofesa Joel B. Green anoti: “MuEvhangeri Yechitatu, ‘chizvarwa ichi’ (nemashoko akafanana) nguva dzose chakamirira boka ravanhu vanoramba chinangwa chaMwari. . . . [Chinoreva] vanhu vanofuratira chinangwa chaMwari nokusindimara.”b
14. “Chizvarwa” ichocho chakaonei, asi paiva sei nomugumisiro wakasiyana pavaKristu?
14 Chizvarwa chakaipa chevashori vechiJudha vaigona kuona chiratidzo chichiitika chaizoonawo mugumo. (Mateo 24:6, 13, 14) Uye ndizvo zvavakaita! Muna 70 C.E., uto reRoma rakadzoka, richitungamirirwa naTitus, mwanakomana waMambo Vespasian. Kutambura kwavaJudha vakanga vakavharirwazve muguta kunoita sokusingadaviriki.c Chimwe chapupu chakaona Flavius Josephus chinoti panguva iyo vaRoma vakazoparadza guta, vaJudha vanenge 1 100 000 vakanga vafa uye vamwe 100 000 vakaitwa nhapwa, vakawanda vaivavo vakanga vachizoparara zvinotyisa nenzara kana kuti munzvimbo dzemitambo dzeRoma. Zvechokwadi, dambudziko ra66-70 C.E. rakanga riri gurusa iro Jerusarema negadziriro yechiJudha zvakanga zvati zvamboona kana kuti zvaizomboona. Zvakaguma zvaitika zvacho zvakanga zvakasiyana zvakadini nokuda kwavaKristu vakanga vateerera nyevero yaJesu youprofita uye vakanga vabuda muJerusarema pashure pokuenda kwemauto eRoma muna 66 C.E.! VaKristu vakazodzwa “Vakasanangurwa” vaka“[poneswa, NW]” kana kuti vakachengetedzwa, muna 70 C.E.—Mateo 24:16, 22.
Kumwe Kuzadzika Kuchauya
15. Tingava sei nechokwadi chokuti uprofita hwaJesu hwaizozadzika zvikuru pashure pa70 C.E.?
15 Zvisinei, iwayo akanga asiri magumo. Pakuvamba, Jesu akanga aratidza kuti pashure pokunge guta raparadzwa, aizouya muzita raJehovha. (Mateo 23:38, 39; 24:2) Akazojekesa izvi muuprofita hwake hwaakataura ari paGomo reMiorivhi. Ataura nezve“kutambudzika kukuru” kuri kuuya, akataura kuti pashure pacho vanaKristu venhema vaizovapo, uye Jerusarema raizotsikwa-tsikwa namarudzi kwenguva yakareba. (Mateo 24:21, 23-28; Ruka 21:24) Zvingava here kuti kumwe kuzadzika, kwakatokura, kwaizouya? Zvakaitika zvinopindura kuti hungu. Patinoenzanisa Zvakazarurwa 6:2-8 (yakanyorwa pashure pekutambudzika kweJerusarema muna 70 C.E.) naMateo 24:6-8 naRuka 21:10, 11, tinoona kuti hondo, kuperevedza kwezvokudya, uye denda zvaizouya zvakawanda zvakanga zviri mberi. Uku kuzadzika kukuru kwemashoko aJesu kwave kuchiitika kubvira pakatanga Hondo Yenyika I muna 1914.
16-18. Tinotarisira kuti chii chichiri kufanira kuitika?
16 Kwamakumi amakore zvino, Zvapupu zvaJehovha zvakadzidzisa kuti kuzadzika kwenguva ino kwechiratidzo kunoratidza kuti “kutambudzika kukuru” hakusati kwaitika. “Chizvarwa” chakaipa chenguva ino chichaona kutambudzika ikoko. Zvinoita sokuti pachavazve nechiitiko chokutanga (kudenhwa kwezvitendero zvose zvenhema), sezvo kurwisa kwaGallus kwomuna 66 C.E. kwakatanga kutambudzika paJerusarema.d Zvadaro, kwapera nguva isina kutaurwa, mugumo uchauya—kuparadzwa kwenyika yose, kwakafanana nokuya kwomuna70 C.E.
17 Achitaura nezvekutambudzika kuri pamberi pedu apa, Jesu akati: “Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo [kuparadzwa kwechitendero chenhema], zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa. Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.”—Mateo 24:29, 30.
18 Saka, Jesu pachake anoti “shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo,” zviitiko zvokudenga zvorudzi rwakati zvichaitika. (Enzanisa naJoere 2:28-32; 3:15.) Izvi zvichashamisa kwazvo ndokutyisa vanhu vasingateereri zvokuti vacha“chema.” Vakawanda vacha“pera nokutya nokutarira zvinowira nyika.” Asi izvi hazvizoitiki kuvaKristu vechokwadi! Ava ‘vachasimudza misoro yavo, nemhaka yokuti kununurwa kwavo kwava pedyo.’—Ruka 21:25, 26, 28.
Kutongwa Kuri Mberi!
19. Tingaziva sei pachazadzika mufananidzo wamakwai nembudzi?
19 Cherekedza kuti Mateo 24:29-31 inofanotaura kuti (1) Mwanakomana womunhu anouya, (2) kuuya uku kuchava nembiri huru, (3) ngirozi dzichava naye, uye (4) ndudzi dzose dzapasi dzichamuona. Jesu anodzokorora zvinhu izvi mumufananidzo wemakwai nembudzi. (Mateo 25:31-46) Nokudaro, tinogona kugumisa kuti mufananidzo uyu une chokuita nenguva, pashure pokutanga kwokutambudzika, apo Jesu achauya nengirozi dzake ndokugara pachigaro chake kuti atonge. (Johane 5:22; Mabasa 17:31; enzanisa na1 Madzimambo 7:7; Dhanieri 7:10, 13, 14, 22, 26; Mateo 19:28.) Ndiani achatongwa, uye zvichaguma nei? Mufananidzo wacho unoratidza kuti Jesu achatarira marudzi ose, sokuti akaunganidzwa pamberi pechigaro chake chokudenga chaipo.
20, 21. (a) Chii chichaitika kumakwai omumufananidzo waJesu? (b) Chii chichaitika kumbudzi munguva yemberi?
20 Varume navakadzi vakafanana namakwai vachatsaurirwa kurudyi rwaJesu rwenyasha. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti vakashandisa mikana yavo kuti vaitire zvakanaka hama dzake—vaKristu vakazodzwa, vachagoverana naKristu muUmambo hwokudenga. (Dhanieri 7:27; VaHebheru 2:9–3:1) Maererano nemufananidzo wacho, mamiriyoni evaKristu vakafanana namakwai akaziva hama dzaJesu dzomudzimu uye vave vachishanda vachivatsigira. Somugumisiro, “vazhinji-zhinji” vane tariro yakavakirwa paBhaibheri yokupukunyuka “kutambudzika kukuru” nokuzorarama nokusingaperi muParadhiso, nzvimbo yapasi yoUmambo hwaMwari.—Zvakazarurwa 7:9, 14; 21:3, 4; Johane 10:16.
21 Pachava nomugumisiro wakasiyana zvakadini nokuda kwembudzi! Dzinorondedzerwa pana Mateo 24:30 sedziri ku“chema” panouya Jesu. Uye ngadzicheme, nokuti dzichava dzaita chinyorwa chokuramba mashoko akanaka oUmambo, chokushora vadzidzi vaJesu, uye chokusarudza nyika iri kupfuura. (Mateo 10:16-18; 1 Johane 2:15-17) Jesu—kwete vadzidzi vake vapi navapi vari pasi pano—ndiye anosarudza kuti mbudzi ndivanaani. Nezvadzo anoti: “Vachaenda kukurobwa kusingaperi.”—Mateo 25:46.
22. Chikamu chipi chouprofita hwaJesu chatinofanira kuongororazve?
22 Kuramba kwedu tichinzwisisa uprofita huri pana Mateo chitsauko 24 ne25 kwave kuchifadza. Zvisinei, pane chikamu chouprofita hwaJesu chinoda kuti tichiongororezve—‘nyangadzi yokuparadza imire panzvimbo tsvene.’ Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vashandise nzwisiso pamusoro peizvi uye vagadzirire kuita chiito. (Mateo 24:15, 16) Iyi “nyangadzi” chii? Inomira panzvimbo tsvene rini? Uye upenyu hwatinotarisira iye zvino nomune ramangwana hunobatanidzwa sei? Nyaya inotevera ichakurukura izvi.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya dzefundo dziri mumagazini eNharireyomurindi aFebruary 15, 1994; October 15 naNovember 1, 1995; uye August 15, 1996.
b Nyanzvi yeBritain G. R. Beasley-Murray inoti: “Mashoko okuti ‘chizvarwa ichi’ haafaniri kunetsa vadudziri. Nepo zvichibvumwa kuti genea muchiGiriki chokutanga zvaireva kuzvarwa, vana, uye nokudaro rudzi, . . . mu[Septuagint yechiGiriki] yaiwanzoshandura shoko rechiHebheru rokuti dôr, kureva zera, zera ravanhu, kana kuti chizvarwa mupfungwa yevakararama panguva imwe. . . . Mukutaura kwakaitwa naJesu shoko racho rinoita serinoreva zvinhu zviviri: kune rumwe rutivi nguva dzose rinoreva vaakararama navo panguva imwe, uye ukuwo nguva dzose rinoreva zvinoratidza kutsoropodza.”
c MuHistory of the Jews, Purofesa Graetz anotaura kuti vaRoma dzimwe nguva vairovera padanda vasungwa 500 pazuva. Vamwe vaJudha vaiva nhapwa vaigurwa maoko ndokudzorerwazve muguta. Zvii zvaiva zvichiitika ikoko? “Mari yakanga isingachakoshi, nokuti yakanga isingachagoni kutenga chingwa. Vanhu vairwa zvakasimba mumigwagwa vachirwira zvokudya zvakaora uye zvinosemesa, tsama yemakoto, kachidimbu kedehwe, kana kuti nyama yomukati yaikandirwa imbwa. . . . Nhamba yezvitunha zvisina kuvigwa yaiwedzera nokukurumidza yakaita kuti mhepo inopisa yechirimo iparire zvirwere, uye vanhu vakawanda vakarwara, vakafa nenzara, uye nomunondo.”
d Nyaya inotevera ichakurukura ichi chikamu chekutambudzika kwomunguva yemberi.
Unoyeuka Here?
◻ Mateo 24:4-14 yakazadzika sei muzana ramakore rokutanga?
◻ Munguva yavaapostora, mazuva akatapudzwa sei uye nyama ichiponeswa, sezvakafanotaurwa pana Mateo 24:21, 22?
◻ Chii chairatidza “chizvarwa” chinotaurwa pana Mateo 24:34?
◻ Tinoziva sei kuti uprofita hwakapiwa paGomo reMiorivhi hwaizova nokumwe kuzadzika, kwakatokura?
◻ Mufananidzo wamakwai nembudzi uchazadzika rini uye sei?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Zviri pa“Arch” yaTitus iri muRoma, zvinoratidza zvakapambwa pakaparadzwa Jerusarema
[Kwazvakatorwa]
Soprintendenza Archeologica di Roma