RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Uporofita hweBhaibheri Hwawakaona Huchizadzika
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
    • 25 Zvisinei, Bhaibheri rinorereudzira ngwariro yedu kune rumwe rudzi rwechikara chakaparira rutyo chairwoirwo mumakore achangobva kupfuura aya. Muporofita Ezekieri akaenzanisira vanhu vane masimba masimba nezvikara apo iye akati: “Machinda aro ari pakati paro akafanana namapere anobvanzura nyama yakabatwa mukuteura ropa, mukuparadza mweya nokuda kwedonzo rokuita mhindu isina kururama.” (Ezekieri 22:27) Apo iye akaporofita “kuwedzera kwokusateerera mutemo,” Jesu, chokwadika, akanga chitaura kuti “zvikara” zvakadaro zvaizoshingaira pasi pano mukati mokuvapo kwake. (Mateo 24:12) Munyori weBhaibheri Pauro anowedzera kuti mukati “mamazuva okupedzisira” vanhu vaizova “vadi vemari . . . vasina kuzvidzora, vanotyisa, vasina rudo rworunako.” (2 Timotio 3:1-3) Ikoku kwave kwakadaro here chifo cha 1914?

      26-28. Mishumoi inobva mukupota nyika inoratidzira kuti “zvikara” zvoutsotsi zviri kuvhima pasi?

      26 Zvamazvirokwazvo kwave kwakadaro. Kana iwe uchigara murinenge guta guru ripi neripi pasi pano, unotoziva izvozvi. Asi kana uchikupanikira, imborangarira kunokorwa kwamashoko kunotevera kwazvino uno kwepepanhau. MuColombia: “Gore rakapera mapurisa akanyora . . . kunenge kuponda kune 10 000 uye kuba kwakashongedzerwa nezvombo kune 25 000.” MuVictoria, Australia: “Wedzero Huru Muutsotsi Hukuru.” MuUnited States: “Kuuraya muNew York Kunowedzera Nechiverengero Chakakwira Munhau.” “Detroit yakakurira Gary, Ind., gore rapera seguta guru nomwero wakakwirira zvikuru wokuponda murudzi rwacho—58 pavagari vane 100 000.”

      27 MuZimbabwe: “Kupondwa kwavacheche kwasvika mwero yakakwirira zvikuru.” MuBrazil: “Mune utsotsi hwakawanda kwazvo muno, uye kufamba kwakawanda kwazvo nezvombo, zvokuti nhau dzamasimba masimba hadzisati dzichambomutsazve fariro huru.” MuNew Zealand: “Kubata chibharo noutsotsi hwamasimba masimba zvinopfuurira kuva itiro hanya huru nokuda kwamapurisa.” “Mwero wavagari veNew Zealand wamasimba masimba kune mumwe mumwe ungagona bedzi kurondedzerwa sowoutsinye.” MuSpain: “Spain inorwisana nechinetso chinowedzera choutsotsi.” MuItaly: “Mafia yeSicily, pashure pedziviswo, inomutsidzirwa mufungu rokuuraya.”

  • Uporofita hweBhaibheri Hwawakaona Huchizadzika
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
    • 29, 30. Chii chiri mugariro worudzidziso muchiKristudhomu, muzadziko youporofita hwaJesu?

      29 Rudzidziso rwaizoita sei mukati menguva dzinotambudza dzokuvapo kwaJesu? Kune rumwe rutivi, Jesu akaporofita kuti kwaizova nokuwedzera mumubato worudzidziso: “Vaporofita vazhinji venhema vachamuka vachitsausa vazhinji.” (Mateo 24:11) Kune rumwe rutivi, iye akadeya kutaura kuti muchiKristudhomu chose zvacho, fariro muna Mwari yaizova pamwero muduku. “Rudo rwechiverengero chikuru zvikuru ruchatonhora.”—Mateo 24:12.

      30 Ikoku zvamazvirokwazvo kunorondedzera chiri kuitika nhasi muchiKristudhomu. Kune rumwe rutivi, machechi makuru zvikuru kunzvimbo iri yose ari kukundikana kupfurikidza nokushaya tsigiro. Mune dzimwe nyika dzaichimbova dzechiPurotesitendi dzakasimba dzokuchamhembe kweEurope neEngland, rudzidziso rwangova rwakafa harwo. Panguva imwe cheteyo, Chechi yeKaturike iri kutambura kushaya vaprista netsigiro iri kuderera. Kune rumwe rutivi, kwave kune wedzero mumativi amarudzidziso maduku. Miitiro yakavakirwa pamarudzidziso okuMabvazuva inowedzera, apo vaevhangeri vane udyire vomuterevhizheni vanopamba mamirioni amadhora.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe