RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mashoko Akanaka Ari Kuparidzwa Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • Chidzidzo 21. Murume ari kutaura neZvapupu zvaJehovha zviviri zvakamira pachingoro.

      CHIDZIDZO 21

      Mashoko Akanaka Ari Kuparidzwa Sei?

      Munguva pfupi iri kutevera, Jehovha achabvisa matambudziko edu ese achishandisa Umambo hwake. Hatingambotadza kuudza vamwe mashoko akadaro. Jesu aida kuti vateveri vake vazoudza munhu wese mashoko aya. (Mateu 28:19, 20) Zvapupu zvaJehovha zviri kuteerera sei murayiro uyu wakapiwa naJesu?

      1. Mateu 24:14 iri kuzadziswa sei mazuva ano?

      Jesu akataura kuti: “Mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese.” (Mateu 24:14) Zvapupu zvaJehovha zvinoita basa iri rinokosha nemufaro. Tiri kuparidza mashoko akanaka pasi rese mumitauro inopfuura 1 000! Basa rakakura zvakadaro rinotoda kushanda nesimba uye kunyatsorongeka. Kudai pasina rubatsiro rwatinopiwa naJehovha taisamborikwanisa.

      2. Tinoitei kuti tikwanise kuparidzira vanhu?

      Tinoparidza kwese kunowanikwa vanhu. Tinoparidza “paimba neimba” sezvaingoitwa pakatanga chiKristu. (Mabasa 5:42) Nzira iyi yakarongeka inoita kuti tikwanise kutaura nemamiriyoni evanhu gore negore. Sezvo vanhu vasingagari vari padzimba dzavo, tinoparidzawo munzvimbo dzakasiyana-siyana dzinowanika vanhu. Tinogara tichitsvaga mikana yekuudza vamwe nezvaJehovha nezvinangwa zvake.

      3. Kuparidza mashoko akanaka ibasa raani?

      Ushumiri, kana kuti kuparidza mashoko akanaka, ibasa remuKristu wese wechokwadi. Tinoita basa iri nemwoyo wese. Tinoita zvese zvatinogona kuti tiparidze, maererano nemamiriro edu ezvinhu, nekuti tinoziva kuti zvinoponesa vanhu. (Verengai 1 Timoti 4:16.) Hatibhadharwe kuti tiite basa iri nekuti Bhaibheri rinoti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mateu 10:7, 8) Havasi vese vanoteerera mashoko edu. Asi tinoramba tichiparidza nekuti ndiko kunamata kwedu uye Jehovha anofara nazvo.

      WEDZERA KUONGORORA

      Dzidza zvimwe zvinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoshanda nesimba pakuparidza pasi rese uye kuti Jehovha anotibatsira sei pabasa iri.

      A. Zvapupu zvaJehovha zviviri zviri kuparidzira kuCosta Rica. B. Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidzira kuUnited States. C. Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidzira kuBenin. D. Chapupu chaJehovha chiri kuparidzira kuThailand. E. Zvapupu zvaJehovha zviviri zviri kuparidzira mumwe mukadzi kuYap. F. Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidzira mumwe mukadzi kuSweden.

      Kuparidza pasi rese: (A) Costa Rica, (B) United States, (C) Benin, (D) Thailand, (E) Yap, (F) Sweden

      4. Tinoshanda nesimba kuti tisvitse mashoko akanaka kuvanhu vese

      Tinoita zvese zvatinogona kuti tiparidze mashoko akanaka kwese kwese. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:

      VHIDHIYO: Kuparidza “Kurutivi Ruri Kure Kwazvo Rwenyika” (7:33)

      • Unoona sei zvinoedza kuitwa neZvapupu zvaJehovha kuti zviparidzire vamwe?

      Verengai Mateu 22:39 uye VaRoma 10:13-15, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

      • Ushumiri hwedu hunoratidza sei kuti tinoda vavakidzani vedu?

      • Jehovha anoona sei vanhu vanoparidza mashoko akanaka?—Ona vhesi 15.

      5. Tinoshanda pamwe chete naMwari

      Imwe nyaya inoratidza kuti ichocho ichokwadi yakaitika kuNew Zealand, uko mumwe murume anonzi Paul akasangana nemumwe mukadzi paaiparidza paimba neimba. Mangwanani emusi iwoyo mukadzi iyeye akanga anyengetera kuna Mwari achishandisa zita rake rekuti Jehovha, achikumbira kuti mumwe munhu amushanyire. Paul akati, “Ndakasvika pamba pake pachangopfuura maawa matatu kubva paakanyengetera.”

      Verengai 1 VaKorinde 3:9, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

      • Nyaya dzakadai seyakaitika kuNew Zealand dzinoratidza sei kuti Jehovha ndiye ari kutungamirira pabasa rekuparidza?

      Verengai Mabasa 1:8, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

      • Nei tichitoda kubatsirwa naJehovha kuti basa redu rekuparidza ribudirire?

      Waizviziva here?

      Vhiki rega rega pane musangano watinoita pakati pevhiki patinodzidziswa kuita basa rekuparidza. Kana wakambopinda musangano uyu, wakaona sei madzidzisirwo atinoitwa basa iri?

      Zvapupu zviviri zvichidzidzira kuparidza pamisangano yeungano.

      6. Tinoteerera murayiro watakapiwa naMwari wekuti tiparidze

      Makore akatanga chiKristu, vavengi vakaedza kumisa basa rekuparidza raiitwa nevateveri vaJesu. VaKristu vakarwira kodzero yavo yekuparidza “mashoko akanaka nekushandisa mutemo kuita kuti asarambidzwa.” (VaFiripi 1:7) Ndizvo zvinoitwawo neZvapupu zvaJehovha.a

      Ngationei VHIDHIYO.

      VHIDHIYO: Kurwira Kodzero Yekuparidza Mashoko Akanaka (2:28)

      Verengai Mabasa 5:27-42, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

      • Nei tisingafaniri kumira kuparidza?—Ona vhesi 29, 38, ne39.

      MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Nei Zvapupu zvaJehovha zvichiparidza paimba neimba?”

      • Ungamupindura sei?

      PFUPISO

      Jesu akarayira vateveri vake kuti vaparidze mashoko akanaka kuvanhu vemarudzi ese. Jehovha ari kubatsira vanhu vake kuti vaite basa iri.

      Kudzokorora

      • Mashoko akanaka ari kuparidzwa sei pasi rese?

      • Ushumiri hwedu hunoratidza sei kuti tinoda vavakidzani vedu?

      • Unofunga kuti basa rekuparidza rinonakidza here? Nei uchidaro?

      Edza Izvi

      WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

      Ona kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza sei mumaguta akakura.

      Kuparidza Munzvimbo Dzinopfuura Nevakawanda muParis (5:11)

      Zvapupu zvaJehovha zvinoita sei kuti zviparidzire vapoteri?

      Kupedza Nyota Ine Vapoteri Pane Zvekunamata (5:59)

      Inzwa mumwe mukadzi achitaura kuti ari kunzwa sei nebasa rake semumishinari.

      Ndinofara Kuti Ndakasarudza Basa Iri (6:29)

      Verenga nezvedzimwe nyaya dzemumatare dzakabatsira kuti basa rekuparidza rirambe richifambira mberi.

      “Vaparidzi voUmambo Vanoendesa Nyaya Dzavo Kumatare” (Umambo hwaMwari Huri Kutonga!, chitsauko 13)

      a Mwari ndiye akatuma Zvapupu zvaJehovha kuti zviparidze. Saka hazvimiriri kupiwa mvumo nehurumende kuti zviite basa racho.

  • Umambo hwaMwari Hwava Kutonga!
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • 5. Zvinhu zvakachinja panyika kubva muna 1914

      Ngationei VHIDHIYO.

      VHIDHIYO: Zvinhu Zvakachinja Panyika Kubva Muna 1914 (1:10)

      Jesu akataura zvinhu zvaizoitika panyika pashure pekunge agadzwa kuva Mambo. Verengai Ruka 21:9-11, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

      • Pane zvataurwa mumavhesi aya, ndezvipi zvauri kuona zvichiitika kana zvawakanzwa nezvazvo?

      Pauro akataura nezveunhu hwaizova nevanhu mumazuva ekupedzisira eutongi hwevanhu. Verengai 2 Timoti 3:1-5, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

      • Pane zvataurwa mumavhesi aya ndezvipi zvauri kuonawo muvanhu mazuva ano?

      Mifananidzo: Mifananidzo iri kuratidza zviri kuitika panyika mumazuva ekupedzisira. 1. Mutungamiriri wemauto achishevedzera akasimudza ruoko. 2. Zvivakwa zvaparara pashure pekudengenyeka kwenyika. 3. Ndege dzehondo. 4. Vanhu vari kufamba vakavhara muromo nemhuno. 5. Zvivakwa zvinonzi Twin Towers zviri muNew York zvichiparadzwa nemagandanga. 6. Munhu ari kuzvibaya madhiragi. 7. Murume ari kushusha mukadzi. 8. Doro nemadhiragi akasiyana-siyana. 9. Vakadzi vaviri vakapfeka hembe dziri mufashoni vachizvitora pikicha. 10.Vanhu vari pamafaro. 11. Munhu ari kuratidzira akabata chinhu chaari kuda kupotsera.

      6. Kuziva kuti Umambo hwaMwari hwava kutonga kunotipa simba

      Verengai Mateu 24:3, 14, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

      • Ibasa ripi rinokosha rinoratidza kuti Umambo hwava kutonga?

      • Ungaita sei kuti ubatane nevamwe pakuita basa iri?

      Umambo hwaMwari hwakatotanga kutonga uye zuva rekuti nyika yese ive mumaoko ahwo rava pedyo. Verengai VaHebheru 10:24, 25, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

      • Mumwe nemumwe wedu anofanira kuita sei patiri kuona “zuva richiswedera kudai”?

      Mifananidzo: 1. Munhu ari kudzidza bhaibheri ari pamusangano weZvapupu zvaJehovha. 2. Iye zvino ava kuparidza.

      Kana ukaziva chimwe chinhu chinogona kubatsira kana kuponesa vanhu, unofanira kuita sei?

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe