-
Uporofita hweBhaibheri Hwawakaona HuchizadzikaBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
-
-
“Mavambo Amarwadzo Enhamo”
11, 12. Ko hondo yenyika yokutanga yakangova bedzi “mavambo amarwadzo enhamo” munzirai?
11 Ndima dzapakuvamba dzouporofita hwaJesu dzinopedzisa namashoko, anoti: “Zvinhu izvi mavambo amarwadzo enhamo.” Zvamazvirokwazvo ikoku kwakanga kuri kwechokwadi nezvehondo yenyika yokutanga. Mugumo wayo muna 1918 hauna kuunza rugare rwunogarisa. Yakakurumidza kuteverwa nezviito zvakaganhurirwa asi zvakakasharara zvehondo muEthiopia, Libya, Spain, Russia, India, uye dzimwe nyika. Ipapo hondo yenyika yechipiri inotyisa yakasvika, iyo yakauraya varwi vehondo navasati vari varwi vane mamirioni 50.
12 Uyezve, pasinei hapo nezvibvumirano zvorugare zvapanhambo nenhambo nokuterama mukurwa, rudzi rwomunhu rwuchiri kurwa. Muna 1987 kwakashumwa kuti hondo huru 81 dzakanga dzarwiwa chifo cha 1960, dzichiuraya varume, vakadzi, uye vana vane 12 555 000. Gore ra 1987 rakaona hondo dzakawanda dzichirwiwa kupfuura gore ripi neripi rakapfuura munhau yakanyorwa.1 Kupfuurirazve, gadziriro yehondo nendyiko, zvino zvosvika hwerengedzo yaanenge $2 500 000 000 000 gore negore, inoshatsa mugariro wezvemari wenyika.2 Uporofita hwaJesu hwo‘rudzi ruchimukirana norudzi noumambo huchimukirana noumambo’ huri kuzadzika zvamazvirokwazvo. Bhiza dzvuku rehondo rinopfuurira kugagadika kwaro kunotyisa richigura pasi. Asi zvakadiniko norutivi rwechipiri rwechiratidzo chacho?
-
-
Uporofita hweBhaibheri Hwawakaona HuchizadzikaBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
-
-
14. Inzarai huru kubvira muna 1914 yakazadzika uporofita hwaJesu?
14 Ko kunobvira here kuti uhu uporofita huri kuzadzika nhasi, apo dzimwe nyika dzakawana mipimo yakakwirira yakadaro yokurarama? Kuringa panyika yose zvayo hakusiyi panikiro pamusoro pemhinduro. Munhau, nzara dzakaparirwa nehondo nengwavaira dzomusikirwo. Hakusati kuchishamisa, ipapoka, kuti zana redu ramakore, iro rakava negoverano inopfuura mugove waro wengwavaira nehondo, rakatambudzwa ratambudzwazve nenzara. Mativi mazhinji apasi akatambura ngwavaira dzakadaro chifo cha 1914. Mumwe mushumo unoronga dzinopfuura nzara huru dzine 60 chifo cha 1914, munyika dzakaparadzana zvikuru dzakadai seGirisi, Netherlands, U.S.S.R, Nigeria, Chad, Chile, Peru, Bangladesh, Bengal, Kampuchea, Ethiopia, uye Japan.3 Dzimwe dzeidzi nzara dzakagara kwamakore anoverengeka uye dzakaparira mamirioni enzufu.
-
-
Uporofita hweBhaibheri Hwawakaona HuchizadzikaBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
-
-
Kudengenyeka Kwapasi
17. Kudengenyekai kwapasi kunoparadza kwakaitika nokukurumidza pashure pa 1914?
17 Pana January 13, 1915, apo hondo yokutanga yenyika yakanga yava nemwedzi mishomanene bedzi, kudengenyeka kwapasi kwakatenhedza Abruzzi, Italy, uye kwakauraya vanhu vane 32 610. Iyi ngwavaira hurusa inotiyeuchidza kuti hondo nokuperevedza kwezvokudya mukati mokuvapo kwaJesu zvaizoperekedzwa nechimwe chinhuwo: “Kuchava . . . nokudengenyeka kwapasi munzvimbo nenzvimbo.” Pamusoro pehondo nenzara, kudengenyeka kwapasi kweAbruzzi kwakanga kuchingova bedzi “mavambo amarwadzo enhamo.”a
-
-
Uporofita hweBhaibheri Hwawakaona HuchizadzikaBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
-
-
a Kwakanga kune kunenge kudengenyeka kwapasi kushanu pakati pa 1914 na 1918 kwakaratidzira 8 kana kuti kupfuura pachiyero cheRichter—kune simba zvikuru kupfuura kudengenyeka kwapasi paAbruzzi. Zvisinei, uku kutenheka kwaiva munharaunda dziri kure nekure dzenyika, uye nokudaro hadzina kukwezva ngwariro yakawanda kwazvo sokutenheka kweItaly.5
-