Uchateerera Nyevero yaMwari Here?
VANHU vanowanzofuratira nyevero dzinoponesa upenyu. Vazhinjisa vavagari vemo vePompeii vakasarudza kufuratira kutinhira kwakashata kweGomo reVesuvius. Nomutoo wakafanana, vanhu vazhinjisa nhasi vari kufuratira nyevero dzengwavaira yenyika yose iri kuuya. Asi kuavo vanodisa kutarisana namaidi, nyevero yacho ichaiyoiyo sokupenya kwemheni nomwoto izvo zvakabva muGomo reVesuvius shure muzana rokutanga ramakore. Hondo mbiri dzenyika, mazana erwisano duku zvikuru dzakashongedzerwa nezvombo, nzara, kudengenyeka kwapasi kukuru, nhenda, fungu pashure pefungu routsotsi namasimba masimba, uye nhimbe yokuparidzira yenyika yose pamwe chete zvinoumba nyevero inoshamisa yokuti chaunga chavanhu chiri kusvika nokukurumidza njodzi ine ngwavaira.
Bhaibheri rinoita uku kudeya kutaura kwakakomba: “Kuchava nedambudziko guru rakadai serisina kumboitika chifo chamavambo enyika kutozosvikira zvino, aiwa, uyewo harisati richizoitikazve.” (Mateo 24:21, NW) Sezvakwakanga kuri chinoitika mungwavaira yapaPompeii, kuchava naavo vanopukunyuka—“boka guru, risina munhu akakwanisa kuverenga, rinobva mumarudzi ose nendudzi navanhu nendimi,” richapukunyuka, ndiko kuti, “kubuda mudambudziko guru.”—Zvakazarurwa 7:9, 14, NW.
Mubvunzo ndouyu, Urwu ruparadziko ruchauya rini? Pane chikonzero chinogombedzera chokudavira kuti dambudziko racho rava pedyo. Sezviri pachena vachirangarira nguva, vadzidzi vaJesu vakabvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” (Mateo 24:3, NW) Cherechedza mhinduro Jesu Kristu akapa.
Hondo—Rutivi Rwakatanhamara Rwechiratidzo Chakaumbwa Nezvizhinji
Jesu haana kudeya kutaura zvake chinoitika chimwe chakatanhamara. Panzvimbo pezvo, iye akataura nezvenhevedzano yezvinoitika izvo, zvikarangarirwa pamwe chete, zvaizoumba nyevero youmwari—chiratidzo chakaumbwa nezvizhinji chemhedziso yetsika yezvinhu. Chinoitika chokutanga chakadeya kutaurwa chinorondedzerwa pana Mateo 24:7, (NW): “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo.” Muuporofita hunowirirana huri pana Zvakazarurwa 6:4, Bhaibheri rakadeya kutaura kuti ‘rugare rwaizobviswa papasi.’ Ikoku kwakareva hondo pamwero usina muenzaniso.
Nhau inotiudza kuti uporofita ihwohwu hwehondo yenyika yose hwakazadzika chifo chegore risingakanganwiki 1914. Bhuku rinonzi American Adventures rinoti pamusoro pamakore apamberi pa 1914: “VaAmerica vazhinji vakanga vapinda muzana ramakore idzva vakazara netariro. Aya akanga ari ‘makore akanaka’ uye akapinda mumakumi maviri amakore ezana racho ramakore. . . . Ipapo, pana July 28, 1914, ichi chimiro chendangariro chakazununguswa neshoko rimwe: hondo.” Nokudaro yakavamba Hondo yeNyika I, iyo yakavambira muna 1914 kusvikira kuna 1918 uye yakanzi navamwe “hondo yokugumisa hondo dzose.” Nyika dzine makumi maviri netsere dzakabatanidzwa zvakananga mairi. Uye kana ukabatanidza nyika dzakabatira savatsamiri vadzo, marudzi anorwa hondo akamirira inenge 90 muzana yechiverengero chavagari venyika panguva iyoyo.
Hondo yeNyika I yakaonawo kushandiswa kwezvombo zvitsva nezvinouraya zvikurusa zvehondo, zvakadai sechigwagwagwa, utsi hune chepfu, zvombo zvinokanda marimi omwoto, motokari dzehondo, ndege, uye ngarava dzinofamba napasi pemvura. Varwi vanodokusvika mamirioni gumi vakaurawa—kupfuura varwi vose muhondo huru dzose dzakarwiwa mukati mamakore 100 akatangira! Vanenge mamirioni 21 vakakuvadzwa. Zvirokwazvo, yakanga iri hondo yenyika yose, inoratidzira 1914 samavambo a“mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1) Zvisinei, hondo yakanga ichingova rutivi rumwe chete rwechiratidzo chaJesu.
Mamwe Mativi Echiratidzo
Jesu akawedzera, kuti: “Kuchava neperevedzo dzezvokudya nokudengenyeka kwapasi munzvimbo nenzvimbo. Zvinhu zvose izvozvi mavambo amarwadzo enhamo.” (Mateo 24:7, 8, NW) Ruka 21:11 (NW), inowedzera “nhenda” kundaza iyoyo. Hondo yeNyika I isati yaguma, murakatira wefuruwenza yeSpain wakavamba kupararira mupasi. Pakupedzisira, wakauraya vanhu vanopfuura mamirioni 20, kupfuura avo vose vakanga vafira muhondo.
Mukati napashure pehondo, mamirioni avamwe akafa nenzara. Kudengenyeka kwapasi kwakaparirawo nzufu dzakawanda. Muna 1915 vanopfuura 30 000 vakaurawa muItaly; muna 1920 vanenge 200 000 vakaparara muChina; muna 1923 vanodokusvika 143 000 vakafa muJapan. Zvisinei, sezvakaratidzira Jesu, kwose ikoku kwaingova chete mavambo amarwadzo enhamo. Rimwe duramashoko rinorondedzera “marwadzo” so“kunzwika kupfupi kunobaya kwamarwadzo.” Nyika ino yave ichidzedzereka kubva pakunzwika kumwe kwamarwadzo kuenda kukunotevera noukombi hunowedzera nguva dzose nouzhinji chifo cha 1914. Somuenzaniso, makore 21 chete pashure peHondo yeNyika I kwakauya hondo yenyika yechipiri, iyo yakatora vanyajambwa vane mamirioni 50 ndokupinza rudzi rwomunhu muzera renyukireya.
Mumakore achangobva kupfuura zvakawanda zvakataurwa pamusoro pechimwezve chisakiso chenhamo: kuparadza kwomunhu mhoteredzo. Kunyange zvazvo Jesu asina kududza ikoku zvakananga muuporofita hwake, Zvakazarurwa 11:18 (NW), inoratidzira kuti pamberi poruparadziko runouya, munhu aizova achi“paradza pasi.” Ufakazi hwokuti uku kuparadza kuri kuitika hwakawanda. Achinokorwa mashoko mubhuku rinonzi State of the World 1988, nyanzvi yemhoteredzo Norman Myers inopa iri shoko rinotyisa: “Hakuna chizvarwa munguva yakapfuura chakatarisana nekariro yokutsakatika kwavazhinji mukati menduramo yacho. Hakuna chizvarwa munguva yemberi chichazombotarisana nedenho yakafanana: kana chizvarwa chino chazvino chikakundikana kubata basa racho, kuvadziko ichave yaitwa uye hakusati kuchizova no‘kuedza kwechipiri.’”
Rangarira mushumo womuchinyorwa chamagazini yeNewsweek chaFebruary 17, 1992, pamusoro pokupera kweozone mumhepo yakapoteredza pasi. Nyanzvi yeozone yeGreenpeace Alexandra Allen yakanokorwa mashoko seinonyevera kuti kurasikirwa neozone “zvino ityisidziro kunguva yemberi youpenyu hwose pasi pano.”—Ona bhokisi riri papeji ino nokuda kwohumwe ufakazi hwokuparadzwa kwemhoteredzo yapasi.
Nzvimbo haisati ichibvumidza kurukurirano ino udzame yamativi ose ouporofita hwaJesu. (Ona chati iri papeji 5 nokuda kwokunzverwa kwamamwe mativi ouporofita.) Rutivi rumwe rusingagoni kufuratirwa, kunyanguvezvo, runorondedzerwa pana Mateo 24:14, (NW): “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” Pane panikiro shomanene pamusoro pokuti ndiani ari kupfuuridzira iri basa rokuparidzira romunyika yose. Zvapupu zvaJehovha munyika 229 zvakapedzera maawa anopfuura bhirioni imwe muiri basa mugore ra 1992 roga. Basa razvo nokudaro rinoumba chimwe chezvibvumikiso zvinooneka zvikurusa zvokuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira.
Usanyengedzwe!
Vamwe vangataura, kunyanguvezvo, kuti uku kutaurwa kwose kwa“mazuva okupedzisira” kunongova zvako kusava netariro. ‘Zvakadiniko noruparadziko rwemisi ichangobva kupfuura rwechiKomonizimu muEastern Europe?’ ivo vanobvunza kudaro, ‘kana kuti nhamburiko dzamasimba makuru dzokuita rugare? Ihwohwu hahusati huri hufakazi here hwokuti zvinhu zviri kuita zviri nani?’ Aiwa. Cherechedza kuti Jesu haana kutaura kuti nyika yose yaizopfuurira kumonzverwa muhondo, kudengenyeka kwapasi, uye nzara mukati mamazuva okupedzisira. Kuti mashoko akanaka agoparidzirwa munyika yose, kwaizofanira kuva nedzinenge nhambo dzeteramo ino mwero.
Yeukawo kuti Jesu akaenzanisa mazuva okupedzisira namazuva apamberi paMafashamo aNoa. Panguva iyoyo vanhu vakanga vakabatikana nokudya, kunwa, uye kuroora—mibato yenguva dzose youpenyu. (Mateo 24:37-39) Ikoku kwaizoratidzira kuti apo migariro mukati mamazuva okupedzisira yaizova inotambudza, zvinhu hazvisati zvaizoipa kusvika kupfundo apo zvinorondwa zvenguva dzose zvoupenyu zvaizova zvisingabviri. Somuzuva raNoa, voruzhinji zvikuru vedzinza romunhu vakabatikana kwazvo nezvinoitika zvezuva nezuva zvokuti havacherechedzi ukombi hwenguva.
Naizvozvo, kwaizova kune ngozi kupinda mukusakendenga nemhaka yezvinoitika zvamatongerwe enyika zvinoratidzika kuva zvakanaka. (Enzanisa na 1 VaTesaronika 5:3.) Ufakazi hwakawanda hwokuti uporofita hwaJesu huri kuzadzika zvino—nyevero yokuti ruparadziko rwava pedyo!
Miuyo Ine Mbiri
Ruparadziko rwePompeii rwakaunza rufu nenhamo. Zvisinei, mugumo wetsika ino yazvino uchagadzirira nzira upenyu husingagumi muparadhiso yapasi yakaisvonaka. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Hurumende dzavanhu dzinokamuranisa hadzisati dzichizoparadzazve pasi nehondo. Vanhu havasati vachizodederazve nemhaka yetyisidziro yokuuraya kwenyukireya. Achaparara achava mafekitari ayo anopinza makemikoro ane chepfu mumhoteredzo.—Dhanieri 2:44.
Panguva iyoyo munhu ari ose mupenyu achava mudi wokururama neshamwari yechokwadi, anoteerera chose chose kutonga kwoUmambo. (Pisarema 37:10, 11) Zvipatara, dzimba dzamariro, uye makuva zvichava zvinhu zvomunguva yakapfuura. Chatanuro, paradzano, kuora mwoyo, uye kushatiswa kwavana nenzira yakafanana hazvisati zvichizovapozve.—Isaya 25:8; 65:17.
Iwe unoda here kupukunyuka mazuva okupedzisira ndokurarama kuti uone nyika itsva ine mbiri yaMwari? Ipapo “murinde, . . . ; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini.” (Marko 13:33) Kunyanguvezvo, zvinoitika zvenyika zvinoita kuve pachena kuti nguva yakagadzwa yava pedyo—pedyo nenzira ine ngozi nokuda kwavazhinji. Hakuna nguva yokurasikirwa nayo. Naizvozvo ita chiito chinoponesa upenyu, uye tsvaka avo vari kuteerera nyevero yomunyika yose yamazuva okupedzisira. Ivava havatani kuzivikanwa, nokuti ivo voga vari kuteerera murairo waJesu wokuparidzira mashoko akanaka oUmambo munyika yose. Pamwe chete navakadaro, ita nhano dzokuzvibatanidza umene naMambo, Kristu Jesu, nezvake kwakanzi: “Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo.”—Mateo 12:18, 21.
[Bhokisi riri papeji 5]
Mativi Ane Makumi Maviri Namana Echiratidzo
1. Hondo isina muenzaniso—Mateo 24:6, 7; Zvakazarurwa 6:4
2. Kudengenyeka kwapasi—Mateo 24:7; Marko 13:8
3. Perevedzo dzezvokudya—Mateo 24:7; Marko 13:8
4. Nhenda—Ruka 21:11; Zvakazarurwa 6:8
5. Kusateerera mutemo kunowedzera—Mateo 24:12
6. Kuparadzwa kwapasi—Zvakazarurwa 11:18
7. Rudo runotonhora—Mateo 24:12
8. Zviono zvinotyisa—Ruka 21:11
9. Rudo rwakanyanya rwemari—2 Timotio 3:2
10. Kusateerera vabereki—2 Timotio 3:2
11. Kuda mifarwa kupfuura Mwari—2 Timotio 3:4
12. Kuzvida kunotonga—2 Timotio 3:2
13. Kushaikwa kukuru kwechidakadaka chomuzvarirwo—2 Timotio 3:3
14. Vanhu vasina kuzaruka kubvumirano ipi neipi—2 Timotio 3:3
15. Kuzvidzora kunoshaika pamwero yose yenzanga—2 Timotio 3:3
16. Kushaikwa kwakapararira kworudo rworunako—2 Timotio 3:3
17. Vazhinji vanotaura nenzira yokunyengera kuva muKristu—2 Timotio 3:5
18. Kudyisa nokunwisa zvinoitwa navamwe—Ruka 21:34
19. Vaseki vanoramba chiratidzo—2 Petro 3:3, 4
20. Vaporofita vazhinji venhema vanoshingaira—Mateo 24:5, 11; Marko 13:6
21. Kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakagadzwa—Mateo 24:14; Marko 13:10
22. Kutambudzwa kwamaKristu echokwadi—Mateo 24:9; Ruka 21:12
23. Kushevedzerwa kworugare nechengeteko kuchagumisa mazuva okupedzisira—1 VaTesaronika 5:3
24. Vanhu havacherechedzi ngozi—Mateo 24:39
[Bhokisi riri papeji 6]
Zvinetso Zvemhoteredzo—Chiratidzo Chenguva
◻ Chidzitiro cheozone chinodzivirira munzvimbo dzina vanhu vazhinji zvikuru dzeNorthern Hemisphere chiri kutetepa nokukurumidza nakaviri kupfuura izvo masayendisiti aifunga makore mashomanene chete apfuura.
◻ Chiverengero chidukusa chamarudzi emiti nemhuka 140 chiri kutsakatika zuva rimwe nerimwe.
◻ Mwero yemhepo yakapoteredza pasi yecarbon dioxide inobata kupisa zvino yakakwira ne 26 muzana kupfuura pamberi pokukura kwamabasa okugadzira zvinhu, uye inopfuurira kukwira.
◻ Pamusoro papasi paipisa zvikuru muna 1990 kupfuura mugore ripi neripi chifo chaapo kuchengeta chinyorwa kwakavamba pakati pezana ramakore rechi 19; matanhatu amakore manomwe anopisa zvikurusa akanyorwa akaitika chifo cha 1980.
◻ Masango ari kuparara pamwero wamahectare ane mamirioni 17 pagore, nharaunda inenge hafu yohukuru hweFinland.
◻ Chiverengero chavagari venyika chiri kukura navanhu vana mamirioni 92 gore negore—vanodokuenzana nokuwedzera imwe Mexico gore rimwe nerimwe; veiyi hwerengedzo, mamirioni 88 ari kuwedzerwa munyika dziri kubudirira.
◻ Vanhu vane mabhirioni 1,2 havana mvura yakanaka yokunwa.
Mukuwirirana nebhuku rinonzi State of the World 1992, rakanyorwa neWorldwatch Institute, mapeji 3, 4, W. W. Norton & Company, New York, London.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Pashure poruparadziko kuchauya nyika itsva ine mbiri yaMwari