-
Chizvarwa cha 1914—Neiko Chichikosha?Nharireyomurindi—1992 | May 1
-
-
Muzana rokutanga ramakore N.V., Jesu akataura kuti kuvapo kwake kusingaoneki saMambo mutsva wapasi kwaizoratidzirwa nechiratidzo chinooneka. Iye akabvunzwa, kuti: “Chiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” Mhinduro yake? “Rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe; nenzara dzichavapo, nehosha, nokudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji. Asi zvinhu izvozvi zvichava kutanga kwenhamo.”—Mateo 24:3, 7, 8.
Naizvozvo, hondo yakatanga muna 1914 yakaperekedzwa nokuperevedza kwezvokudya kwakaipa, sezvo kugadzirwa kwenguva dzose kwezvokudya kwakadzongonyedzwa kweanopfuura makore mana. Zvakadiniko no“kudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji”? Mumakore gumi pashure pa 1914, kudengenyeka kwapasi kunoparadza kusiri pasi pegumi kwakauraya vanhu vanopfuura 350 000. (Ona bhokisi.) Zvamazvirokwazvo, chizvarwa cha 1914 chakatambura “kutanga kwenhamo.” Uye chifo chenguva iyoyo, marwadzo enhamo akarova nguva dzose muchimiro chengwavaira dzomusikirwo, nzara, uye hondo dzakawanda zvikuru.
Kunyanguvezvo, mashoko okugadzwa kwoUmambo hwaMwari muna 1914 mashoko akanaka nemhaka yokuti Umambo ihwohwo huchadzivisa pasi rino mukuparadzwa. Seiko? Huchabvisa marudzidziso ose enhema, anonyengera, hurumende dzakaipa, uye pesvedzero yakaipa yaSatani. (Dhanieri 2:44; VaRoma 16:20; Zvakazarurwa 11:18; 18:4-8, 24) Uyezve, huchapinza nyika itsva umo “kururama kuchagara.”—2 Petro 3:13, NW.
Nokukurumidza pashure peHondo yeNyika I, Vadzidzi veBhaibheri vapachokwadi, sezvo Zvapupu zvaJehovha zvaizivikanwa panguva iyeyo, vakavamba kunzwisisa ropafadzo yavo pamusoro porumwe rutivi rwechiratidzo chokuvapo kwaJesu saMambo. Jesu Kristu akadeya kutaura, kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:14, NW.
Kubva mumavambo maduku muna 1919, Zvapupu zvaJehovha zvakapfuurira zvisingaregi kuparadzira “aya mashoko akanaka.” Somuuyo, mamirioni anobva munyika dzinopfuura 200 ari kuunganidzwa zvino savadzorwi voUmambo hwaMwari. Uye zvikomborero zvakadini zvakamirira vadzorwi ivava! Umambo hwacho huchaparadza hondo, nzara, utsotsi, uye udzvinyiriri. Huchatokurira chirwere norufu!—Pisarema 46:9; 72:7, 12-14, 16; Zvirevo 2:21, 22; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Chizvarwa cha 1914 chisati chapfuura, basa rokuparidzira Umambo richave rapedza donzo raro. “Nenguva iyo,” Jesu akadeya kutaura kudaro, “kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo. Dai mazuva iwayo asaitapudzwa, hakune nyama yairarama, asi nokuda kwavakasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa.”—Mateo 24:21, 22.
-
-
Chizvarwa cha 1914—Neiko Chichikosha?Nharireyomurindi—1992 | May 1
-
-
[Chati iri papeji 7]
Kudengenyeka Kwapasi Mumakore Gumi Pashure pa 1914
Musi: Nzvimbo: Nzufu:
January 13, 1915 Avezzano, Italy 32 600
January 21, 1917 Bali, Indonesia 15 000
February 13, 1918 Kwangtung Province, China 10 000
October 11, 1918 Puerto Rico (yokumadokero) 116
January 3, 1920 Veracruz, Mexico 648
September 7, 1920 Reggio di Calabria, Italy 1 400
December 16, 1920 Ningsia Province, China 200 000
March 24, 1923 Szechwan Province, China 5 000
May 26, 1923 Iran (kuchamhembe 2 200
kwakadziva kumabvazuva)
September 1, 1923 Tokyo-Yokohama, Japan 99 300
Kubva mundaza ye“Significant Earthquakes of the World” iri mubhuku rinonzi Terra Non Firma, rakanyorwa naJames M. Gere naHaresh C. Shah.
-